Preface
Read
+
Publisher
Nainoia, Inc.
PO Box 462, Bellefonte, PA 16823
(814) 470-8028
Nainoia Inc, Publisher
LinkedIn/NAINOIA-INC
Third Party Publisher Resources
Request Custom Formatted Verses
Please contact us below
Submit your proposed corrections
I understand that the Aionian Bible republishes public domain and Creative Commons Bible texts and that volunteers may be needed to present the original text accurately. I also understand that apocryphal text is removed and most variant verse numbering is mapped to the English standard. I have entered my corrections under the verse(s) below. Proposed corrections to the Shona Free Holy Bible, Psalms Chapter 9 https://www.AionianBible.org/Bibles/Shona---Rakasununguka/Psalms/9 1) Kumutungamiri wokuimba namaimbiro o“Kufa kwoMwanakomana.” Pisarema raDhavhidhi. Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose; ndichataura pamusoro pezvishamiso zvenyu zvose. 2) Ndichafara nokufarisisa mamuri; ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro. 3) Vavengi vangu vanodzokera shure; vanogumburwa uye vanoparara pamberi penyu. 4) Nokuti makatsigira kodzero yangu nenyaya yangu; makagara pachigaro chenyu choushe, muchitonga zvakarurama kwazvo. 5) Makatuka ndudzi mukaparadza vakaipa; makadzima zita ravo nokusingaperi. 6) Kuparadzwa kusina magumo kwakakunda muvengi, makadzura maguta avo; kunyange chiyeuchidzo chavo chakaparara. 7) Jehovha anotonga nokusingaperi; akasimbisa chigaro chake choushe kuti atonge. 8) Achatonga nyika nokururama; achatonga marudzi nokururamisira. 9) Jehovha ndiye nhare yavakamanikidzwa, nhare yakasimba panguva yokutambudzika. 10) Vanoziva zita renyu vachavimba nemi, nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai. 11) Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza, iye agere pachigaro choushe muZioni; paridzai zvaakaita pakati pendudzi. 12) Nokuti iye anotsiva ropa anorangarira; haashayiri hanya kuchema kwavanotambudzwa. 13) Haiwa Jehovha, onai kuti vavengi vangu vanonditambudza sei! Ndinzwirei ngoni mundisimudze pamasuo orufu, 14) kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu mumasuo oMwanasikana weZioni, uye ndigofara muruponeso rwenyu. 15) Ndudzi dzakawira mugomba radzakachera; tsoka dzavo dzakabatwa nemimbure yavakaviga. 16) Jehovha anozivikanwa nokururamisira kwake; vakaipa vakateyiwa namabasa amaoko avo. Higayoni. Sera 17) Vakaipa vanodzokera kuguva, idzo ndudzi dzose dzinokanganwa Mwari. (Sheol h7585) 18) Asi vanoshayiwa havangagari vachikanganwikwa, uye tariro yavanotambudzwa haingaparari. 19) Simukai, Jehovha, munhu ngaarege kukunda; ndudzi ngadzitongwe pamberi penyu. 20) Varovei nokutyisa, imi Jehovha; ndudzi ngadzizive kuti vanongova vanhu zvavo. Sera Additional comments?
Refresh Captcha
The world's first Holy Bible un-translation!