< Mapisarema 2 >
1 Ndudzi dzinoitireiko bope? Uye vanhu vanofungireiko zvisina maturo?
Kungani izizwe zixokozela, labantu benakana okuyize?
2 Madzimambo enyika azvigadzirira uye vabati vanoungana pamwe chete kuti vazorwa naJehovha, uye kuti vazorwisa Muzodziwa Wake.
Amakhosi omhlaba azimisela, lababusi benza ugobe ndawonye bemelene leNkosi njalo bemelene logcotshiweyo wayo, besithi:
3 Vanoti, “Ngatidamburei ngetani dzavo, tigorasa mabote avo.”
Asiqamule izibopho zabo, silahle intambo zabo zisuke kithi.
4 Iye agere pachigaro choushe chokudenga anoseka; Ishe anovadadira.
Ohlezi emazulwini uzahleka, iNkosi izabahleka usulu.
5 Ipapo anovatuka mukutsamwa kwake uye anovavhundutsa muhasha dzake, achiti,
Khona izakhuluma kubo entukuthelweni yayo, ibethuse ngokuvutha kolaka lwayo.
6 “Ndakagadza Mambo wangu paZioni, gomo rangu dzvene.”
Kube kanti mina ngibekile iNkosi yami phezu kweZiyoni, intaba yami engcwele.
7 Ndichaparidza chirevo chaJehovha, ndichiti: Iye akati kwandiri, “Ndiwe Mwanakomana wangu; nhasi ndava Baba vako.
Ngizalandisa ngesimiso: INkosi ithe kimi: Wena uyiNdodana yami, lamuhla ngikuzele.
8 Kumbira kwandiri, uye ndichaita kuti ndudzi dzive nhaka yako, migumo yenyika ive yako.
Cela kimi, ngizanika izizwe zibe yilifa lakho, lemikhawulo yomhlaba ibe yimfuyo yakho.
9 Uchavatonga netsvimbo yesimbi; uchavaputsa kuita zvimedu zvimedu sehari.”
Uzazephula ngentonga yensimbi, uziphahlaze njengembiza yebumba.
10 Naizvozvo, imi madzimambo, ngwarai; munyeverwe, imi vabati venyika.
Ngakho-ke hlakaniphani makhosi, lilayeke bahluleli bomhlaba.
11 Shumirai Jehovha nokutya, uye mufare nokudedera.
Ikhonzeni iNkosi ngokwesaba, lithokoze ngokuthuthumela,
12 Tsvodai Mwanakomana, kuti arege kutsamwa mukazoparadzwa munzira yenyu, nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka. Vakaropafadzwa vose vanovanda maari.
liyange iNdodana, hlezi ithukuthele, libhubhe endleleni, nxa ulaka lwayo seluvutha kancinyane. Babusisiwe bonke abaphephela kuyo.