< Mapisarema 90 >

1 Munyengetero waMozisi munhu waMwari. Jehovha, imi makava ugaro hwedu kuzvizvarwa zvose.
Pemphero la Mose munthu wa Mulungu. Ambuye, mwakhala muli malo athu okhalamo pa mibado yonse.
2 Makomo asati azvarwa uye musati mabudisa nyika nepasi rose, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi muri Mwari.
Mapiri asanabadwe, musanalenge nʼkomwe dziko lapansi ndi dziko lonse, kuyambira muyaya mpaka muyaya Inu ndinu Mulungu.
3 Munodzosera vanhu kuguruva zvakare, muchiti, “Dzokerai kuguruva, imi vanakomana vavanhu.”
Inu mumabwezera anthu ku fumbi, mumati, “Bwerera ku fumbi iwe mwana wa munthu.”
4 Nokuti pamberi penyu makore chiuru akangofanana nezuva richangopfuura, kana senguva yokurinda usiku.
Pakuti zaka 1,000 pamaso panu zili ngati tsiku limene lapita kapena ngati kamphindi ka usiku.
5 Munokukura vanhu pakuvata kworufu; vakaita sebundo idzva ramangwanani,
Inu mumasesa anthu mʼtulo ta imfa, iwo ali ngati udzu watsopano wa mmawa,
6 kunyange richimera riri idzva mangwanani, nenguva yamadekwana rinenge raoma uye rasvava.
ngakhale kuti mmawa umaphuka watsopano, pofika madzulo wauma ndi kufota.
7 Tapera nokutsamwa kwenyu uye tinovhundutswa nehasha dzenyu.
Ife tathedwa ndi mkwiyo wanu; ndipo taopsezedwa ndi kuyipidwa kwanu.
8 Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu, makaisa zvivi zvedu zvakavanzika muchiedza chokuvapo kwenyu.
Mwayika mphulupulu zathu pamaso panu, machimo athu obisika poonekera pamaso panu.
9 Mazuva edu ose anopfuura napasi pehasha dzenyu; tinopedza makore edu nokuchema.
Masiku athu onse amatha ali pansi pa ukali wanu; timatsiriza zaka zathu ndi kubuwula.
10 Uwandu hwamazuva edu hunosvika makore makumi manomwe, kana makumi masere, kana tiine simba; kunyange zvakadaro uwandu hwawo hunongova nhamo nokusuwa, nokuti anokurumidza kupfuura, uye isu tobhururuka toenda.
Kuchuluka kwa masiku athu ndi 70, kapena 80 ngati tili ndi mphamvu; komabe zaka zonsezi ndi za mavuto ndi nkhawa, zimatha mofulumira ndipo ife timawulukira kutali.
11 Ndianiko anoziva simba rokutsamwa kwenyu? Nokuti hasha dzenyu dzakakura sokutyiwa kwakakufanirai imi.
Kodi ndani amadziwa mphamvu ya mkwiyo wanu? Pakuti ukali wanu ndi waukulu ngati ulemu umene uyenera Inu.
12 Tidzidzisei kuverenga mazuva edu zvakanaka, kuti tiwane mwoyo wouchenjeri.
Tiphunzitseni kuwerenga masiku athu molondola, kuti tikhale ndi mtima wanzeru.
13 Dzokai, imi Jehovha! Zvichadaro kusvikira riniko? Ivai netsitsi pamusoro pavaranda venyu.
Lezani mtima Inu Yehova! Kodi mudzatikwiyira mpaka liti? Achitireni chifundo atumiki anu.
14 Tigutsei mangwanani norudo rwenyu rusingaperi, kuti tigoimba nomufaro tigofara mazuva edu ose.
Mutikhutitse mmawa ndi chikondi chanu chosatha, kuti tiyimbe ndi chimwemwe ndi kukhala okondwa masiku athu onse.
15 Tifadzei zvinoenzana namazuva amakatitambudza, samakore mazhinji atakaona nhamo.
Tisangalatseni masiku ambiri monga masiku amene mwatisautsa, kwa zaka zambiri monga momwe tinaonera mavuto.
16 Mabasa enyu ngaaratidzwe kuvaranda venyu, nokubwinya kwenyu kuvana vavo.
Ntchito zanu zionetsedwe kwa atumiki anu, kukongola kwanu kwa ana awo.
17 Nyasha dzaIshe Mwari wedu ngadzive pamusoro pedu; tisimbisirei mabasa amaoko edu, hongu, simbisai basa ramaoko edu.
Kukoma mtima kwa Ambuye Mulungu wathu kukhale pa ife; tikhazikitsireni ntchito ya manja athu; inde, khazikitsani ntchito ya manja athu.

< Mapisarema 90 >