< Mapisarema 26 >

1 Pisarema raDhavhidhi. Nditongerei, imi Jehovha, nokuti ndakararama upenyu husina chahungapomerwa; ndakavimba naJehovha ndisingazungunuki.
Dawid dwom. Bu me bem, Awurade, efisɛ, mabɔ bra a asɛm nni ho: mede me ho too Awurade so na manhinhim.
2 Ndiedzei, imi Jehovha, ndinzverei, nzverai mwoyo wangu nendangariro dzangu;
Sɔ me hwɛ, Awurade, hwehwɛ me koma ne mʼadwene mu.
3 nokuti rudo rwenyu rwuri pamberi pangu nguva dzose, uye ndinogara ndichifamba muzvokwadi yenyu.
Wʼadɔe wɔ mʼanim daa na mɛnantew wo nokware mu.
4 Handigari navanhu vanonyengera, kana kufambidzana navanyengeri;
Me ne nnaadaafo ntena na me ne nyaatwomfo nso nni hwee yɛ.
5 ndinovenga ungano yavaiti vezvakaipa, uye ndinoramba kugara navakaipa.
Mikyi nnebɔneyɛfo guabɔ na mempɛ sɛ me ne amumɔyɛfo tena.
6 Ndinoshamba maoko angu ndisina mhaka, uye ndinofamba-famba paaritari yenyu, imi Jehovha,
Mehohoro me nsa wɔ bembu mu, na mekɔ wʼafɔremuka ho ahyia, Awurade,
7 ndichiparidza rumbidzo yenyu nenzwi guru, uye ndichireva zvamabasa enyu ose anoshamisa.
na mepae mu ka wʼayeyi na meka wʼanwonwade nyinaa.
8 Ndinoda imba yamunogara, imi Jehovha, nzvimbo inogara kubwinya kwenyu.
Mʼani gye ofi a wote mu ho, Awurade, faako a wʼanuonyam wɔ no.
9 Regai kubatanidza mweya wangu navatadzi, noupenyu hwangu navanoteura ropa,
Mfa me kra nka nnebɔneyɛfo de ho nkɔ, ne me nkwa nka mogyapɛfo de ho,
10 vana maoko akabata zvakaipa, vazere nefufuro mumaoko avo orudyi.
wɔn a amumɔyɛ nhyehyɛe wɔ wɔn nsam na adanmude ayɛ wɔn nsa nifa ma.
11 Asi ini ndinogara upenyu husina chahungapomerwa; ndidzikinurei uye mundinzwire ngoni.
Nanso mebɔ ɔbra a ho tew; hu me mmɔbɔ na gye me nkwa.
12 Tsoka dzangu dzimire pakati chechetere; ndicharumbidza Jehovha paungano huru.
Mʼanan sisi asase tamaa so; na guabɔ kɛse ase na mɛkamfo Awurade.

< Mapisarema 26 >