< Zvirevo 22 >

1 Zita rakanaka rinodiwa kwazvo kupfuura pfuma zhinji; kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana goridhe.
美名胜过大财; 恩宠强如金银。
2 Vapfumi navarombo vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye Musiki wavo vose.
富户穷人在世相遇, 都为耶和华所造。
3 Munhu akangwara anoona njodzi agohwanda, asi asina mano anoramba achienda uye agotambudzika nokuda kwaizvozvo.
通达人见祸藏躲; 愚蒙人前往受害。
4 Kuzvininipisa nokutya Jehovha kunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu.
敬畏耶和华心存谦卑, 就得富有、尊荣、生命为赏赐。
5 Munzira yeakaipa mune minzwa nemisungo, asi uyo anochengeta mweya wake anogara kure nazvo.
乖僻人的路上有荆棘和网罗; 保守自己生命的,必要远离。
6 Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo, uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.
教养孩童,使他走当行的道, 就是到老他也不偏离。
7 Mupfumi anobata ushe pamusoro pomurombo, uye anokwereta anova muranda weanokweretesa.
富户管辖穷人; 欠债的是债主的仆人。
8 Uyo anodyara kuipa anokohwa dambudziko, uye tsvimbo yokutsamwa kwake ichaparadzwa.
撒罪孽的,必收灾祸; 他逞怒的杖也必废掉。
9 Munhu anopa zvakawanda acharopafadzwa, nokuti anopa varombo zvokudya zvake.
眼目慈善的,就必蒙福, 因他将食物分给穷人。
10 Dzinga museki, kukakavara kunobva kwaendawo; kupopotedzana nokutukana kunoguma.
赶出亵慢人,争端就消除; 纷争和羞辱也必止息。
11 Uyo anoda mwoyo wakachena uye anotaura zvakanaka, achava shamwari yamambo.
喜爱清心的人因他嘴上的恩言, 王必与他为友。
12 Meso aJehovha anorinda zivo, asi anokonesa mashoko omunhu asina kutendeka.
耶和华的眼目眷顾聪明人, 却倾败奸诈人的言语。
13 Simbe inoti, “Panze pane shumba,” kana kuti, “Ndinourayiwa munzira!”
懒惰人说:外头有狮子; 我在街上就必被杀。
14 Muromo womukadzi chifeve igomba rakadzika; uyo ari pasi pokutsamwa kwaJehovha achawira mariri.
淫妇的口为深坑; 耶和华所憎恶的,必陷在其中。
15 Upenzi hwakasungirirwa mumwoyo momwana, asi shamhu yokuranga ichahudzingira kure naye.
愚蒙迷住孩童的心, 用管教的杖可以远远赶除。
16 Uyo anomanikidza varombo kuti awedzere pfuma yake nouyo anopa zvipo kuvapfumi, vose vachava varombo.
欺压贫穷为要利己的, 并送礼与富户的,都必缺乏。
17 Nyatsoteerera unzwe mashoko omuchenjeri; isa mwoyo wako kumashoko andinokudzidzisa,
你须侧耳听受智慧人的言语, 留心领会我的知识。
18 nokuti chinhu chinofadza kana ukaachengeta mumwoyo mako, uye ugare wakagadzirira kuataura ose.
你若心中存记, 嘴上咬定,这便为美。
19 Kuti uvimbe naJehovha, ndinokudzidzisa nhasi, kunyange iyewe.
我今日以此特特指教你, 为要使你倚靠耶和华。
20 Handina kukunyorera zvirevo makumi matatu here, mashoko edzidziso noruzivo,
谋略和知识的美事, 我岂没有写给你吗?
21 kukudzidzisa mashoko echokwadi anovimbika, kuitira kuti ugopa mhinduro dzakafanira kuno uyo akakutuma?
要使你知道真言的实理, 你好将真言回复那打发你来的人。
22 Usatorera varombo nokuti varombo, uye usamanikidza vanoshayiwa mudare redzimhosva,
贫穷人,你不可因他贫穷就抢夺他的物, 也不可在城门口欺压困苦人;
23 nokuti Jehovha achavarwira pamhaka yavo, uye achapamba vanovapamba.
因耶和华必为他辨屈; 抢夺他的,耶和华必夺取那人的命。
24 Usaita ushamwari nomunhu ane hasha, uye usafambidzana nomunhu anokurumidza kutsamwa,
好生气的人,不可与他结交; 暴怒的人,不可与他来往;
25 kuti urege kudzidza tsika dzake, uye urege kuzviteya nomusungo.
恐怕你效法他的行为, 自己就陷在网罗里。
26 Usava munhu anombunda ruoko pamhiko, kana kuzviita rubatso pazvikwereti;
不要与人击掌, 不要为欠债的作保。
27 kana usina chaungaripa nacho, uchatorerwa mubhedha wako chaiwo, paurere chaipo.
你若没有什么偿还, 何必使人夺去你睡卧的床呢?
28 Usabvisa dombo romuganhu wakare, wakaiswapo namadzibaba ako.
你先祖所立的地界, 你不可挪移。
29 Unoona munhu ane unyanzvi pabasa rake here? Achashanda pamberi pamadzimambo; haangashandiri vanhu vasina maturo.
你看见办事殷勤的人吗? 他必站在君王面前, 必不站在下贱人面前。

< Zvirevo 22 >