< Zvakazarurwa 10 >

1 Ipapo ndakaona mumwe mutumwa ane simba achiburuka kubva kudenga. Akanga akafukidzwa mugore, nomuraravungu pamusoro pake; chiso chake chakanga chakaita sezuva, uye makumbo ake akanga akaita sembiru dzomoto.
以後,我看見了另一位強有力的天使,由天上降下,身披雲彩,頭上有虹,容貌像太陽,兩腿像火柱,
2 Akanga akabata bhuku duku rakapetwa, rakanga rakazaruka muruoko rwake. Akaisa rutsoka rwake rworudyi pagungwa uye rworuboshwe rwakatsika panyika,
手中拿著一卷展開的小書,右腳踏海,左腳踏地。
3 uye akadanidzira nenzwi guru sokuomba kweshumba. Akati adanidzira, inzwi rokutinhira kunomwe rakataura.
他大聲呼喊,有如獅子怒吼。正當他呼喊時,就有七個雷霆發出說話的聲音。
4 Uye kutinhira kunomwe kwakati kwataura, ndakanga ndava kuda kunyora; asi ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti, “Namira zvarehwa nokutinhira kunomwe uye usazvinyora pasi.”
那七個雷霆說話以後,我正要寫出來,就聽見有聲音從天上說:「你應把七個雷霆所說的話,密封起來,不要寫出來。」
5 Ipapo mutumwa wandakanga ndaona amire pagungwa napanyika akasimudzira ruoko rwake rworudyi kudenga.
我看見的那位踏著海和踏著地的天使,向天舉起了右手,
6 Uye akapika naiye anogara nokusingaperi-peri, iye akasika matenga nezvose zviri maari, nyika nezvose zviri mairi, uye negungwa nezvose zviri mariri, akati, “Hapachazombovizve nokunonoka! (aiōn g165)
指著那創造天及天上的一切,地及地上的一切,海及海中的一切的萬世萬代的永生者起誓說:「時候不再延長了! (aiōn g165)
7 Asi pamazuva ayo mutumwa wechinomwe paanenge oda kuridza hwamanda yake, chakavanzika chaMwari chichapedziswa, sezvaakazivisa varanda vake ivo vaprofita.”
但當第七位天使將要吹號角發聲的日期,天主的奧秘必定完成,正如天主向自己的眾僕先知所宣告的。」
8 Ipapo inzwi randakanga ndanzwa richibva kudenga rakataurazve kwandiri richiti, “Enda, utore bhuku rakapetwa rakazarurwa muruoko rwomutumwa amire pagungwa napanyika.”
我聽見那從天上來的聲音,又對我說道:「你去,從那踏著海和踏著地的天使手中,取過那卷展開的小書來!」
9 Saka ndakaenda kumutumwa ndikamukumbira kuti andipe bhuku duku rakapetwa. Akati kwandiri, “Tora uridye. Richavavisa dumbu rako, asi mumuromo mako richatapira souchi.”
我便往那位天使跟前去,請他給我那卷小書。他就對我說:「你拿去吞下它罷!它必使你肚子發苦,但在你的嘴裏卻甘甜如蜜。」
10 Ndakatora bhuku duku rakapetwa kubva muruoko rwomutumwa ndikaridya. Raitapira sokutapira kunoita uchi mumukanwa mangu, asi ndakati ndaridya, mudumbu mangu makavava.
我就從天使手中接過那卷小書來,吞下它,果然它在我嘴裏甘甜如蜜;但我一吃下去,我的肚子就苦起來了。
11 Ipapo ndakaudzwa kuti, “Unofanira kuprofitazve pamusoro pavanhu vazhinji, ndudzi, ndimi namadzimambo.”
隨後有聲音對我說:「關於諸民族、諸邦國、諸異語人民和諸君王,你應再講預言。」

< Zvakazarurwa 10 >