< Isaya 16 >

1 Mpeleke mwana kondoo kuongoza nchi kutoka Sela huko jangwani, kwenye mlima wa binti Sayuni.
Tumirai mutero wamakwayana kumutongi wenyika, kubva kuSera, zvichiyambukira kurenje, kugomo roMwanasikana weZioni.
2 Kama ndege wazururao, viota vimetapakaa, hivyo basi wanawake wa Moabu watavuka kwenye mto Arnoni.
Kufanana neshiri dzadzungaira dzichisundidzirwa kubva mudendere, ndizvo zvakaita vakadzi veMoabhu pamazambuko eAmoni.
3 Toa maelekezo, tekeleza haki; toa kivuli kama usiku wakati wa mchana; wahifadhi watuhumiwa; msiwahini watuhumiwa.
“Tipeiwo zano, ruramisirai. Ita mumvuri wako kuti ufanane nousiku, pamasikati makuru. Viga vatizi, usapandukira vapoteri.
4 Waache waishi miongoni mwenu, wakimbizi kutoka Moabu; muwe mahali pakujifichia wao wasiangamizwe.'' maana mateso yatakwisha, na uharibifu utapungua utakuwa na kikomo, wale wanotetemeka watapotea katika nchi.
Rega vatizi veMoabhu vagare newe, iva utiziro hwavo kubva kumuparadzi.” Mutambudzi achasvika kumagumo, uye kuparadza kuchapera; mudenhi achatsakatika panyika.
5 Kiti cha enzi kitaanzishwa katika agano la uaminifu; na mmoja katika hema la Daudi atakaa pale kwa uaminifu. Atahukumu kwa kufuata haki na atatenda haki.
Murudo, chigaro choushe chichasimbiswa; mukutendeka, munhu achagarapo, mumwe anobva kuimba yaDhavhidhi, uyo anoti achitonga anotsvaka kururamisira, uye achikurumidza kuita zvakarurama.
6 Tumesikia kiburi cha Moabu, kiburi chake, majivuno yake, na hasira yake. Lakini majivuno yake ni maneno tu.
Takanzwa nezvokuzvikudza kwaMoabhu, namanyawi ake makuru uye kuzvida kwake, kuzvikudza kwake nokuvirima kwake, asi kuzvirumbidza kwake hakuna maturo.
7 Hivyo basi Moabu atalia juu ya Moabu-wote watalia! wataomboleza, nyie mlioharibiwa kabisa, mikate ya Kira Haresethi.
Naizvozvo vaMoabhu voungudza, vanoungudzira Moabhu pamwe chete. Chemai musuwe nokuda kwavarume veKiri Hareseti.
8 Shamba la Heshboni limekauka kabisa pamoja na mizabibu ya Sibma. Kiongozi wa mataifa amekanyaga mizabibu iliyochaguliwa na kuelekea Jazeri na kuelekea jangwani. Mizizi yake nje ya nchi; imenda juu ya bahari.
Minda yeHeshibhoni yaoma uye mazambiringa eSibhima aomawo. Vatongi vendudzi vatsika-tsika mizambiringa yakaisvonaka, iyo yaimbosvika kuJazeri uye yaitandira yakananga kurenje. Mabukira ayo aitandira kusvika kugungwa.
9 Kweli nitalia pamoja Jazeri kwasababu ya shamba la mizabibu la Sibma. Nitakuloanisha kwa machozi yangu, Heshboni, na Eleale. Maana katika mashamba yenu kipindi cha majira ya joto matunda na mazao nitaishia kwa kupiga kelele za furaha.
Saka ndinochema, sokuchema kweJazeri, nokuda kwemizambiringa yeSibhima. Haiwa Heshibhoni, haiwa Ereare, ndichakudiridza nemisodzi! Ruzha rwomufaro pamusoro pemizambiringa yakaibva napamusoro pezvamakakohwa rwanyaradzwa.
10 Furaha na shangwe zimezimwa na matunda ya miti ya shambani; na hakuna nyimbo wala kelele katika mashamba ya mizabibu, maana nimeweka mwisho wa kupiga kelele kwa yeyote anayetembea.
Mufaro nokufarisisa zvabviswa paminda yemizambiringa; hapana anoimba kana kuita ruzha muminda yemizambiringa; hapana anosvina waini pazvisviniro, nokuti ndagumisa ruzha rwacho.
11 Hivyo, moyo wangu unalia kama kinubi, na ndani yangu maana kwa ajili ya Kiri Hareseth.
Mwoyo wangu unorira nokuda kwaMoabhu, kufanana nokurira kwembira, mukati kati mangu munorira nokuda kweKiri Hareseti.
12 Pindi ambapo Moabu wamejivika mahali pa juu, na kuingia katika hekalu kuomba, maombi yake hayatatimiza chochote.
Zvino kana Moabhu achizviratidza panzvimbo dzake dzakakwirira, anenge achingozvinetsa pachake; paanoenda kuimba yake kunonyengetera, zvinenge zvisina chazvinobatsira,
13 Haya ndio maneno aliyoyazungumza Yahwe kuhusu Moabu iliyopita.
Iri ndiro shoko rakataurwa kare naJehovha pamusoro peMoabhu.
14 Tena Yahwe amesema, ''Ndani ya miaka mitatu utukufuwa Moabu utatoweka; japo watu wake wengi, watakao bakia ni wachache, na wasionafaida.
Asi zvino Jehovha anoti, “Makore matatu asati apfuura, sokuverengwa kwaangaitwa nomuranda akazvisunga kubatira mubayiro, kukudzwa kweMoabhu navanhu vake vose vakawanda kuchazvidzwa, uye vakapunyuka vake vachava vashoma kwazvo uye vasina simba.”

< Isaya 16 >