Preface
Read
+
Publisher
Nainoia, Inc.
PO Box 462, Bellefonte, PA 16823
(814) 470-8028
Nainoia Inc, Publisher
LinkedIn/NAINOIA-INC
Third Party Publisher Resources
Request Custom Formatted Verses
Please contact us below
Submit your proposed corrections
I understand that the Aionian Bible republishes public domain and Creative Commons Bible texts and that volunteers may be needed to present the original text accurately. I also understand that apocryphal text is removed and most variant verse numbering is mapped to the English standard. I have entered my corrections under the verse(s) below. Proposed corrections to the Shona Free Holy Bible, Philippians Chapter 1 https://www.AionianBible.org/Bibles/Shona---Rakasununguka/Philippians 1) Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu, kuvatsvene vose muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe chete navatariri navadhikoni vekereke: 2) Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Ishe Jesu Kristu ngazvive kwamuri. 3) Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarirai. 4) Muminyengetero yangu yose nokuda kwenyu mose, ndinogara ndichinyengetera nomufaro 5) nokuda kwokubata pamwe kwenyu muvhangeri kubvira pazuva rokutanga kusvikira zvino, 6) ndichiziva izvi, kuti iye akatanga basa rakanaka mamuri acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu. 7) Zvakanaka kwandiri kuti ndifunge saizvozvo pamusoro penyu mose, sezvo ndinemi mumwoyo; nokuti kunyange ndakasungwa nengetani kana kuti ndichidzivirira nokusimbisa vhangeri, imi mose munogovana neni munyasha dzaMwari. 8) Mwari anogona kupupura kuti ndinokufungai sei imi mose norudo rwaKristu Jesu. 9) Uye uyu ndiwo munyengetero wangu: kuti rudo rwenyu ruwande uye muwanze kuziva nokunzwisisa, 10) kuitira kuti mugogona kunzwisisa kuti zvakaisvonaka ndezvipi uye muve vakachena uye mushayiwe chamungapomerwa kusvikira pazuva raKristu, 11) muzere nechibereko chokururama chinouya kubudikidza naJesu Kristu, kuti kubwinya nokurumbidzwa zvive kuna Mwari. 12) Zvino ndinoda kuti muzive, hama dzangu, kuti zvakaitika kwandiri zvakabatsira zvikuru kufambisa vhangeri. 13) Nokuda kwaizvozvo, zvava pachena kuvarindi vomuzinda wamambo nokuna vose kuti ndiri mungetani nokuda kwaKristu. 14) Nokuda kwengetani dzangu, hama zhinji muna She dzakakurudzirwa kuti vataure shoko raMwari vakashinga zvikuru uye vasingatyi. 15) Ichokwadi kuti vamwe vanoparidza Kristu negodo uye negakava, asi vamwe nenzira yakanaka. 16) Vamwe vanoita izvozvo murudo, vachiziva kuti ndakaiswa muno nokuda kwokudzivirira vhangeri. 17) Vamwe vaiparidza Kristu nomwoyo woruchiva, vasina kutendeka, vachifungidzira kuti vangandimutsira dambudziko ndichiri mungetani. 18) Asi zvisinei hazvo, chinhu chinokosha ndechokuti munzira dzose, dzingava ndangariro dzenhema kana dzechokwadi, Kristu ari kuparidzwa hake. Uye nokuda kwaizvozvi ndinofara. Hongu, uye ndicharamba ndichifara, 19) nokuti ndinoziva kuti kubudikidza neminyengetero yenyu uye norubatsiro runopiwa noMweya waJesu Kristu, zvakaitika kwandiri zvichashanduka zvikava kusunungurwa kwangu. 20) Ndinoshuva zvikuru nokutarira kuti handingazonyadziswi, asi ndichava nokushinga kwakakwana kuitira kuti zvino senguva dzose Kristu achakudzwa mumuviri wangu, muupenyu kana murufu. 21) Nokuti kwandiri, kurarama ndiKristu uye kufa kupfuma. 22) Kana ndikaramba ndichirarama mumuviri, izvi zvichareva kubata kune zvibereko kwandiri. Asi ndichasarudzeiko? Handizivi! 23) Ndiri pakati pezvinhu zviviri zvinoti: Ndinoda kuenda kuti ndive naKristu, zvinova ndizvo zviri nani nokupfuuridza; 24) asi zvinokoshawo zvikuru kwamuri kuti ndirambe ndiri mumuviri uyu. 25) Ndichitenda chinhu ichi, ndinoziva kuti ndichagara, uye ndicharamba ndinemi mose kuti mupfuurire mberi uye mufare mukutenda kwenyu, 26) kuitira kuti ndichinge ndadzoka kwamuri zvakare, mufaro wenyu muna Kristu Jesu ugozadziswa nokuda kwangu. 27) Zvisinei kuti chii chaitika kwandiri, murambe muchifamba nenzira yakafanira vhangeri raKristu. Ipapo, kunyange ndikauya kuzokuonai kana kunzwa nezvenyu ndisipo hangu, ndichaziva kuti mumire nesimba mumweya mumwe, muchirwa somunhu mumwe nokuda kwokutenda kwevhangeri, 28) musingatyiswi nenzira ipi zvayo neavo vanopikisana nemi. Ichi ndicho chiratidzo kwavari kuti vachaparadzwa, uye kuti imi muchaponeswa naMwari. 29) Nokuti makapiwa imi, nokuda kwaKristu, kuti musangotenda kwaari bedzi, asi kuti mutambudzike nokuda kwake, 30) sezvo muri mukurwa kumwe chete uku kwamakandiona ndinako, uye kwamunoziva zvino kuti ndichinako. Additional comments?
Refresh Captcha
The world's first Holy Bible un-translation!