< Mapisarema 9 >

1 Kumutungamiri wokuimba namaimbiro o“Kufa kwoMwanakomana.” Pisarema raDhavhidhi. Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose; ndichataura pamusoro pezvishamiso zvenyu zvose.
For the music director. According to Muth-labben. A psalm of David. I will praise you, Lord, with all my heart; I will tell of all the amazing things you have done.
2 Ndichafara nokufarisisa mamuri; ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro.
I will be glad and celebrate in you; I will sing praises to your wonderful nature, Most High God.
3 Vavengi vangu vanodzokera shure; vanogumburwa uye vanoparara pamberi penyu.
Those who hate me retreat; they fall back and die when you confront them.
4 Nokuti makatsigira kodzero yangu nenyaya yangu; makagara pachigaro chenyu choushe, muchitonga zvakarurama kwazvo.
For you have judged that I am right; you have decided fairly from your throne of judgment.
5 Makatuka ndudzi mukaparadza vakaipa; makadzima zita ravo nokusingaperi.
You have condemned the nations; you have destroyed the wicked; you have wiped out their names forever and ever.
6 Kuparadzwa kusina magumo kwakakunda muvengi, makadzura maguta avo; kunyange chiyeuchidzo chavo chakaparara.
The enemies are finished, ruined forever; their cities are destroyed—even the memory of them is gone.
7 Jehovha anotonga nokusingaperi; akasimbisa chigaro chake choushe kuti atonge.
But the Lord rules forever, his throne is set up for judgment.
8 Achatonga nyika nokururama; achatonga marudzi nokururamisira.
The Lord judges the world rightly; he judges the nations fairly.
9 Jehovha ndiye nhare yavakamanikidzwa, nhare yakasimba panguva yokutambudzika.
The Lord is a place of safety for those who are oppressed, a fortress in times of trouble.
10 Vanoziva zita renyu vachavimba nemi, nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai.
Those who know your nature trust in you, for you don't abandon those who come to you.
11 Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza, iye agere pachigaro choushe muZioni; paridzai zvaakaita pakati pendudzi.
Sing praises to the Lord who reigns in Zion! Tell the nations what he has done!
12 Nokuti iye anotsiva ropa anorangarira; haashayiri hanya kuchema kwavanotambudzwa.
He does not forget to punish murderers; he does not ignore the cries of the suffering.
13 Haiwa Jehovha, onai kuti vavengi vangu vanonditambudza sei! Ndinzwirei ngoni mundisimudze pamasuo orufu,
Be gracious to me, Lord! Look at how my enemies are persecuting me! Grab me back from the gates of death,
14 kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu mumasuo oMwanasikana weZioni, uye ndigofara muruponeso rwenyu.
so I can praise you at Zion's gates, happy that you have saved me.
15 Ndudzi dzakawira mugomba radzakachera; tsoka dzavo dzakabatwa nemimbure yavakaviga.
The nations have fallen into their own pit they dug; their feet are trapped by their own net they set.
16 Jehovha anozivikanwa nokururamisira kwake; vakaipa vakateyiwa namabasa amaoko avo. Higayoni. Sera
The Lord is known for his fairness; the wicked are trapped by their own actions. (Higgaion, Selah)
17 Vakaipa vanodzokera kuguva, idzo ndudzi dzose dzinokanganwa Mwari. (Sheol h7585)
The wicked depart, going to the grave—all nations who turn their backs on God. (Sheol h7585)
18 Asi vanoshayiwa havangagari vachikanganwikwa, uye tariro yavanotambudzwa haingaparari.
But the needy will not be ignored forever, the hope of those who suffer will not always be dashed.
19 Simukai, Jehovha, munhu ngaarege kukunda; ndudzi ngadzitongwe pamberi penyu.
Stand up, Lord! Don't let human beings win! Let the nations be brought before you for judgment!
20 Varovei nokutyisa, imi Jehovha; ndudzi ngadzizive kuti vanongova vanhu zvavo. Sera
Lord, terrify them! Let them know they are only human! (Selah)

< Mapisarema 9 >