< Mapisarema 49 >
1 Kumutungamiri wokuimba, waVanakomana vaKora. Pisarema. Inzwai izvi, imi vanhu mose; teererai imi mose mugere panyika,
可拉後裔的詩,交與伶長。 萬民哪,你們都當聽這話! 世上一切的居民,
2 vapasi navapamusoro, vapfumi navarombo pamwe chete.
無論上流下流,富足貧窮, 都當留心聽!
3 Muromo wangu uchataura nouchenjeri; kutaura kunobva pamwoyo wangu kuchapa kunzwisisa.
我口要說智慧的言語; 我心要想通達的道理。
4 Ndicharerekera nzeve yangu kuchirahwe; nembira ndichadudzira shoko rangu rakavanzika.
我要側耳聽比喻, 用琴解謎語。
5 Ndinotyireiko kana mazuva akaipa achiuya, kana vanyengeri vakaipa vandikomberedza,
在患難的日子,奸惡隨我腳跟,四面環繞我, 我何必懼怕?
6 vaya vanovimba nepfuma yavo vanozvikudza nepfuma yavo zhinji?
那些倚仗財貨自誇錢財多的人,
7 Hakuna munhu angadzikinura upenyu hwomumwe kana kupa Mwari rudzikinuro rwake,
一個也無法贖自己的弟兄, 也不能替他將贖價給上帝,
8 rudzikinuro rwoupenyu runokosha, hakuna muripo unoringana nahwo,
叫他長遠活着,不見朽壞; 因為贖他生命的價值極貴, 只可永遠罷休。
9 kuti ararame nokusingaperi uye kuti asaona kuora.
10 Nokuti vose vanogona kuona kuti vanhu vakachenjera vanofa; mapenzi navasina pfungwa zvimwe chetezvo vanofa, uye vanosiyira vamwe pfuma yavo.
他必見智慧人死, 又見愚頑人和畜類人一同滅亡, 將他們的財貨留給別人。
11 Marinda avo achagara ari dzimba dzavo nokusingaperi, nougaro hwavo kusvikira kuzvizvarwa zvisingaperi, kunyange vakanga vakapa nyika mazita avo.
他們心裏思想: 他們的家室必永存, 住宅必留到萬代; 他們以自己的名稱自己的地。
12 Asi munhu, kunyange ane pfuma yake, haagari; akafanana nemhuka dzinofa.
但人居尊貴中不能長久, 如同死亡的畜類一樣。
13 Ndiwo magumo aivavo vanovimba nezvavanoita, namagumo avateveri vavo, vanotenda zvavanotaura. Sera
他們行的這道本為自己的愚昧; 但他們以後的人還佩服他們的話語。 (細拉)
14 Samakwai vakatarirwa kuenda kuguva, uye rufu ruchavadya. Vakarurama vachavatonga mangwanani; chimiro chavo chichaora murinda, kure nedzimba dzavo dzoumambo. (Sheol )
他們如同羊群派定下陰間; 死亡必作他們的牧者。 到了早晨,正直人必管轄他們; 他們的美容必被陰間所滅,以致無處可存。 (Sheol )
15 Asi Mwari achadzikinura upenyu hwangu kubva muguva, zvirokwazvo achanditora iye. Sera (Sheol )
只是上帝必救贖我的靈魂脫離陰間的權柄, 因他必收納我。 (細拉) (Sheol )
16 Usanyanya kutya kana munhu apfuma, kana kubwinya kweimba yake kwawedzerwa;
見人發財、家室增榮的時候, 你不要懼怕;
17 nokuti haana chaachatora paanofa; kubwinya kwake hakungaburukiri naye murinda.
因為,他死的時候甚麼也不能帶去; 他的榮耀不能隨他下去。
18 Kunyange paairarama aizviti akaropafadzwa, uye vanhu vachirumbidza munhu paanobudirira,
他活着的時候,雖然自誇為有福 (你若利己,人必誇獎你);
19 achabatana norudzi rwamadzibaba ake, vasingazoonizve chiedza choupenyu.
他仍必歸到他歷代的祖宗那裏, 永不見光。
20 Munhu ane pfuma zhinji asinganzwisisi akaita semhuka dzinofa.
人在尊貴中而不醒悟, 就如死亡的畜類一樣。