< VaFiripi 2 >

1 Kana muine kurudziro inobva pakubatana naKristu, kana paine kunyaradza kunobva parudo rwake, kana pano kuwadzana noMweya, kana paino unyoro netsitsi,
所以,如果你們在基督內獲得了鼓勵,愛的勸勉,聖神的交往,哀憐和同情,
2 ipapo itai kuti mufaro wangu uzare nokuva nomurangariro wakadaro, muine rudo rumwe chete, muri vamwe mumweya nechinangwa.
就應意見一致,同心合意,思念同樣的事,以滿全我的喜樂。
3 Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari nani kupfuura imi.
不論做什麼,不從私見,也不求虛榮,只存心謙下,彼此此該想自己不如人;
4 Mumwe nomumwe wenyu ngaarege kungotsvaka zvake chete, asi zvavamwewo.
各人不可只顧自己的事,也該顧別人的事。
5 Kufunga kwenyu ngakuve sokwaKristu Jesu:
你們該懷有基督耶穌所懷有的心情:
6 Uyo, kunyange aiva Mwari chaiye, haana kufunga kuti kuenzana naMwari chinhu chingabatisiswa,
他雖具有天主的形體,並沒有以自己與天主同等,為應當把持不捨的,
7 asi akazviita chinhu pasina, akatora chimiro chomuranda chaiye, akaitwa somunhu.
卻使自己空虛,取了奴僕的形體,與人相似,形狀也一見如人;
8 Uye akati awanikwa ane chimiro chomunhu, akazvininipisa uye akateerera kusvikira pakufa, kunyange rufu pamuchinjikwa.
祂貶抑自己,聽命至死,且死在十字架上。
9 Naizvozvo Mwari akamukudza panzvimbo yapamusoro-soro, uye akamupa zita riri pamusoro pamazita ose,
為此,天主極其舉揚祂,賜給了祂一個名字,超越其它所有的名字,
10 kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame, mudenga napanyika uye napasi penyika,
致使上天、地下和一切的一切,一聽到耶穌的名字,無不屈膝叩拜;
11 uye ndimi dzose dzipupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe, kuti Mwari Baba vakudzwe.
一切唇舌無不明認耶穌基督是主,以光榮大主聖父。
12 Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodiwa, sezvamunogara muchiteerera, kwete ndiripo bedzi, asi zvino zvikuru ndisipo, rambai muchishandira ruponeso rwenyu nokutya nokudedera,
為此,我可愛的,就如常常聽了命,不但我與你們同在的時候,就是如今不在時候,你們更應該聽命。你們要懷著恐懼戰憟,努力成就你們得救的事,
13 nokuti ndiMwari anoshanda mukati menyu kuti mude uye muite maererano nokuda kwake kwakanaka.
因為是天主在你們內工作,使你們願意,並使你們力行,為成就祂的善意。
14 Itai zvose musinganyunyuti kana kukakavara,
你們做一切事,總不可抱怨,也不可爭論,
15 kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika
好使你們成為無可指謫和純潔的,在乖僻敗壞的世代中,做天主無瑕的子女;在世人中你們應放光明,有如字宙間明星,
16 sezvamunobatirira pashoko roupenyu, kuitira kuti ndigozvirumbidza pazuva raKristu uye kuti handina kumhanya kana kushanda pasina.
將生命的話顯耀出來,使我到基督的日子,有可自誇的,那我就沒有白跑,也沒有徒勞。
17 Asi kunyange dai ndadururwa hangu sechipiriso chinonwiwa pamusoro pechibayiro noushumiri hunobva pakutenda kwenyu, ndinofara uye ndinofarisisa nemi mose.
既使我應在你們信德的祭祀和供獻上奠我的血,我也喜歡, 且與你們眾位一同喜歡;
18 Saka nemiwo munofanira kufara nokufarisisa neni.
同樣,你們也該喜歡,也該與我一同喜歡。
19 Ndine tariro muna Ishe Jesu kuti nditume Timoti kwamuri nokukurumidza, kuti neniwo ndifare pandichanzwa mashoko pamusoro penyu.
我在主耶穌內希望不久打發弟茂德到那裏去,好叫我知道你們的事而放心。
20 Handina mumwe akaita saye, ane hanya kwazvo nokugara kwenyu kwakanaka.
實在,我沒有一個像他那樣誠心關照你們的人,
21 Nokuti munhu wose anozvitsvakira zvake, zvisati zviri zvaJesu Kristu.
因為其他的人都謀求自己的事,而不謀求基督耶穌的事。
22 Asi munoziva kuti Timoti akaratidza kutendeka kwake, nokuti somwanakomana ana baba vake akashanda neni mubasa revhangeri.
至於他,你們知道他所受過的考驗,他對我如同兒子對待父親一樣,與我一同從事了福音皂工作。
23 Naizvozvo, ndine tariro yokuti ndimutume nokukurumidza kana ndaona kuti zvinhu zvinondifambira sei.
所以,我希望,幾時我一看出我的事怎樣了結,就立即打發他去;
24 Ndinovimba muna She kuti ini pachangu ndichauya nokukurumidza.
並且在主內我自信,我自己也快去。
25 Asi ndinofunga kuti zvakafanira kuti nditumirezve kwamuri Epafrodhitasi, hama yangu, mubati pamwe chete neni uye murwi pamwe chete neni, iye nhume yenyuwo, wamakatuma kuti azondibatsira pane zvandaishayiwa.
再者,我以為必須把我的弟兄、同事和戰友,即你們派來為供給我急需的使者,厄帕洛狄托給你們打發回去,
26 Nokuti anokushuvai mose uye ari kutambudzika nokuti makanzwa kuti akanga achirwara.
因為他常想念你們眾人,又因你們聽說他病了,他更為心焦。
27 Zvechokwadi akanga achirwara, uye akapotsa afa. Asi Mwari akava nengoni naye, uye kwete kwaari oga asi kwandiriwo, kuti ndirege kuva nokusuwa pamusoro pokusuwa.
實在,他曾病得幾乎要死;但天主可憐了他,不但他,也可憐了我,免得我愁上加愁。
28 Naizvozvo ndinoshinga kwazvo kuti ndimutume, kuti pamunomuonazve mugofara uye ini ndive nokufunganya kushoma.
那麼,我儘速打發他回去,好叫你們看見他感到喜樂,而我也減少憂苦。
29 Mugamuchirei muna She nomufaro mukuru, uye mukudze munhu akaita saiyeye,
所以你們應該在主內滿心喜歡接待他;像這樣的人,你們應當尊敬,
30 nokuti akapotsa afa nokuda kwebasa raKristu, akaisa upenyu hwake panjodzi kuti akwanise kubatsira kwamakanga musingagoni kundiitira imi.
因為他為了基督工作,曾冒性命的危險,接近了死亡,為彌你們未能事奉我的虧缺。

< VaFiripi 2 >