< 2 Timoti 3 >
1 Asi uzive ichi, kuti mumazuva ekupedzisira nguva dzekutambudzika dzichasvika.
你要意识到,在末日期间必有艰难的时期。
2 Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vatuki, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasiri vatsvene,
那时人们只爱自己和钱财。他们会自夸、傲慢、亵渎、悖逆父母、忘恩负义、生活中不再有上帝。
3 vasina rudo rwechisikirwo, vasingaregereri, vacheri, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvakanaka,
他们内心无情、不肯宽恕,他们会恶言中伤、没有自律、性格凶残、痛恨良善、
4 vatengesi, vanomhanyirira, vane manyawi, vanoda mafaro kupfuura kuda Mwari,
背叛其他人、不考虑其他人/荒唐地只想着自己、追逐享乐胜于爱上帝。
5 vane mufananidzo wekunamata Mwari, asi vachiramba simba rawo; ubve pane vakadaiwo.
他们外在表现得可能很虔诚,却其实并不相信虔诚的力量;要避开这样的人!
6 Nokuti kwavari kunobva vanoverevedza mudzimba, vachitapa vakadzi nzenza, vakaremedzwa nezvivi, vachitungamirirwa nekuchiva kwakasiyana-siyana,
他们这种人会偷偷潜入别人家中,操纵脆弱的妇女。这些妇女背负罪的负担,被各种私欲所累,
7 vanongogara vachidzidza, asi havatongogoni kusvika paruzivo rwechokwadi.
虽然常常学习,却始终无法明白真理!
8 Sezvowo Jane naJambere vakapikisa Mozisi, saizvozvowo ava vanoramba chokwadi, vanhu vendangariro dzakaodzwa, vakaraswa maererano nerutendo.
就像阎儡和阎悖如何反对摩西,这些人就是那样反对真理。他们的思想已经腐朽,认为对上帝的信是一个谎言。
9 Asi havachapfuuriri mberi; nokuti upenzi hwavo huchaonekwa kune vese, sezvakazoita hwavowo.
然而他们这样的状态不会太久,他们的愚昧会在所有人面前显露,好像阎儡和阎悖那两个人。
10 Asi iwe wakanyatsoteverera dzidziso yangu, mufambiro, chinangwa, rutendo, moyo murefu, rudo, kutsungirira,
但你了解我的教导和行为,了解我的生命目标,了解我对上帝的信和我的爱。了解我一直以来都在忍耐什么,
11 kushushwa, nenhamo, zvakandiwira paAndiyokiya, paIkonio, nepaRistra, kushushwa kwakadini kwandakatsungirira makuri; uye Mwari wakandinunura kubva maari ese.
我受到的迫害和苦难。你了解我在安提阿、以哥念、路司得都遭遇了什么,我遇到的困境,以及主如何救我脱离这一切。
12 Nevesewo vanoda kurarama mukunamata Mwari muna Kristu Jesu vachashushwa;
当然了,希望以基督耶稣献身于上帝的所有人,都必遭受迫害。
13 asi vanhu vakaipa nevanyengeri vachaenderera mberi pakuipa vachitsausa nekutsauswa.
与此同时,恶人和骗子则越来越坏,他们欺骗人,也欺骗自己。
14 Asi iwe rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvawakatendeswa, uchiziva kuti wakazvidzidza kuna ani,
你必须坚守所学的、确信为真相的事情;你知道是谁教给你的。
15 uye kuti kubvira paucheche wakaziva magwaro matsvene, anogona kukuchenjedza kusvikira pakuponeswa kubudikidza nerutendo rwuri muna Kristu Jesu.
你从儿时起就知道神圣的经文,它让你能够拥有理解力,可以通过信基督耶稣获得救赎。
16 Rugwaro rwese rwakafemerwa naMwari uye rwunobatsira padzidziso, pakutsiura, pakururamisa, nepakuraira kuri mukururama;
所有上帝启迪写下的经文,都有助于我们进行教导,纠正错误,让我们走正道,告诉我们何为良善正直。
17 kuti munhu waMwari ave wakakwana zvizere, agadzirirwa basa rese rakanaka.
上帝就是通过这种方法,让那些为他工作、完成所有善行之人,做好万全准备。