Preface
Read
+
Publisher
Nainoia, Inc.
PO Box 462, Bellefonte, PA 16823
(814) 470-8028
Nainoia Inc, Publisher
LinkedIn/NAINOIA-INC
Third Party Publisher Resources
Request Custom Formatted Verses
Please contact us below
Submit your proposed corrections
I understand that the Aionian Bible republishes public domain and Creative Commons Bible texts and that volunteers may be needed to present the original text accurately. I also understand that apocryphal text is removed and most variant verse numbering is mapped to the English standard. I have entered my corrections under the verse(s) below. Proposed corrections to the Shona Free Holy Bible, Psalms Chapter 90 https://www.AionianBible.org/Bibles/Shona---Rakasununguka/Psalms/90 1) Munyengetero waMozisi munhu waMwari. Jehovha, imi makava ugaro hwedu kuzvizvarwa zvose. 2) Makomo asati azvarwa uye musati mabudisa nyika nepasi rose, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi muri Mwari. 3) Munodzosera vanhu kuguruva zvakare, muchiti, “Dzokerai kuguruva, imi vanakomana vavanhu.” 4) Nokuti pamberi penyu makore chiuru akangofanana nezuva richangopfuura, kana senguva yokurinda usiku. 5) Munokukura vanhu pakuvata kworufu; vakaita sebundo idzva ramangwanani, 6) kunyange richimera riri idzva mangwanani, nenguva yamadekwana rinenge raoma uye rasvava. 7) Tapera nokutsamwa kwenyu uye tinovhundutswa nehasha dzenyu. 8) Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu, makaisa zvivi zvedu zvakavanzika muchiedza chokuvapo kwenyu. 9) Mazuva edu ose anopfuura napasi pehasha dzenyu; tinopedza makore edu nokuchema. 10) Uwandu hwamazuva edu hunosvika makore makumi manomwe, kana makumi masere, kana tiine simba; kunyange zvakadaro uwandu hwawo hunongova nhamo nokusuwa, nokuti anokurumidza kupfuura, uye isu tobhururuka toenda. 11) Ndianiko anoziva simba rokutsamwa kwenyu? Nokuti hasha dzenyu dzakakura sokutyiwa kwakakufanirai imi. 12) Tidzidzisei kuverenga mazuva edu zvakanaka, kuti tiwane mwoyo wouchenjeri. 13) Dzokai, imi Jehovha! Zvichadaro kusvikira riniko? Ivai netsitsi pamusoro pavaranda venyu. 14) Tigutsei mangwanani norudo rwenyu rusingaperi, kuti tigoimba nomufaro tigofara mazuva edu ose. 15) Tifadzei zvinoenzana namazuva amakatitambudza, samakore mazhinji atakaona nhamo. 16) Mabasa enyu ngaaratidzwe kuvaranda venyu, nokubwinya kwenyu kuvana vavo. 17) Nyasha dzaIshe Mwari wedu ngadzive pamusoro pedu; tisimbisirei mabasa amaoko edu, hongu, simbisai basa ramaoko edu. Additional comments?
Refresh Captcha
The world's first Holy Bible un-translation!