< Zvakazarurwa 11 >
1 Ndakapiwa rutsanga rwakaita setsvimbo yokuyera ndikaudzwa kuti, “Enda undoyera temberi yaMwari nearitari, ugoverenga vanamati vari imomo.
後給了我一根長蘆葦,當作測量杖說:「你起來, 去測量天主的聖殿和祭壇, 計算在殿內朝拜的人!
2 Asi usiye ruvazhe rwokunze; usaruyera, nokuti rwakapiwa kune veDzimwe Ndudzi. Vachafamba-famba muguta dzvene kwemwedzi makumi mana nemiviri.
聖殿外面的庭院要除外,不要測量,因為已交給了異民;他們必要踐踏聖城,共四十二個月。
3 Uye ndichapa simba kuzvapupu zvangu zviviri, uye vachaprofita kwamazuva chiuru chimwe chete namazana maviri namakumi matanhatu, vakapfeka nguo dzamasaga.”
可是,我要打發我的兩位見證人,穿著苦衣, 做先知勸人,共一千二百六十天。」
4 Ava ndivo miti miviri yomuorivhi nezvigadziko zviviri zvemwenje zvimire pamberi paIshe wenyika.
這兩位就是立在大地的主宰前的那兩棵橄欖樹,和那兩座燈台。
5 Kana munhu upi zvake akaedza kuvakuvadza, moto unobuda mumiromo yavo ugoparadza vavengi vavo. Aya ndiwo mafiro achaita ani zvake anoda kuvakuvadza.
假使有人想謀害他們,必有火從他們的口中射出,吞滅他們的仇人;所以誰若想謀害他們,必定這樣被殺。
6 Varume ava vane simba rokuzarira denga kuti mvura irege kunaya panguva yavanenge vachiprofita; uye vane simba rokushandura mvura kuti ive ropa nokurova nyika namatenda amarudzi ose sapavanodira zvavo.
他們具有關閉上天的權柄,以致在他們盡先知任務的時日內,不叫雨下降;對水也有權柄,能使水變血; 幾時他們願意,就能以各種災禍打擊大地。
7 Zvino pavanenge vapedza kupupura kwavo, chikara chinobva mugomba rakadzika zvisina mugumo chichavarwisa, chigovakunda uye chichavauraya. (Abyssos )
當他們一完成了自己作見證的職分,那從深淵中上來的巨獸,要同他們作戰,且戰勝他們,殺死他們。 (Abyssos )
8 Mitumbi yavo icharaswa munzira yomuguta guru, rinonzi kana richifananidzirwa, Sodhomu neIjipiti, uko kwakarovererwawo Ishe wavo.
他們的屍體要被拋棄在大城的街市上--這城的寓意名字叫作索多瑪和埃及,他們的主子也曾在此地被釘在十字架上--
9 Kwamazuva matatu nehafu, vanhu vanobva kuvanhu vose, kumarudzi ose, kundimi dzose, nokundudzi dzose vacharamba vakatarira mitumbi yavo uye vachadzivisa kuvigwa kwayo.
由各民族、各支派、各異語、各邦國來的人,要觀看他們的屍體三天半之久,且不許把他們安葬在墳墓裏。
10 Vanogara panyika vachafara pamusoro pavo uye vachapembera vagotumirana zvipo, nokuti vaprofita vaviri ava vakatambudza avo vanogara panyika.
地上的居民必要因他們的死而高興歡樂,彼此送禮,因為那兩位先知實在磨難了地上的居民。
11 Asi mushure mamazuva matatu nehafu, mweya woupenyu wakabva kuna Mwari wakapinda mavari, vakamira netsoka dzavo, kutya kukabata avo vakavaona.
過了三天半,由天主來的生氣進入了他們身內,他們就立足站了起來,凡看見的人,都起了大恐怖。
12 Ipapo vakanzwa inzwi guru richibva kudenga richiti, “Kwirai kuno.” Uye vakakwira kudenga vari mugore, vavengi vavo vachizviona.
以後,他們二人聽見從天上來的大聲音向他們說:「上這裏來罷!」他們遂乘著雲彩升了天,他們的仇人也看見了。
13 Panguva yacho iyoyo kwakava nokudengenyeka kukuru kwenyika uye chegumi cheguta chikaondomoka. Zviuru zvinomwe zvavanhu zvakaurayiwa mukudengenyeka kwenyika ikoko, uye vakasara vakavhundutswa nazvo vakarumbidza Mwari wokudenga.
正在那個時辰,發生了大地震,那城倒塌了十分之一,因地震而死的人就有七千名;其餘的人都害怕起來,就歸光榮於天上的天主。
14 Nhamo yechipiri yapfuura; nhamo yechitatu iri kuuya nokukurumidza.
第二個災禍過去了;看,第三個災禍快要來了。
15 Mutumwa wechinomwe akaridza hwamanda yake, kudenga kukava namanzwi makuru aiti: “Umambo hwenyika hwava umambo waIshe wedu naKristu wake, uye achatonga nokusingaperi-peri.” (aiōn )
第七位天使一吹號角,天上就發出大聲音說:「世上的王權已歸屬我們的上主, 和他的基督,他要為王,至於無窮之世!」 (aiōn )
16 Uye vakuru makumi maviri navana, vakanga vagere pazvigaro zvavo zvoushe pamberi paMwari, vakawira pasi nezviso zvavo vakanamata Mwari,
那在天主前坐在自己寶座上的二十四位長老, 遂俯伏在地, 朝拜天主,
17 vachiti: “Tinokuvongai imi, Ishe Mwari Wamasimba Ose, Iye aripo uye akanga aripo, nokuti matora simba renyu guru uye matanga kutonga.
說:「上主,全能的天主!今在,昔在者!我們稱謝你,因為你取得了你的大權,登上的王位。
18 Ndudzi dzakatsamwa; uye hasha dzenyu dzauya. Nguva yokutonga vakafa yasvika, neyokupa varanda venyu vaprofita mubayiro, uye navatsvene venyu neavo vanotya zita renyu, zvose vaduku navakuru, uye neyokuparadza avo vanoparadza nyika.”
異民發了怒,可是你的震怒也到了,就是審判死者,賞報你的眾僕先知、聖徒,以及敬畏你名字的大者小者的時候到了,並且也到了消滅那毀壞大地之人的時候。 」
19 Ipapo temberi yaMwari iri kudenga yakazarurwa, uye mukati metemberi yake makaonekwa areka yake yesungano. Uye ipapo kwakava nokupenya kwemheni, muroromero, maungira okutinhira, kudengenyeka nemvura yechimvuramabwe yakawanda.
那時,天主在天上的聖殿敞開了,天主的約櫃也在他的聖殿中顯出來了;緊接著便有閃電、響聲、雷霆、地震和大冰雹。