< 1 VaKorinde 1 >
1 Pauro wakadanwa kuva muapositori waJesu Kristu nechido chaMwari, naSositenesi hama,
Paul, called to be an apostle of Jesus Christ through the will of God, and our brother Sosthenes,
2 kukereke yaMwari iri paKorinde, kune vakaitwa vatsvene muna Jesu Kristu, vakadanwa kuva vatsvene, pamwe nevese vanodana kuzita raIshe wedu Kristu Jesu panzvimbo yega-yega, wavo neweduwo:
to the assembly of God which is at Corinth—those who are sanctified in Christ Jesus, called saints, with all who call on the name of our Lord Jesus Christ in every place, both theirs and ours:
3 Nyasha kwamuri nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu.
Grace to you and peace from God our Father and the Lord Jesus Christ.
4 Ndinovonga Mwari wangu nguva dzese maererano nemwi, nekuda kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwamuri muna Kristu Jesu;
I always thank my God concerning you for the grace of God which was given you in Christ Jesus,
5 kuti pachinhu chese makafumiswa maari, panhaurwa yese neruzivo rwese,
that in everything you were enriched in him, in all speech and all knowledge—
6 sezvo uchapupu hwaKristu hwakasimbiswa mamuri;
even as the testimony of Christ was confirmed in you—
7 kuti hamushaiwi pane chimwe chipo, muchimirira kuratidzwa pachena kwaIshe wedu Jesu Kristu,
so that you come behind in no gift, waiting for the revelation of our Lord Jesus Christ,
8 iye achakusimbisaiwo kusvika kumagumo, kuti musava nemhosva pazuva raIshe wedu Jesu Kristu.
who will also confirm you until the end, blameless in the day of our Lord Jesus Christ.
9 Mwari wakatendeka, wamakadanwa kubudikidza naye mukudyidzana kweMwanakomana wake Jesu Kristu Ishe wedu.
God is faithful, through whom you were called into the fellowship of his Son, Jesus Christ our Lord.
10 Zvino ndinokukumbirisai, hama, nezita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti mese mutaure chinhu chimwe, uye pasava nekupatsanurana pakati penyu, asi muve vakakwana pamurangariro umwe nemuonero umwe.
Now I beg you, brothers, through the name of our Lord, Jesus Christ, that you all speak the same thing, and that there be no divisions among you, but that you be perfected together in the same mind and in the same judgment.
11 Nokuti ndakaudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, nevekwaKirowa, kuti kune makakava pakati penyu.
For it has been reported to me concerning you, my brothers, by those who are from Chloe’s household, that there are contentions among you.
12 Zvino ndinoreva izvi, kuti umwe neumwe wenyu anoti: Ini ndiri waPauro, iniwo waAporo, asi ini waKefasi, iniwo waKristu.
Now I mean this, that each one of you says, “I follow Paul,” “I follow Apollos,” “I follow Cephas,” and, “I follow Christ.”
13 Kristu wakapatsanurwa here? Ko Pauro wakarovererwa pamuchinjikwa imwi here, kana makabhabhatidzwa muzita raPauro here?
Is Christ divided? Was Paul crucified for you? Or were you baptized into the name of Paul?
14 Ndinovonga Mwari kuti handina kubhabhatidza umwe wenyu, kunze kwaKrispo naGayo;
I thank God that I baptized none of you except Crispus and Gaius,
15 kuti kurege kuva neanoti ndakabhabhatidza muzita rangu ndomene.
so that no one should say that I had baptized you into my own name.
16 Uye ndakabhabhatidzawo imba yaStefana; kunze kweizvi handizivi kana ndakabhabhatidza umwe munhu.
(I also baptized the household of Stephanas; besides them, I do not know whether I baptized any other.)
17 Nokuti Kristu wakandituma kwete kuzobhabhatidza, asi kuzoparidza evhangeri; kwete nenjere dzeshoko, kuti zvimwe muchinjikwa waKristu ushaiswe maturo.
For Christ sent me not to baptize, but to preach the Good News—not in wisdom of words, so that the cross of Christ would not be made void.
18 Nokuti shoko remuchinjikwa kuna vanoparadzwa upenzi, asi kwatiri isu vanoponeswa isimba raMwari.
For the word of the cross is foolishness to those who are dying, but to us who are being saved it is the power of God.
19 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndichaparadza njere dzevakachenjera, ndichashaisa maturo kunzwisisa kwevanzwisisi.
For it is written, “I will destroy the wisdom of the wise. I will bring the discernment of the discerning to nothing.”
20 Aripi wakachenjera? Aripi munyori? Aripi mukakavari wenyika ino? Mwari haana kuita uchenjeri hwenyika ino upenzi here? (aiōn )
Where is the wise? Where is the scribe? Where is the debater of this age (aiōn )? Has not God made foolish the wisdom of this world?
21 Nokuti zvakadaro muuchenjeri hwaMwari nyika neuchenjeri haina kuziva Mwari, zvakafadza Mwari neupenzi hwemharidzo kuponesa vanotenda.
For seeing that in the wisdom of God, the world through its wisdom did not know God, it was God’s good pleasure through the foolishness of the preaching to save those who believe.
22 Nokuti neVaJudha vanokumbira chiratidzo, VaGirikiwo vanotsvaka uchenjeri;
For Jews ask for signs, Greeks seek after wisdom,
23 asi isu tinoparidza Kristu wakarovererwa pamuchinjikwa, kuVaJudha chigumbuso, nekuVaGiriki upenzi;
but we preach Christ crucified, a stumbling block to Jews and foolishness to Greeks,
24 asi kune vakadanwa, VaJudha pamwe neVaGiriki, Kristu isimba raMwari nenjere dzaMwari;
but to those who are called, both Jews and Greeks, Christ is the power of God and the wisdom of God;
25 nokuti upenzi hwaMwari hwakachenjera kupfuura hwevanhu, neutera hwaMwari hwakasimba kupfuura hwevanhu.
because the foolishness of God is wiser than men, and the weakness of God is stronger than men.
26 Nokuti tarirai kudanwa kwenyu, hama, kuti havasi vazhinji vakachenjera panyama, havasi vazhinji vane simba, havasi vazhinji vepamusoro;
For you see your calling, brothers, that not many are wise according to the flesh, not many mighty, and not many noble;
27 asi Mwari wakasarudza zvinhu zveupenzi zvenyika, kuti anyadzise vakachenjera; uye Mwari wakasarudza zvinhu zveutera zvenyika, kuti anyadzise zvine simba;
but God chose the foolish things of the world that he might put to shame those who are wise. God chose the weak things of the world that he might put to shame the things that are strong.
28 nezvinhu zvepasi zvenyika nezvinhu zvinozvidzwa Mwari wakasarudza, nezvinhu zvisipo, kuti ashaise zvinhu zviripo maturo;
God chose the lowly things of the world, and the things that are despised, and the things that do not exist, that he might bring to nothing the things that exist,
29 kuti kusava nenyama ingazvikudza pamberi pake.
that no flesh should boast before God.
30 Asi naye imwi muri muna Kristu Jesu, wakaitirwa isu uchenjeri hunobva kuna Mwari, nekururama, nekuitwa vatsvene, nerudzikunuro;
Because of him, you are in Christ Jesus, who was made to us wisdom from God, and righteousness and sanctification, and redemption,
31 kuti sezvazvakanyorwa zvichinzi: Anozvikudza, ngaazvikudze muna Ishe.
that, as it is written, “He who boasts, let him boast in the Lord.”