< Isaya 26 >

1 Siku hiyo wimbo huu utaimbwa katika nchi ya Yuda: Tuna mji imara; Mungu amefanya wokovu katika kuta na ngome zake.
Pazuva iro rwiyo urwu ruchaimbwa munyika yaJudha: Tine guta rakasimba; Mwari anoita kuti ruponeso ruve masvingo nenhare dzaro.
2 Fungua lango, ili mataifa yenye haki yaweze na yenye kutunza imani yaweze kuingia ndani.
Zarurai masuo kuti rudzi rwakarurama rupinde, rudzi runochengeta kutenda.
3 Akili mlionayo, mtamuhifadhi yeye katika amani kamili, maana anawamini ninyi.
Muchachengeta murugare rwakakwana munhu ane mufungo wakasimba, nokuti anovimba nemi.
4 Mwamini Yahwe daima; maana Yaha, Yahwe, ni mwamba wa milele.
Vimba naJehovha nokusingaperi, nokuti Jehovha, iye Jehovha ndiye Dombo rokusingaperi.
5 Maana atawashusha wale wote wenye kiburi; mji ulio juu atushusha chini, ataushusha chini kwenye aridhi; na ataulinganisha na mavumbi.
Anoderedza avo vagere pakakwirira, anodzikisa pasi guta rapamusoro; anorideredza kusvikira pavhu uye anorikanda muguruva.
6 Utakanyagwakanyagwa chini na miguu ya walio masikini na wahitaji.
Tsoka dzicharitsikirira pasi, tsoka dzavakamanikidzwa, idzo tsoka dzavarombo.
7 Mapito ya mwenye haki yamenyooka, Wenye haki; mapito ya wenye haki umeyanyoosha.
Nzira yavakarurama yakati chechetere; imi Akarurama, munoita kuti nzira yavakarurama iti chechetere.
8 Ndio, kaika mapito ya hukumu yako, Yahwe, tunakusubiri wewe; jina lako na sifa zako ni matamanio yetu.
Hongu, Jehovha tichifamba munzira yomurayiro wenyu, tinokumirirai; zita renyu nemukurumbira wenyu ndizvo chishuwo chemwoyo yedu.
9 Nimekutamani wewe wakati wa usiku; ndio, roho iliyo ndani yangu ina kutafuta kwa bidii. Pindi hukumu yako itakapokuja duniani, wenyeji wa duniani watajua kuhusu haki.
Mwoyo wangu unokushuvai pausiku; mangwanani, mweya wangu unokupangai. Kutonga kwenyu pakunouya panyika, vanhu vanogara panyika vanodzidza zvokururama.
10 Na tuonyeshe upendeleo kwa waovu, lakini hawatajifunza haki. katika nchi ya wanyofu anatenda maovu na haoni ukuu wa Yahwe.
Kunyange nyasha dzichiratidzwa kuna vakaipa, ivo havadzidzi kururama; kunyange munyika yokururama, vanongoramba vachiita zvakaipa, uye havana hanya noukuru hwaJehovha.
11 Yahwe, mkono wako umenyanyuliwa juu, lakini hawapati hizo taarifa. Lakini wataona bidii kwa watu na wataona aibu, kwa sababu idadi ya maadui watawatafuna.
Haiwa Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzirwa kumusoro, asi havaruoni. Ngavaone kushingaira kwenyu pamusoro pavanhu venyu vagonyadziswa; moto wakachengeterwa vavengi venyu ngauvaparadze.
12 Yahwe, utaleta amani kwetu, maana kweli, umekamilisha kazi zetu zote.
Jehovha, imi munotigadzirira rugare; zvose zvatakakwanisa ndimi makatiitira.
13 Yahwe Mungu wetu, viongozi wengine badala yako wametutawala sisi; Lakini tunalitukuza jina lako.
Haiwa Jehovha Mwari wedu, mamwe madzishe kunze kwenyu akatitonga, asi zita renyu ndiro ratinokudza chete.
14 Wamekufa, hawataishi tena; ni maremu hao, hawatafufuka tena. Kweli, umekuja kuwahukumu na kuwaharibu wao, na umefanya kila kumbukumbu kutoweka.
Ivo vakafa zvino, havachararamizve; mweya yavakafa haimuki. Makavaranga mukavaparadza; makabvisa chirangaridzo chavo.
15 Umeliongeza taifa, Yahwe, umeliongeza taifa; umeheshimiwa; umeinuliwa katika mipaka yote ya nchi.
Makakurisa rudzi, imi Jehovha; makakurisa rudzi. Makazviwanira mukurumbira; mukakurisa miganhu yose yenyika.
16 Yahwe, katika mateso yao walikuangalia wewe; walipatwa na wasiwasi katika maombi yao maana adhabu yako ilikuwa juu yao.
Jehovha, vakauya kwamuri mumatambudziko avo; pamakavarova, havana kugona kuzevezera munyengetero.
17 Kama mwanamke mjamzito anayekaribia kujifungua, hupatwa na uchungu na hulia kwa uchungu, hivyo ndivyo tulivyokuwa kabla, Bwana.
Sezvinoita mukadzi ane mimba oda kusununguka, anomonyoroka mukurwadziwa kwake, agochema kwazvo, ndizvo zvatakanga takaita pamberi penyu, imi Jehovha.
18 Tulikuwa wajawazito, tumekuwa katika mateso, lakini ni kama tumeshajifungua katika akili zetu. Hatujauleta wokovu duniani, na wakazi wa duniani hawakuanguka.
Takanga tine mimba, tichimonyoroka mukurwadziwa, asi takabereka mhepo. Hatina kuvigira nyika ruponeso; hatina chatakaberekera vanhu venyika.
19 Wafu wenu wataishi; watu wenu walio kufa watafufuka. Amka na uimbe kwa furaha, njie muishio mavumbini; maana umande wenu ni umande wa mwanga, na dunia itawaleta mbele wafu wake.
Asi vakafa venyu vachararama; miviri yavo ichamuka. Imi mugere muguruva, mukai mupembere. Dova renyu rakaita sedova ramangwanani; nyika ichabudisa vakafa vayo.
20 Enendeni, watu wangu, ingieni katika vyumba vyenu na mfunge mlango nyuma yenu; jificheni kwa mda mfupi, mpaka hasira itakapopita.
Chiendai, vanhu vangu, pindai mumakamuri enyu, mugopfiga mikova shure kwenyu; muvande kwechinguva kusvikira kutsamwa kwake kwapfuura.
21 Maana, angalia, Yahwe anakaribia kutoka katika eneo lake kuwahadhibu watu waishio duniani kwa ajili ya makosa yao; dunia itaachia umwagaji wa damu, na hawatawaficha tena waliokufa.
Tarirai, Jehovha ari kubuda muugaro hwake, kuti arange vanhu venyika nokuda kwezvivi zvavo. Nyika ichafukura ropa rakateurwa pamusoro payo; haichazovanzizve vakaurayiwa vayo.

< Isaya 26 >