Preface
Read
+
Publisher
Nainoia, Inc.
PO Box 462, Bellefonte, PA 16823
(814) 470-8028
Nainoia Inc, Publisher
LinkedIn/NAINOIA-INC
Third Party Publisher Resources
Request Custom Formatted Verses
Please contact us below
Submit your proposed corrections
I understand that the Aionian Bible republishes public domain and Creative Commons Bible texts and that volunteers may be needed to present the original text accurately. I also understand that apocryphal text is removed and most variant verse numbering is mapped to the English standard. I have entered my corrections under the verse(s) below. Proposed corrections to the Shona Free Holy Bible, Proverbs Chapter 2 https://www.AionianBible.org/Bibles/Shona---Rakasununguka/Proverbs/2 1) Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, ukachengeta mirayiro yangu mauri, 2) ukarerekera nzeve yako kuuchenjeri uye ukaisa mwoyo wako pakunzwisisa, 3) uye kana ukadanidzira kuti uwanze njere uye ukadanidzira nenzwi guru kuti uwane kunzwisisa, 4) uye kana ukahutsvaka sounotsvaka sirivha nokuhutsvaka sounotsvaka pfuma yakavanzwa, 5) ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha uye uchawana ruzivo rwaMwari. 6) Nokuti Jehovha anopa uchenjeri, uye mumuromo make munobuda zivo nokunzwisisa. 7) Anochengetera vakarurama kukunda, iye ndiye nhoo kuna avo vane mufambiro usina chaunopomerwa, 8) nokuti anochengetedza nzira yavakarurama, uye anodzivirira nzira yavakatendeka vake. 9) Ipapo uchanzwisisa zvakarurama, kururamisira nokuenzanisira nzira dzose dzakanaka. 10) Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, uye ruzivo ruchafadza mweya wako. 11) Kungwara kuchakuchengetedza, uye kunzwisisa kuchakurinda. 12) Uchenjeri huchakuponesa panzira dzavanhu vakaipa, vanhu vane mashoko asakarurama, 13) vanosiya nzira yakarurama kuti vafambe munzira dzerima, 14) vanofarira kuita zvakaipa uye vanofarira kusarurama kwezvakaipa, 15) vane nzira dzakaminama uye vanonyengera pamaitiro avo. 16) Zvichakuponesazve pamukadzi chifeve, kubva pamudzimai asingazvibati, anokwezva namashoko ake, 17) uyo akasiya murume woumhandara hwake uye akashaya hanya nesungano yaakaita pamberi paMwari. 18) Nokuti imba yake inoenda kurufu, uye nzira dzake kumweya yavakafa. 19) Hakuna anoenda kwaari achidzoka kana kuzowana nzira dzoupenyu. 20) Naizvozvo iwe uchafamba munzira dzavanhu vakanaka uye ucharamba uri munzira dzavakarurama. 21) Nokuti vakarurama vachagara munyika, uye vasina chavanopomerwa vacharamba vari mairi; 22) asi vakaipa vachaparadzwa panyika, uye vasina kutendeka vachabviswa pairi. Additional comments?
Refresh Captcha
The world's first Holy Bible un-translation!