< Mapisarema 49 >

1 Kumutungamiri wokuimba, waVanakomana vaKora. Pisarema. Inzwai izvi, imi vanhu mose; teererai imi mose mugere panyika,
科辣黑後裔歌,用高音,交與樂官。 關於這事,請萬民都要靜聽,普世居民,請你們側耳細聽,
2 vapasi navapamusoro, vapfumi navarombo pamwe chete.
不論貧富無分縉紳百姓,請你們都一一側耳聆聽。
3 Muromo wangu uchataura nouchenjeri; kutaura kunobva pamwoyo wangu kuchapa kunzwisisa.
我的口要宣講智慧,我的心要思念哲理。
4 Ndicharerekera nzeve yangu kuchirahwe; nembira ndichadudzira shoko rangu rakavanzika.
我要側耳恭聽諺語,我要鼓琴解釋隱語。
5 Ndinotyireiko kana mazuva akaipa achiuya, kana vanyengeri vakaipa vandikomberedza,
當陷害我者的毒謀圍我時,在我困厄的日期,我有何所懼?
6 vaya vanovimba nepfuma yavo vanozvikudza nepfuma yavo zhinji?
因為他們只知依恃財產的富足,他們只會誇耀自己金錢的豐裕;
7 Hakuna munhu angadzikinura upenyu hwomumwe kana kupa Mwari rudzikinuro rwake,
但是金錢不能使任何人得救,決不能把人的贖債還給天主,
8 rudzikinuro rwoupenyu runokosha, hakuna muripo unoringana nahwo,
因為人命的贖債非常昂貴,任何金錢也決不足以贖回,
9 kuti ararame nokusingaperi uye kuti asaona kuora.
不能使人生存久長,不能使人不見死亡。
10 Nokuti vose vanogona kuona kuti vanhu vakachenjera vanofa; mapenzi navasina pfungwa zvimwe chetezvo vanofa, uye vanosiyira vamwe pfuma yavo.
你看,智者死去,愚昧者也同樣沉淪,他們都將自己的財產遺留給別人。
11 Marinda avo achagara ari dzimba dzavo nokusingaperi, nougaro hwavo kusvikira kuzvizvarwa zvisingaperi, kunyange vakanga vakapa nyika mazita avo.
他們雖然曾以自己的名號,給一些地方命名,但是他們永久的住宅,萬代的居所卻是墳塋。
12 Asi munhu, kunyange ane pfuma yake, haagari; akafanana nemhuka dzinofa.
人在富貴中絕不能久長,將與牲畜無異,同樣死亡。
13 Ndiwo magumo aivavo vanovimba nezvavanoita, namagumo avateveri vavo, vanotenda zvavanotaura. Sera
這就是自滿昏愚者的終途,這就是自誇幸運者的末路。
14 Samakwai vakatarirwa kuenda kuguva, uye rufu ruchavadya. Vakarurama vachavatonga mangwanani; chimiro chavo chichaora murinda, kure nedzimba dzavo dzoumambo. (Sheol h7585)
他們就如羊群一般被人趕入深坑,死亡要牧放他們,義人要主宰他們。他們的容貌即刻色衰,陰間將是他們的住宅。 (Sheol h7585)
15 Asi Mwari achadzikinura upenyu hwangu kubva muguva, zvirokwazvo achanditora iye. Sera (Sheol h7585)
但是天主必救我靈脫離陰府,因為祂要把我接走。 (Sheol h7585)
16 Usanyanya kutya kana munhu apfuma, kana kubwinya kweimba yake kwawedzerwa;
不要嫉妒他人變成富翁,不要忌恨他人家產倍增;
17 nokuti haana chaachatora paanofa; kubwinya kwake hakungaburukiri naye murinda.
因為他死時什麼也不能帶走,他的財產也不能隨著他同去。
18 Kunyange paairarama aizviti akaropafadzwa, uye vanhu vachirumbidza munhu paanobudirira,
他在生時雖我陶醉說:「只要你幸福,人必誇讚你。」
19 achabatana norudzi rwamadzibaba ake, vasingazoonizve chiedza choupenyu.
他終要回去和他的祖先相逢,永永遠遠他再不能看到光明。
20 Munhu ane pfuma zhinji asinganzwisisi akaita semhuka dzinofa.
人在富貴中,不深思遠慮,將與牲畜無異,都要死去

< Mapisarema 49 >