< VaRoma 16 >
1 Ndinorumbidza kwamuri Febhe hanzvadzi yedu, anova murandakadzi wekereke iri paKenikireya;
I commend to you Phoebe, our sister, who is a servant of the assembly that is at Cenchreae,
2 kuti mumugamuchire muna Ishe sezvinofanira vatsvene, uye kuti mumubatsire panhau ipi neipi yaangashaiwa kwamuri; nokuti iyewo wakava mubatsiri wevazhinji, newangu ndomene.
that you receive her in the Lord in a way worthy of the saints, and that you assist her in whatever matter she may need from you, for she herself also has been a helper of many, and of my own self.
3 Kwazisai Prisira naAkwira vashandi pamwe neni muna Kristu Jesu.
Greet Prisca and Aquila, my fellow workers in Christ Jesus,
4 Ivo nekuda kweupenyu hwangu vakaradzika mutsipa wavo pachavo, vandisingavongi ini ndega, asi nemakereke ese evahedheni;
who risked their own necks for my life, to whom not only I give thanks, but also all the assemblies of the Gentiles.
5 kwazisaiwo kereke iri paimba yavo. Kwazisai Epaeneto mudikanwi wangu, anova chibereko chekutanga cheAkaya muna Kristu.
Greet the assembly that is in their house. Greet Epaenetus, my beloved, who is the first fruits of Achaia to Christ.
6 Kwazisai Maria, wakatishandira zvikuru.
Greet Mary, who labored much for us.
7 Kwazisai Andoroniko naJunia hama dzangu nevakasungwa pamwe neni, vane mbiri pakati pevaapositori, vakanditangirawo kuva muna Kristu.
Greet Andronicus and Junia, my relatives and my fellow prisoners, who are notable among the apostles, who were also in Christ before me.
8 Kwazisai Amupiriyasi mudikanwi wangu muna Ishe.
Greet Amplias, my beloved in the Lord.
9 Kwazisai Obhano mushandi pamwe nesu muna Kristu, naStako mudikanwi wangu.
Greet Urbanus, our fellow worker in Christ, and Stachys, my beloved.
10 Kwazisai Apere anotendwa muna Kristu. Kwazisai vekwaArisitobhuro.
Greet Apelles, the approved in Christ. Greet those who are of the household of Aristobulus.
11 Kwazisai Herodhio hama yangu. Kwazisai vekwaNakiso, vari muna Ishe.
Greet Herodion, my kinsman. Greet them of the household of Narcissus, who are in the Lord.
12 Kwazisai Trufaina naTrufosa vakadzi vanoshanda muna Ishe. Kwazisai Perisisi mukadzi anodikanwa, wakashanda zvikuru muna Ishe.
Greet Tryphaena and Tryphosa, who labor in the Lord. Greet Persis, the beloved, who labored much in the Lord.
13 Kwazisai Rufosi wakasanangurwa muna Ishe, namai vake vari vanguwo.
Greet Rufus, the chosen in the Lord, and his mother and mine.
14 Kwazisai Asingirita, Firegoni, Herimasi, Patrobhasi, Herimesi, nehama dzinavo.
Greet Asyncritus, Phlegon, Hermes, Patrobas, Hermas, and the brothers who are with them.
15 Kwazisai Firorogosi naJuria, Nerusi nehanzvadzi yake, naOrimba, nevatsvene vese vanavo.
Greet Philologus and Julia, Nereus and his sister, and Olympas, and all the saints who are with them.
16 Kwazisanai nekutsvoda kutsvene. Makereke aKristu anokukwazisai.
Greet one another with a holy kiss. The assemblies of Christ greet you.
17 Zvino ndinokukumbirisai, hama, ngwarirai avo vanoita mhesaniso uye zvigumbuso, zvinopesana nedzidziso yamakadzidza imwi, uye muvanzvenge.
Now I beg you, brothers, look out for those who are causing the divisions and occasions of stumbling, contrary to the doctrine which you learned, and turn away from them.
18 Nokuti vakadaro havashandiri Ishe wedu Jesu Kristu, asi dumbu ravo; uye neshoko rakanaka nekutaura kwakanaka vanonyengera moyo yevasina mhosva.
For those who are such do not serve our Lord Jesus Christ, but their own belly; and by their smooth and flattering speech they deceive the hearts of the innocent.
19 Nokuti kuteerera kwenyu kwakasvika kune vese. Naizvozvo ndinofara pamusoro penyu; asi ndinoda kuti muve vakachenjera kune chakanaka, asi vakachena kune chakaipa.
For your obedience has become known to all. I rejoice therefore over you. But I desire to have you wise in that which is good, but innocent in that which is evil.
20 Zvino Mwari werugare achakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi. Ameni.
And the God of peace will quickly crush Satan under your feet. The grace of our Lord Jesus Christ be with you.
21 Timotio, mushandi pamwe neni, naRukio naJasoni naSosipatro hama dzangu vanokukwazisai.
Timothy, my fellow worker, greets you, as do Lucius, Jason, and Sosipater, my relatives.
22 Ini Tetiosi, anonyora tsamba, ndinokukwazisai muna Ishe.
I, Tertius, who write the letter, greet you in the Lord.
23 Gayosi, mugamuchiri wangu nekereke yese, anokukwazisai. Erastosi muchengeti wemari yeguta anokukwazisai, naKwaritosi hama.
Gaius, my host and host of the whole assembly, greets you. Erastus, the treasurer of the city, greets you, as does Quartus, the brother.
24 Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemwi mese. Ameni.
The grace of our Lord Jesus Christ be with you all! Amen.
25 Zvino kune ane simba rekukusimbisai sezvinoreva evhangeri yangu nekuparidzwa kwaJesu Kristu, zvichienderana nekuzarurwa kwezvakavanzika, zvisina kutaurwa zvakavanzwa nguva dzakare, (aiōnios )
Now to him who is able to establish you according to my Good News and the preaching of Jesus Christ, according to the revelation of the mystery which has been kept secret through long ages (aiōnios ),
26 asi ikozvino zvinoratidzwa, uye nemagwaro evaporofita semurairo waMwari wekusingaperi, wakaziviswa kumarudzi ese pakuteerera kwerutendo, (aiōnios )
but now is revealed, and by the Scriptures of the prophets, according to the commandment of the consummate (aiōnios ) God, is made known for obedience of faith to all the nations;
27 kuna Mwari iye wakachenjera ega ngakuve nekurumbidzwa naJesu Kristu, kusvika narinhi. Ameni. (aiōn )
to the only wise God, through Jesus Christ, to whom be the glory for the ages (aiōn ) of the ages (aiōn )! Amen.