< Второе послание к Фессалоникийцам 2 >
1 Молим же вы, братие, о пришествии Господа нашего Иисуса Христа и нашем собрании о Нем,
Zvino tinokukumbirisai, hama, maererano nekuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, nekuunganira kwedu kwaari,
2 не скоро подвизатися вам от ума, ни ужасатися ниже духом, ниже словом, ни посланием аки от нас посланным, яко уже настоит день Христов.
kuti murege kukurumidza kuzununguswa mufungwa, kana kuvhunduswa, kana nemweya, kana neshoko, kana netsamba seinonyorwa nesu, sezvinonzi zuva raKristu ratosvika.
3 Да никтоже вас прельстит ни по единому же образу: яко аще не приидет отступление прежде, и открыется человек беззакония, сын погибели,
Ngakurege kuva nemunhu anokunyengerai nemutoo upi neupi; nokuti harisviki kunze kwekuti kuwa kwatanga kusvika, uye munhu wechivi aratidzwe, mwanakomana wekuparadzwa,
4 противник и превозносяйся паче всякаго глаголемаго Бога или чтилища, якоже ему сести в церкви Божией аки Богу, показующу себе, яко Бог есть.
anopikisa nekuzvikudza pamusoro pezvese zvinonzi Mwari, kana zvinonamatwa, kusvikira agara mutembere yaMwari saMwari, achizviratidza kuti ndiMwari.
5 Не помните ли, яко еще живый у вас, сия глаголах вам?
Hamurangariri here kuti ndichiri nemwi ndakakuudzai zvinhu izvi?
6 И ныне удержавающее весте, во еже явитися ему в свое ему время.
Asi ikozvino munoziva chinodzivirira kuti aratidzwe munguva yake pachake.
7 Тайна бо уже деется беззакония, точию держяй ныне дондеже от среды будет:
Nokuti chakavanzika chekusava nemurairo chotoshanda; chete aripo anodzivirira ikozvino, kusvikira achibviswa pakati.
8 и тогда явится беззаконник, егоже Господь Иисус убиет духом уст Своих, и упразднит явлением пришествия Своего,
Ipapowo asina murairo acharatidzwa, Ishe waachapedza nemweya wemuromo wake, uye waachaparadza nekuonekwa kwekuuya kwake;
9 егоже есть пришествие по действу сатанину во всяцей силе и знамениих и чудесех ложных,
iye kuuya kwake kwakaita sekuita kwaSatani nesimba rese nezviratidzo nezvinoshamisa zvenhema,
10 и во всякой льсти неправды в погибающих, зане любве истины не прияша, во еже спастися им.
nepakunyengera kwese kwekusarurama mune vanoparara, nokuti havana kugamuchira rudo rwechokwadi kuti vaponeswe.
11 И сего ради послет им Бог действо льсти, во еже веровати им лжи,
Uye nekuda kwaizvozvi Mwari achavatumira simba rekutsauka, kuti vatende nhema;
12 да суд приимут вси не веровавшии истине, но благоволившии в неправде.
kuti vese varaswe vasina kutenda chokwadi, asi vakafara mukusarurama.
13 Мы же должни есмы благодарити Бога всегда о вас, братие возлюбленная от Господа, яко избрал есть вас Бог от начала во спасение во святыни Духа и веры истины,
Asi isu tinofanira kuvonga Mwari nguva dzese pamusoro penyu, hama vadikanwi vaIshe, kuti Mwari kubva pakutanga wakakusarudzirai ruponeso pakuitwa vatsvene kweMweya nerutendo rwechokwadi;
14 в неже призва вас благовествованием нашим, в получение славы Господа нашего Иисуса Христа.
zvaakakudanirai neevhangeri yedu, pakuwana kubwinya kwaIshe wedu Jesu Kristu.
15 Темже убо, братие, стойте и держите предания, имже научистеся или словом, или посланием нашим.
Naizvozvo zvino, hama, mirai makasimba, mubatirire tsika dzamakadzidziswa, kana neshoko kana netsamba yedu.
16 Сам же Господь наш Иисус Христос, и Бог и Отец наш, возлюбивый нас и давый утешение вечно и упование благо в благодати, (aiōnios )
Zvino Ishe wedu Jesu Kristu amene, naMwari, kunyange Baba vedu vakatida, vakapa nyaradzo isingaperi netariro yakanaka munyasha, (aiōnios )
17 да утешит сердца ваша и да утвердит во всяцем слове и деле блазе.
anyaradze moyo yenyu, nekukusimbisai pashoko rega-rega rakanaka nebasa.