< Mapisarema 26 >

1 Pisarema raDhavhidhi. Nditongerei, imi Jehovha, nokuti ndakararama upenyu husina chahungapomerwa; ndakavimba naJehovha ndisingazungunuki.
“A psalm of David.” Be thou my judge, O LORD! for I have walked in uprightness. I have put my trust in the LORD, therefore shall I not fall.
2 Ndiedzei, imi Jehovha, ndinzverei, nzverai mwoyo wangu nendangariro dzangu;
Examine me, O LORD! and prove me; Try my reins and my heart!
3 nokuti rudo rwenyu rwuri pamberi pangu nguva dzose, uye ndinogara ndichifamba muzvokwadi yenyu.
For thy kindness is ever before my eyes, And I walk in thy truth.
4 Handigari navanhu vanonyengera, kana kufambidzana navanyengeri;
I sit not with men of falsehood. And go not in company with dissemblers.
5 ndinovenga ungano yavaiti vezvakaipa, uye ndinoramba kugara navakaipa.
I hate the assembly of evil-doers, And do not sit with the wicked.
6 Ndinoshamba maoko angu ndisina mhaka, uye ndinofamba-famba paaritari yenyu, imi Jehovha,
I wash my hands in innocence. And go around thine altar. O LORD!
7 ndichiparidza rumbidzo yenyu nenzwi guru, uye ndichireva zvamabasa enyu ose anoshamisa.
To utter the voice of thanksgiving, And tell of all thy wondrous works.
8 Ndinoda imba yamunogara, imi Jehovha, nzvimbo inogara kubwinya kwenyu.
O LORD! I love the habitation of thy house, The place where thine honor dwelleth!
9 Regai kubatanidza mweya wangu navatadzi, noupenyu hwangu navanoteura ropa,
Gather not my breath with sinners, Nor my life with men of blood,
10 vana maoko akabata zvakaipa, vazere nefufuro mumaoko avo orudyi.
In whose hands is mischief, And whose right hands are full of bribes!
11 Asi ini ndinogara upenyu husina chahungapomerwa; ndidzikinurei uye mundinzwire ngoni.
But as for me, I walk in my integrity; Oh, redeem me, and be merciful to me!
12 Tsoka dzangu dzimire pakati chechetere; ndicharumbidza Jehovha paungano huru.
My feet tread in a straight path; In the congregation will I bless the LORD.

< Mapisarema 26 >