< Zvirevo 27 >
1 Usazvirumbidza pamusoro pezuva ramangwana, nokuti hauzivi zvingauyiswa nezuva.
Boast not thyself of to-morrow; For thou knowest not what a day may bring forth!
2 Rega mumwe akurumbidze, kwete muromo wako; mumwe munhuwo zvake, kwete miromo yako iwe.
Let another man praise thee, and not thine own mouth; A stranger, and not thine own lips.
3 Ibwe rinorema uye jecha mutoro, asi kudenhwa nebenzi kunorema kupfuura zvose.
A stone is heavy and sand is weighty; But a fool's wrath is heavier than both.
4 Hasha dzine utsinye uye kutsamwa kunokurira, asi ndiani angamira pamberi pomunhu ane godo?
Wrath is cruel, and anger overwhelming; But who is able to stand before jealousy?
5 Kutsiurwa pachena kuri nani pane rudo rwakavanzika.
Better is open rebuke Than love kept concealed.
6 Maronda okukuvadzwa neshamwari anogamuchirika, asi kutsvoda kwomuvengi kunonyengera.
Faithful are the wounds of a friend; But the kisses of an enemy are deceitful.
7 Uyo akaguta anovenga uchi, asi kune ane nzara kunyange zvinovava zvinozipa.
He who is fed to the full loatheth the honeycomb; But to the hungry any bitter thing is sweet.
8 Seshiri inorasika kubva padendere rayo, ndizvo zvakaita munhu anorasika kubva pamusha wake.
As a bird that wandereth from its nest, So is a man who wandereth from his place.
9 Mafuta nezvinonhuhwira zvinouyisa mufaro kumwoyo, uye kunaka kwoushamwari kunobva padzidziso dzake dzakanaka.
Oil and perfume gladden the heart; Sweet also is one's friend by hearty counsel.
10 Usarasa shamwari yako kana shamwari yababa vako, uye usangoenda kumba yehama yako kana wawirwa nedambudziko chete, muvakidzani ari pedyo ari nani kupfuura hama iri kure.
Thine own friend and thy father's friend forsake not; And go not into thy brother's house in the day of thy calamity. Better is a neighbor that is near, than a brother far off.
11 Iva wakachenjera, mwanakomana wangu, ugofadza mwoyo wangu; ipapo ndichagona kupindura ani naani anondishora.
Be wise, my son, and make my heart glad, That I may give an answer to him that reproacheth me.
12 Munhu akangwara anoona njodzi agovanda, asi asina mano anoramba achienda uye agokuvadzwa nayo.
A prudent man foreseeth the evil, and hideth himself; The simple pass on, and are punished.
13 Torera nguo uyo anozviita rubatso kumutorwa; uitore semhiko kana achinge aiita rubatso kumukadzi asingazvibati.
Take his garment who is surety for another; Yea, take a pledge of him who is bound for a stranger.
14 Kana munhu akafumira rungwanangwana kukwazisa muvakidzani wake achidaidzirisa zvichaonekwa sechituko.
He who blesseth his neighbor with a loud voice, rising early for it, It shall be accounted to him as a curse.
15 Mudzimai anokakavara akafanana nemvura inoramba ichidonha-donha mushure mokunge kwanaya;
A continual dropping in a very rainy day And a quarrelsome wife are alike.
16 kumudzivisa zvakafanana nokudzivisa mhepo, kana kuchingidzira mafuta noruoko.
He who restraineth her restraineth the wind; And his right hand layeth hold of oil.
17 Simbi inorodza simbi, saizvozvowo mumwe munhu anorodza mumwe.
Iron sharpeneth iron; So one man sharpeneth the face of another.
18 Uyo anochengeta muonde achadya zvibereko zvawo, uye uyo anochengeta tenzi wake achakudzwa.
He that watcheth the fig-tree shall eat its fruit; So he that is careful for his master shall come to honor.
19 Sezvo mvura ichiratidza chiso, saizvozvowo mwoyo womunhu unoratidza munhu.
As in water face answereth to face, So doth the heart of man to man.
20 Rufu nokuparadza hazvimboguti, kunyangewo maziso omunhu haaguti. (Sheol )
The realms of the dead are never full; So the eyes of man are never satisfied. (Sheol )
21 Hari ndeyokunyautsira sirivha uye choto ndechokunatsa goridhe, asi munhu anoedzwa nerumbidzo yaanowana.
The refining-pot is for silver, and the furnace for gold; So let a man be to the mouth that giveth him praise.
22 Kunyange ukatswa benzi muduri, kumutswa sezviyo nomutswi, haungabvisi upenzi hwake maari.
Though thou shouldst beat a fool in a mortar, Among bruised wheat, with a pestle, Yet will not his folly depart from him.
23 Iva nechokwadi kuti unoziva mamiriro amakwai ako, uchengete zvakanaka mapoka ako;
Be thou diligent to know the state of thy flocks, And look well to thy herds!
24 nokuti pfuma haigari nokusingaperi, uye korona haigari kusvikira kuzvizvarwa zvose.
For riches last not for ever; Not even a crown endureth from generation to generation.
25 Kana uswa hukabviswa, uye bumhudza rikabuda, nesora rikaunganidzwa kubva kuzvikomo,
The hay disappeareth, and the tender grass showeth itself, And the herbage of the mountains is gathered in.
26 makwayana achakuwanisa zvokupfeka, uye mbudzi nomutengo womunda.
The lambs are thy clothing, And the goats the price of thy field.
27 Uchava nomukaka wembudzi wakawanda wokudya iwe nemhuri yako, uye wokuraramisa varandakadzi vako.
There is goat's milk enough for thy food, For the food of thy household, And for the sustenance of thy maidens.