Preface
Read
+
Publisher
Nainoia, Inc.
PO Box 462, Bellefonte, PA 16823
(814) 470-8028
Nainoia Inc, Publisher
LinkedIn/NAINOIA-INC
Third Party Publisher Resources
Request Custom Formatted Verses
Please contact us below
Submit your proposed corrections
I understand that the Aionian Bible republishes public domain and Creative Commons Bible texts and that volunteers may be needed to present the original text accurately. I also understand that apocryphal text is removed and most variant verse numbering is mapped to the English standard. I have entered my corrections under the verse(s) below. Proposed corrections to the Shona Free Holy Bible, Psalms Chapter 49 https://www.AionianBible.org/Bibles/Shona---Rakasununguka/Psalms/49 1) Kumutungamiri wokuimba, waVanakomana vaKora. Pisarema. Inzwai izvi, imi vanhu mose; teererai imi mose mugere panyika, 2) vapasi navapamusoro, vapfumi navarombo pamwe chete. 3) Muromo wangu uchataura nouchenjeri; kutaura kunobva pamwoyo wangu kuchapa kunzwisisa. 4) Ndicharerekera nzeve yangu kuchirahwe; nembira ndichadudzira shoko rangu rakavanzika. 5) Ndinotyireiko kana mazuva akaipa achiuya, kana vanyengeri vakaipa vandikomberedza, 6) vaya vanovimba nepfuma yavo vanozvikudza nepfuma yavo zhinji? 7) Hakuna munhu angadzikinura upenyu hwomumwe kana kupa Mwari rudzikinuro rwake, 8) rudzikinuro rwoupenyu runokosha, hakuna muripo unoringana nahwo, 9) kuti ararame nokusingaperi uye kuti asaona kuora. 10) Nokuti vose vanogona kuona kuti vanhu vakachenjera vanofa; mapenzi navasina pfungwa zvimwe chetezvo vanofa, uye vanosiyira vamwe pfuma yavo. 11) Marinda avo achagara ari dzimba dzavo nokusingaperi, nougaro hwavo kusvikira kuzvizvarwa zvisingaperi, kunyange vakanga vakapa nyika mazita avo. 12) Asi munhu, kunyange ane pfuma yake, haagari; akafanana nemhuka dzinofa. 13) Ndiwo magumo aivavo vanovimba nezvavanoita, namagumo avateveri vavo, vanotenda zvavanotaura. Sera 14) Samakwai vakatarirwa kuenda kuguva, uye rufu ruchavadya. Vakarurama vachavatonga mangwanani; chimiro chavo chichaora murinda, kure nedzimba dzavo dzoumambo. (Sheol h7585) 15) Asi Mwari achadzikinura upenyu hwangu kubva muguva, zvirokwazvo achanditora iye. Sera (Sheol h7585) 16) Usanyanya kutya kana munhu apfuma, kana kubwinya kweimba yake kwawedzerwa; 17) nokuti haana chaachatora paanofa; kubwinya kwake hakungaburukiri naye murinda. 18) Kunyange paairarama aizviti akaropafadzwa, uye vanhu vachirumbidza munhu paanobudirira, 19) achabatana norudzi rwamadzibaba ake, vasingazoonizve chiedza choupenyu. 20) Munhu ane pfuma zhinji asinganzwisisi akaita semhuka dzinofa. Additional comments?
Refresh Captcha
The world's first Holy Bible un-translation!