< Ezekieli 6 >

1 Neno la Yahwe likanijia, likisema,
Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2 “Mwana wa adamu, weka uso wako dhidi ya milima ya Israeli na uwatabirie.
“Mwanakomana womunhu, rinzira meso ako kumakomo eIsraeri; uprofite pamusoro pawo
3 Sema, 'Milima ya Israeli, silikilizeni neno la Bwana Yahwe! Bwana Yahwe asema hivi kwenye milima kwenye vilele, kwenye vijito na kwenye mabonde: Tazama! Naleta upanga dhidi yenu, na nitapaharibu pahali penu pa juu.
uchiti, ‘Imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha. Zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nezvikomo, kuhova nokumipata: Ndava pedyo nokuuyisa munondo kuti uzokurwisai, uye ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira.
4 Kisha madhabahu zenu zitakuwa ukiwa na nguzo zenu zitaharibiwa, na nitatupa chini wafu wenu mbele ya sanamu zao.
Aritari dzenyu dzichaondomorwa uye aritari dzenyu dzezvinonhuhwira dzichaputswa; uye ndichauraya vanhu venyu pamberi pezvifananidzo zvenyu.
5 Nitalaza miili iliyokufa kwa watu wa Israeli mbele ya sanamu zao, na kuitawanya mifupa yenu kuzizunguka madhabahu zenu.
Ndicharadzika zvitunha zvavaIsraeri pamberi pezvifananidzo zvavo, uye ndichaparadzira mapfupa enyu pamativi ose earitari dzenyu.
6 Kila mahali utaishi, miji itaharibiwa na mahali pa juu kuangamia, hivyo basi madhabahu zenu zitaharibiwa na kufanywa ukiwa. Kisha zitavunjwa na kupotea, nguzo zenu zitaangushwa chini na kazi zenu zitafutwa mbali.
Pose pamunogara, maguta achaparadzwa uye nzvimbo dzakakwirira dzichakoromorwa, kuitira kuti aritari dzenyu dziparadzwe ave matongo, zvifananidzo zvenyu zvipwanyiwe uye zviparadzwe, aritari dzenyu dzezvinonhuhwira dziputsirwe pasi, uye zvamakaita zvipedzwe chose.
7 Waliokufa wataanguka chini kati yenu nanyi mtajua kwamba mimi ni Yahwe.
Vanhu venyu vachawira pasi ivo vaurayiwa pakati penyu, uye muchaziva kuti ndini Jehovha.
8 Lakini nitahifadhi mabaki kwenu, na kutakuwa na wale watakao toroka upanga miongoni mwa mataifa,
“‘Asi ndichasiya vamwe, nokuti vamwe venyu vachapunyuka pamunondo pamuchaparadzirwa pakati penyika nendudzi.
9 Kisha wale watakao toroka watanikumbuka miongoni mwa mataifa amabapo watakapochukuliwa mateka, ndivyo nitakavoyowaponda mioyo yao ya kikahaba ambayo imeniacha, na kwa macho yao ya kikahaba kufuata sanamu zao. Kisha wataonyesha chuki kwenye nyuso zao kwa udhaifu walioufanya kwa machukizo yao yote.
Ipapo vakapunyuka vachandirangarira vari pakati pendudzi kwavakaendeswa kuutapwa, kuti ndakashungurudzwa sei nemwoyo yavo youfeve, iyo yakatsauka kubva kwandiri, uye nameso avo, akachiva zvifananidzo zvavo. Vachazvisema pachavo nokuda kwezvakaipa zvavakaita nezvinyangadzo zvavo zvose.
10 Hivyo watajua kwamba mimi ni Yahwe. Kulikuwa na sababu kwamba nimesema nitaleta huu uovu kwao.
Uye vachaziva kuti ndini Jehovha; handina kutaura pasina kuti ndichauyisa njodzi iyi pamusoro pavo.
11 Bwana Yahwe asema hivi: Piga makofi na kanyaga kwa mguu wako! Sema! 'Ole!' kwa sababu ya uovu wote wa chukizo wa nyumba ya Israeli! Wataanguka kwa upanga, njaa, na tauni.
“‘Zvanzi naIshe Jehovha: Rovai maoko enyu pamwe chete uye mudzane-dzane netsoka dzenyu mudanidzire muchiti, “Maiwe!” nokuda kwezvakaipa zvose nezvinonyangadza zveimba yaIsraeri, nokuti vachaurayiwa nomunondo, nzara nedenda.
12 Yule aliye mbali sana atakufa kwa tauni, na yule aliyekaribu ataanguka kwa upanga. Wale watakaobaki na kuishi watakufa kwa upanga. Kwa njia hii ndivyo nitakavyo kamilisha madhabahu yangu dhidi yao.
Ari kure achaurayiwa nedenda, uye ari pedyo achaurayiwa nomunondo, uye uyo achapona akararama, achafa nenzara. Saka ndichapedzera hasha dzangu pamusoro pavo.
13 Kisha mtajua kwamba mimi ni Yahwe, wakati waliokufa watakapolala kati ya sanamu zao, kuzizunguka madhabahu, kwa kila mlima mrefu-juu ya vilele vya mlima, na chini ya mti wenye majani mabichi na mwalo mnene-sehemu wanapochomea ubani kwa sanamu zao zote.
Uye vachaziva kuti ndini Jehovha, kana vanhu vavo vakaurayiwa vari pakati pezvifananidzo zvavo zvakapoteredza aritari dzavo, napazvikomo zvose zvakakwirira napamusoro pamakomo ose, napasi pemiti yakapfumvutira nemiti yomuouki yose ina mashizha panzvimbo dzavaipira zvinonhuhwira kuzvifananidzo zvavo zvose.
14 Nitapiga kwa mkono wangu na kuifanya nchi ukiwa na isiyofaa, kutoka jangwa hata Dibla, kupita sehemu zote wanapoishi. Kisha watajua kwamba mimi ni Yahwe.”
Uye ndichatambanudza ruoko rwangu kuti ndivarwise ndigoparadza nyika ndigoiita dongo kubva kugwenga kusvikira kuDhibhira, kwose kwose kwavanogara. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’”

< Ezekieli 6 >