< Zvirevo 2 >

1 Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, ukachengeta mirayiro yangu mauri,
Сине мој, ако примиш речи моје, и заповести моје сахраниш код себе,
2 ukarerekera nzeve yako kuuchenjeri uye ukaisa mwoyo wako pakunzwisisa,
Да пази ухо твоје на мудрост, и пригнеш срце своје к разуму,
3 uye kana ukadanidzira kuti uwanze njere uye ukadanidzira nenzwi guru kuti uwane kunzwisisa,
Ако призовеш мудрост, и к разуму подигнеш глас свој,
4 uye kana ukahutsvaka sounotsvaka sirivha nokuhutsvaka sounotsvaka pfuma yakavanzwa,
Ако га устражиш као сребро, и као сакривено благо ако добро устражиш;
5 ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha uye uchawana ruzivo rwaMwari.
Тада ћеш разумети страх Господњи, и познање Божије наћи ћеш.
6 Nokuti Jehovha anopa uchenjeri, uye mumuromo make munobuda zivo nokunzwisisa.
Јер Господ даје мудрост, из Његових уста долази знање и разум.
7 Anochengetera vakarurama kukunda, iye ndiye nhoo kuna avo vane mufambiro usina chaunopomerwa,
Чува правима шта доиста јесте, штит је онима који ходе у безазлености,
8 nokuti anochengetedza nzira yavakarurama, uye anodzivirira nzira yavakatendeka vake.
Да би се држали стаза правих, а Он чува пут светаца својих.
9 Ipapo uchanzwisisa zvakarurama, kururamisira nokuenzanisira nzira dzose dzakanaka.
Тада ћеш разумети правду и суд и шта је право, и сваки добри пут.
10 Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, uye ruzivo ruchafadza mweya wako.
Кад дође мудрост у срце твоје, и знање омили души твојој,
11 Kungwara kuchakuchengetedza, uye kunzwisisa kuchakurinda.
Помњивост ће пазити на те, разум ће те чувати,
12 Uchenjeri huchakuponesa panzira dzavanhu vakaipa, vanhu vane mashoko asakarurama,
Избављајући те од зла пута, од људи који говоре опаке ствари,
13 vanosiya nzira yakarurama kuti vafambe munzira dzerima,
Који остављају праве путе да иду путевима мрачним,
14 vanofarira kuita zvakaipa uye vanofarira kusarurama kwezvakaipa,
Који се радују зло чинећи, и играју у злим опачинама;
15 vane nzira dzakaminama uye vanonyengera pamaitiro avo.
Којих су путеви криви, и сами су опаки на стазама својим;
16 Zvichakuponesazve pamukadzi chifeve, kubva pamudzimai asingazvibati, anokwezva namashoko ake,
Избављајући те од жене туђе, од туђинке, која ласка својим речима,
17 uyo akasiya murume woumhandara hwake uye akashaya hanya nesungano yaakaita pamberi paMwari.
Која оставља вођу младости своје, и заборавља завет Бога свог.
18 Nokuti imba yake inoenda kurufu, uye nzira dzake kumweya yavakafa.
Јер к смрти води дом њен, и к мртвима стазе њене.
19 Hakuna anoenda kwaari achidzoka kana kuzowana nzira dzoupenyu.
Ко год уђе к њој не враћа се, нити излази на пут животни.
20 Naizvozvo iwe uchafamba munzira dzavanhu vakanaka uye ucharamba uri munzira dzavakarurama.
Зато ходи путем добрих, и држи се стаза праведничких.
21 Nokuti vakarurama vachagara munyika, uye vasina chavanopomerwa vacharamba vari mairi;
Јер ће праведници наставати на земљи, и безазлени ће остати на њој.
22 asi vakaipa vachaparadzwa panyika, uye vasina kutendeka vachabviswa pairi.
А безбожни ће се истребити са земље, и безаконици ће се ишчупати из ње.

< Zvirevo 2 >