< Ezekieli 5 >

1 “Kisha wewe mwana wa adamu, chukua upanga mkali kama wembe wa kinyozi kwa ajili yako mwenyewe, na pitisha hayo makali juu ya kichwa chako na ndevu zako, kisha chukua mizani za kupimia uzito na uzigawanye nywele zako.
“Zvino, Mwanakomana womunhu, tora munondo unopinza ugoushandisa sechisvo chomugeri kuti uveure musoro wako nendebvu dzako. Ipapo utore zviyero zviviri ugokamura bvudzi.
2 Choma theluthi ya tatu ya hiyo kwa moto katikati ya mji wakati siku za kuzingirwa zitakapokamilika, na chukua theluthi ya nywele na uipige kwa panga na kuuzunguka mji. Kisha tawanya theluthi yake kwenye upepo, na nitasogeza panga karibu ili kufukuza watu.
Panopera mazuva okukomba kwako, upise nomoto chikamu chimwe chete kubva muzvitatu chebvudzi uri mukati meguta. Ugotora chimwe chikamu chimwe chete kubva muzvitatu uchiteme nomunondo uchipoteredza guta. Ugoparadzira chimwe chikamu chimwe chete kubva muzvitatu kumhepo. Nokuti ini ndichavadzingirira nomunondo wakavhomorwa.
3 Lakini chukua kiasi kidogo cha nywele na zifunge kwenye pindo za nguo yako.
Asi utore rimwe bvudzi shoma shoma uriise pamipendero yenguo dzako.
4 Kisha chukua tena zile nyewele na zitupe katikati ya moto; na zichome kwenye moto; kutoka hapo utatoka nje kwenda nyumba zote za Israeli.”
Uyezve, utore rimwe shoma racho urikande mumoto ugoripisa. Moto uchapararira kubva ipapo uchienda kuimba yose yaIsraeri.
5 Bwana Yahwe asema hivi, “Hii ndio Yerusalemu katikati ya mataifa, nilipomuweka, na ambapo nilipomzunguka kwa nchi zingine.
“Zvanzi naIshe Jehovha: Iri ndiro Jerusarema, randakaisa pakati pendudzi, nenyika dzakaripoteredza.
6 Lakini anaudhaifu wa kukataa amri zangu zaidi kuliko mataifa yalivyo, na sheria yangu zaidi kuliko mataifa ambayo yanayomzunguka. Watu wamezikataa humuku zangu na kuacha kutembea katika sheria zangu.”
Asi pakuipa kwaro rakamukira mirayiro yangu nemitemo yangu kupfuura ndudzi nenyika dzakaripoteredza. Rakaramba mirayiro yangu uye harina kutevera mitemo yangu.
7 Kwa hiyo Bwana Yahwe asema hivi, “Kwa sababu mmekuwa kikwazo kuliko mataifa ambayo yanayowazunguka na kuacha kutembea kwenye amri zangu wala kutenda kulingana na amri zangu, wala hata kutenda kulingana na amri za mataifa yanayowazunguka,”
“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Wanga usingazvidzori kupfuura ndudzi dzakakupoteredza uye hauna kutevera mitemo yangu kana kuchengeta mirayiro yangu. Hauna kana kumbotevedzera tsika dzendudzi dzakakupoteredza.
8 kwa hiyo Bwana asema hivi, “Tazama! Mimi mwenyewe nitatenda juu yenu. Nitato hukumu kati yenu ili mataifa waone.
“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ini iyeni ndinokurwisa iwe Jerusarema, uye ndichakuranga pamberi pedzimwe ndudzi.
9 Nitawafanyia yale ambayo sijawahi kuyafanya na kile ambacho sintokifanya tena, kwa sababu ya matendo yenu ya kuchukiza.
Nokuda kwezvifananidzo zvako zvinonyangadza, ndichakuitira zvandisina kumboita kare uye handichazozviitizve.
10 Kwa hiyo baba watawala watoto kati yenu, na watoto watawala baba zao, kwa kuwa nitafanya hukumu juu yenu na kuwatawanya kila mahali wote ninyi mliobaki.
Naizvozvo pakati pako madzibaba vachadya vana vavo, uye vana vachadya madzibaba avo. Ndichakuranga uye ndichaparadzira vakasara vako vose kumhepo zhinji.
11 Kwa hiyo, kama niishivyo-hivi ndivyo Bwana Yahwe asemavyo-bila shaka hii ilikuwa kwa sababu umapanajisi patakatifu pangu kwa mambo ya machukizo yako yote na kwa matendo yako yote niyachukiayo, kwamba mimi mwenyewe nitakupunguza katika hesabu; jicho langu halitakuhurumia, na sintoacha kukuharibu.
Naizvozvo noupenyu hwangu zvirokwazvo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, nokuti wakasvibisa nzvimbo yangu tsvene nezvakaumbwa zvako zvinonyangadza uye namaitiro ako anosemesa, ini ndimene ndichabvisa nyasha dzangu kwauri handichakutarisi netsitsi kana kukuponesa.
12 Theluthi yenu mtakufa kwa tauni, na wataliwa na njaa katikati yenu. Theluthi wataanguka kwa upanga likiwazunguka. Kisha nitawatawanya theluthi katika mahali pote, na nitafuatisha upanga kuwafukuza pia.
Chikamu chimwe chete kubva muzvitatu chavanhu vako vachafa nehosha kana kufa nenzara mukati mako; chimwe chikamu chimwe chete kubva muzvitatu chichawa nokuda kwomunondo kunze kwamasvingo ako; uye chimwe chikamu chimwe chete kubva muzvitatu ndichachiparadzira kumhepo zhinji ndigochitevera nomunondo wakavhomorwa.
13 Hivi ndivyo ghadhabu yangu itavyokamilika, na nitasababisha ghadhabu yangu juu yao hata kulala. Nitajiridhisha, na watajua kwamba, mimi Yahwe, nimenena kwa ghadhabu yangu wakati nitakapo kamilisha ghadhabu yangu dhidi yao.
“Ipapo kutsamwa kwangu kuchapera uye hasha dzangu dzichabva pamusoro pavo, uye ndichange ndatsiva. Uye hasha dzangu padzichange dzapera pamusoro pavo, vachaziva kuti ini Jehovha ndazvitaura nokushingaira kwangu.
14 Nitakufanya mkiwa kwa mataifa yanayokuzunguka kwenye uso wa kila mtu apitaye karibu.
“Ndichakuita dongo nechinhu chinoshorwa pakati pendudzi dzakakupoteredza, pamberi pavose vanopfuura napo.
15 Hivyo Yerusalemu itakuwa jambo kwa watu wengine kushutumu na kufanya mzaha, na chukizo kwa mataifa ambayo yanayowazunguka. Nitafanya hukumu dhidi yenu kwa ghadhabu na hasira, na kwa kukemea kwa hasira-Mimi, Yahwe nimesema hivi!
Uchava chinhu chinoshorwa nechiseko, yambiro nechinhu chinotyisa kundudzi dzakakupoteredza pandinokuranga mukutsamwa nehasha dzangu uye nechituko chinobaya. Ini Jehovha ndataura.
16 Nitatuma mishale mikali ya njaa juu yenu ambayo itakuwa na maana ya kwamba nitawaharibu. Kwa kuwa nitaongeza njaa juu yenu na kuvunja tegemeo lenu la mkate.
Pandinokupfura nemiseve yangu yenzara, inouraya uye inoparadza, ndichapfura kuti ndikuparadze. Ndichauyisa nzara pamusoro penzara pamusoro pako uye ndichamisa kupiwa kwako zvokudya.
17 Nitaleta njaa na majanga dhidi yenu hivyo mtakuwa wagumba. Tauni na damu zitapita kati yako, na nitaleta upanga dhidi yenu-Mimi Yahwe, nimesema hivi.”
Ndichatuma nzara nezvikara kuti zvizokurwisa, uye zvichakusiya usisina mwana. Denda nokuteuka kweropa zvichapfuura nomauri, uye ndichauyisa munondo pamusoro pako. Ini Jehovha ndataura.”

< Ezekieli 5 >