< 1 Timoti 1 >

1 Pauro, muapositori waJesu Kristu nekuraira kwaMwari Muponesi wedu, nekwaIshe Jesu Kristu tariro yedu,
这封信来自保罗,我是耶稣基督以救世主上帝和我们的希望耶稣基督之权威,指定的使徒。
2 kuna Timotio mwana wangu chaiye parutendo: Nyasha, tsitsi, nerugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naJesu Kristu Ishe wedu.
本信函写给我们真正的儿子提摩太,因为你们相信上帝。愿你们拥有来自父上帝和我们主基督耶稣的恩惠、怜悯和平安。
3 Sezvandakakukurudzira kuti ramba ugere paEfeso, ndichienda kuMakedhonia, kuti uraire vamwe kuti varege kudzidzisa imwe dzidziso,
我在去马其顿的路上,曾劝你留在以弗所,这样就可以嘱咐某些人不要宣讲错误想法。
4 kana kuchenjerera ngano nenhoroondo dzemadzinza dzisingaperi, dzinomutsa gakava pane kuvaka kwaMwari kuri murutendo.
也不要关心没有凭据的传说和无穷尽的家谱;这种事情只会引起争论,不会帮助我们理解我们所相信的上帝。
5 Asi chinangwa chemurairo rudo rwunobva pamoyo wakachena nehana yakanaka nerutendo rusinganyepedzeri;
我之所以坚持这一点,是因为这样我们可能会获得来自纯粹心灵的爱,来自干净良心和对上帝真诚的信。
6 pane izvozvi vamwe vakatsvedza vakatsaukira kukutaura kusina maturo,
有些人偏离了这些事情,并最终开始胡说八道
7 vachida kuva vadzidzisi vemurairo, vasinganzwisisi kana zvavanoreva, kana maererano nezvavanosimbisa.
他们野心勃勃地想要做律法教师,却不明白自己讲的是什么,大肆宣扬的又是什么。
8 Asi tinoziva kuti murairo wakanaka, kana munhu achiushandisa zviri pamurairo,
现在我们意识到,律法只要正确使用就是好的。
9 achiziva izvi, kuti murairo hauna kuitirwa wakarurama, asi vasina murairo nevasingateereri, vasingadi Mwari nevatadzi, vasiri vatsvene nevasina hanya naMwari, mhondi dzemadzibaba nemhondi dzana amai, vanouraya vanhu,
我们也知道律法本来不是为良善正直的好人而设,而是为那些无法无天、忽视法律的人而设。它适用于那些不需要上帝、不虔诚、从不圣洁形式、完全不虔诚的人。它适用于那些弑父杀母的人、杀人犯、
10 mhombwe, ngochani, vanopamba vanhu, vanyepi, vaputsi vemhiko, uye kana chimwe chiriko chinopesana nedzidziso yakagwinya,
淫乱的、亲男色的、拐带人口的、说谎的、做假见证的,以及反对正道的人。
11 maererano neevhangeri yekubwinya kwaMwari wakaropafadzwa yandakabatiswa.
我们所称颂的上帝委托我宣讲的荣耀福音,决定了这一切。
12 Uye ndinovonga wakandigonesa, Kristu Jesu Ishe wedu, kuti wakandiona ndakatendeka, akandiisa paushumiri,
我感谢赐我力量、我们的主基督耶稣,因为他认为我有值得信赖,派我服侍他。
13 ini ndaimbova munyombi nemushushi nemutuki; asi ndakawana tsitsi, nokuti ndakaita nekusaziva pakusatenda;
尽管我曾经亵渎上帝,迫害和虐待上帝的子民,但上帝仍然怜悯于我,因为我是在无知和不信的情况下才那样做。
14 asi nyasha dzaIshe wedu dzakawedzeresa pamwe nerutendo nerudo rwuri muna Kristu Jesu.
我们主的恩典充满我的身体,随着基督耶稣里给我的信心和爱,这恩典满溢出来。
15 Ishoko rakatendeka uye rinofanira kugamuchirwa chese, kuti Kristu Jesu wakauya munyika kuzoponesa vatadzi, vandiri ini mukuru wavo;
你应该相信、所有人都应该接纳一句话。“基督耶稣降临世间,为了拯救罪人。”我就是其中最大的罪人。
16 asi nekuda kweizvi ndakawana tsitsi, kuti mandiri ndinova mukuru, Jesu Kristu aratidze moyo murefu wese, uve muenzaniso kune vanozotenda kwaari, paupenyu husingaperi. (aiōnios g166)
因为这个缘故,我蒙受怜悯, 让基督耶稣在我这最大罪人的身上,显示他无尽的耐心,为后来信他得永生的人作榜样。 (aiōnios g166)
17 Zvino kuna Mambo wekusingaperi, asingafi, asingaonekwi, Mwari wega wakachenjera, ngakuve nekukudzwa nekubwinya kusvikira rinhi narinhi. Ameni. (aiōn g165)
愿万世君王、不朽无形的唯一上帝,永远拥有尊贵荣耀。阿门。 (aiōn g165)
18 Murairo uyu ndinokumikidza kwauri, mwana wangu Timotio, sezviporofita zvakatanga pamusoro pako, kuti nazvo urwe kurwa kwakanaka;
提摩太,我的儿子,这些是我想给你的指示,遵循那些让你走到现在的预言,这样你就能为良善而战斗。
19 wakabata rutendo nehana yakanaka, vamwe vakati vairasa zvichienderana nerutendo vakaputsikirwa nechikepe,
常保对上帝的信,要有干净的良心。有些人拒绝这样做,他们对上帝的信就彻底破坏了。
20 vamwe vavo ndiHimenayosi naArekizandro, vandakakumikidza kuna Satani, kuti vadzidze kusanyomba.
许米乃和亚历山大就是这样的人,我已经“把他们交给撒旦”,让他们学会不要亵渎上帝。

< 1 Timoti 1 >