< VaFiripi 1 >
1 Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvene vose muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe chete navatariri navadhikoni vekereke:
Paul and Timothy, the servants of Jesus Christ; to all the saints in Christ Jesus, who are at Philippi, with the bishops and deacons.
2 Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Ishe Jesu Kristu ngazvive kwamuri.
Grace be unto you, and peace from God our Father, and from the Lord Jesus Christ.
3 Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarirai.
I give thanks to my God in every remembrance of you,
4 Muminyengetero yangu yose nokuda kwenyu mose, ndinogara ndichinyengetera nomufaro
Always in all my prayers making supplication for you all, with joy;
5 nokuda kwokubata pamwe kwenyu muvhangeri kubvira pazuva rokutanga kusvikira zvino,
For your communication in the gospel of Christ from the first day until now.
6 ndichiziva izvi, kuti iye akatanga basa rakanaka mamuri acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu.
Being confident of this very thing, that he, who hath begun a good work in you, will perfect it unto the day of Christ Jesus.
7 Zvakanaka kwandiri kuti ndifunge saizvozvo pamusoro penyu mose, sezvo ndinemi mumwoyo; nokuti kunyange ndakasungwa nengetani kana kuti ndichidzivirira nokusimbisa vhangeri, imi mose munogovana neni munyasha dzaMwari.
As it is meet for me to think this for you all, for that I have you in my heart; and that in my bands, and in the defence and confirmation of the gospel, you all are partakers of my joy.
8 Mwari anogona kupupura kuti ndinokufungai sei imi mose norudo rwaKristu Jesu.
For God is my witness, how I long after you all in the bowels of Jesus Christ.
9 Uye uyu ndiwo munyengetero wangu: kuti rudo rwenyu ruwande uye muwanze kuziva nokunzwisisa,
And this I pray, that your charity may more and more abound in knowledge, and in all understanding:
10 kuitira kuti mugogona kunzwisisa kuti zvakaisvonaka ndezvipi uye muve vakachena uye mushayiwe chamungapomerwa kusvikira pazuva raKristu,
That you may approve the better things, that you may be sincere and without offence unto the day of Christ,
11 muzere nechibereko chokururama chinouya kubudikidza naJesu Kristu, kuti kubwinya nokurumbidzwa zvive kuna Mwari.
Filled with the fruit of justice, through Jesus Christ, unto the glory and praise of God.
12 Zvino ndinoda kuti muzive, hama dzangu, kuti zvakaitika kwandiri zvakabatsira zvikuru kufambisa vhangeri.
Now, brethren, I desire you should know, that the things which have happened to me, have fallen out rather to the furtherance of the gospel:
13 Nokuda kwaizvozvo, zvava pachena kuvarindi vomuzinda wamambo nokuna vose kuti ndiri mungetani nokuda kwaKristu.
So that my bands are made manifest in Christ, in all the court, and in all other places;
14 Nokuda kwengetani dzangu, hama zhinji muna She dzakakurudzirwa kuti vataure shoko raMwari vakashinga zvikuru uye vasingatyi.
And many of the brethren in the Lord, growing confident by my bands, are much more bold to speak the word of God without fear.
15 Ichokwadi kuti vamwe vanoparidza Kristu negodo uye negakava, asi vamwe nenzira yakanaka.
Some indeed, even out of envy and contention; but some also for good will preach Christ.
16 Vamwe vanoita izvozvo murudo, vachiziva kuti ndakaiswa muno nokuda kwokudzivirira vhangeri.
Some out of charity, knowing that I am set for the defence of the gospel.
17 Vamwe vaiparidza Kristu nomwoyo woruchiva, vasina kutendeka, vachifungidzira kuti vangandimutsira dambudziko ndichiri mungetani.
And some out of contention preach Christ not sincerely: supposing that they raise affliction to my bands.
18 Asi zvisinei hazvo, chinhu chinokosha ndechokuti munzira dzose, dzingava ndangariro dzenhema kana dzechokwadi, Kristu ari kuparidzwa hake. Uye nokuda kwaizvozvi ndinofara. Hongu, uye ndicharamba ndichifara,
But what then? So that by all means, whether by occasion, or by truth, Christ be preached: in this also I rejoice, yea, and will rejoice.
19 nokuti ndinoziva kuti kubudikidza neminyengetero yenyu uye norubatsiro runopiwa noMweya waJesu Kristu, zvakaitika kwandiri zvichashanduka zvikava kusunungurwa kwangu.
For I know that this shall fall out to me unto salvation, through your prayer, and the supply of the Spirit of Jesus Christ,
20 Ndinoshuva zvikuru nokutarira kuti handingazonyadziswi, asi ndichava nokushinga kwakakwana kuitira kuti zvino senguva dzose Kristu achakudzwa mumuviri wangu, muupenyu kana murufu.
According to my expectation and hope; that in nothing I shall be confounded, but with all confidence, as always, so now also shall Christ be magnified in my body, wither it be by life, or by death.
21 Nokuti kwandiri, kurarama ndiKristu uye kufa kupfuma.
For to me, to live is Christ; and to die is gain.
22 Kana ndikaramba ndichirarama mumuviri, izvi zvichareva kubata kune zvibereko kwandiri. Asi ndichasarudzeiko? Handizivi!
And if to live in the flesh, this is to me the fruit of labour, and what I shall choose I know not.
23 Ndiri pakati pezvinhu zviviri zvinoti: Ndinoda kuenda kuti ndive naKristu, zvinova ndizvo zviri nani nokupfuuridza;
But I am straitened between two: having a desire to be dissolved and to be with Christ, a thing by far the better.
24 asi zvinokoshawo zvikuru kwamuri kuti ndirambe ndiri mumuviri uyu.
But to abide still in the flesh, is needful for you.
25 Ndichitenda chinhu ichi, ndinoziva kuti ndichagara, uye ndicharamba ndinemi mose kuti mupfuurire mberi uye mufare mukutenda kwenyu,
And having this confidence, I know that I shall abide, and continue with you all, for your furtherance and joy of faith:
26 kuitira kuti ndichinge ndadzoka kwamuri zvakare, mufaro wenyu muna Kristu Jesu ugozadziswa nokuda kwangu.
That your rejoicing may abound in Christ Jesus for me, by my coming to you again.
27 Zvisinei kuti chii chaitika kwandiri, murambe muchifamba nenzira yakafanira vhangeri raKristu. Ipapo, kunyange ndikauya kuzokuonai kana kunzwa nezvenyu ndisipo hangu, ndichaziva kuti mumire nesimba mumweya mumwe, muchirwa somunhu mumwe nokuda kwokutenda kwevhangeri,
Only let your conversation be worthy of the gospel of Christ: that, whether I come and see you, or, being absent, may hear of you, that you stand fast in one spirit, with one mind labouring together for the faith of the gospel.
28 musingatyiswi nenzira ipi zvayo neavo vanopikisana nemi. Ichi ndicho chiratidzo kwavari kuti vachaparadzwa, uye kuti imi muchaponeswa naMwari.
And in nothing be ye terrified by the adversaries: which to them is a cause of perdition, but to you of salvation, and this from God:
29 Nokuti makapiwa imi, nokuda kwaKristu, kuti musangotenda kwaari bedzi, asi kuti mutambudzike nokuda kwake,
For unto you it is given for Christ, not only to believe in him, but also to suffer for him.
30 sezvo muri mukurwa kumwe chete uku kwamakandiona ndinako, uye kwamunoziva zvino kuti ndichinako.
Having the same conflict as that which you have seen in me, and now have heard of me.