< VaEfeso 1 >

1 Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, kuvatsvene vari muEfeso, vakatendeka muna Kristu Jesu:
因天主的旨意,做耶穌基督宗徒的保祿,致書給那些在 [厄弗所的 ] 聖徒和信仰基督耶穌的人。
2 Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Kristu ngazvive kwamuri.
願恩寵與平安,由我們的天主和主耶穌基督,賜與你們!
3 Ngaarumbidzwe Mwari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye akatiropafadza muchadenga nokuropafadza kwose kwomweya muna Kristu Jesu.
願我們的主耶穌基督的天主和父受讚美!祂在天上,在基督內,以各種屬神的祝福,祝福了我們,
4 Nokuti akatisarudza maari nyika isati yasikwa kuti tive vatsvene vasina chavanopomerwa pamberi pake. Murudo
因為祂於創世以前,在基督內己揀選了我們,為使我們在祂面前,成為聖潔無瑕疵的;
5 akatirongera kare kuti tigoitwa vana vake kubudikidza naJesu Kristu, maererano nomufaro wake uye nokuda kwake,
又由於愛,按照自己旨的決定,預定了我們藉著耶穌基督獲得義子的名分,而歸於祂,
6 kuti kunakisisa kwenyasha dzake dzaakangotipa hake muna Iye waanoda kurumbidzwe.
為頌揚祂恩寵的光榮,這恩寵是祂在自己的愛子內賜與我們的;
7 Iye watine dzikunuro maari kubudikidza neropa rake, iko kuregererwa kwezvivi, zviri maererano nokupfuma kwenyasha dzaMwari
我們就是全憑天主豐厚的恩寵,在祂的愛子內,藉祂愛子的血,獲得了救贖,罪過的赦免。
8 dzaakawanza pamusoro pedu nouchenjeri hwose uye nokunzwisisa kwose.
的確,天主豐厚地把這恩寵傾注在我們身上,賜與我們各種智慧和明達,
9 Uye akazivisa kwatiri chakavanzika chokuda kwake, maererano nomufaro wake wakanaka, waakafunga muna Kristu, kuti chiitwe pakukwana kwenguva,
為使我們知道,祂旨意的奧祕,是全照祂在愛子內所定的計畫;
10 auyise pamwe chete zvinhu zvose zviri kudenga nezviri panyika pasi pomusoro mumwe, anova Kristu.
就是依照祂的措施,當時期一滿,就使天上和地上的萬有,總歸於基督元苜。
11 Iye watakasarudzwawo maari, tarongerwa kare nhaka maererano nokuronga kwaiye anoita zvose mukusimbisa vavariro yokuda kwake,
我們也是在基督內得作天主的產業,因為我們是由那位按照自己旨意的計畫施行萬事者,早預定了的,
12 kuitira kuti isu, vakatanga kuva netariro muna Kristu, tive rumbidzo yokubwinya kwake.
為使我們這些首先在默西亞內懷著希望的人,頌揚祂的光榮;
13 Nemi makaiswawo muna Kristu pamakanzwa shoko rechokwadi, iro vhangeri rokuponeswa kwenyu. Makati matenda, makaiswa rupau maari nechisimbiso, icho chivimbiso choMweya Mutsvene,
在基督內,你們一聽到了真理的話,即你們得救的福音,便信從了,且在祂內受了恩許聖神的印證;
14 anova ndiye rubatso runotitsidzira nhaka yedu kusvikira rudzikinuro rwaavo vari vaMwari chaivo rwaratidzwa, kuti kubwinya kwake kurumbidzwe.
這聖神就是我們得嗣業的保證,為使天主所置為嗣業的子民,蒙受完全的救贖,為頌揚祂的光榮。
15 Nokuda kwaizvozvi, pandakanzwa nezvokutenda kwenyu muna Ishe Jesu uye rudo rwenyu kuvatsvene vose,
因此,我一聽見你們對主耶穌的信德和對眾聖徒的愛德,
16 handina kurega kuvonga nokuda kwenyu, ndichikurangarirai muminyengetero yangu.
便不斷為你們感謝天主,在我的祈禱中紀念你們,
17 Ndinoramba ndichikumbira kuti Mwari waIshe wedu Jesu Kristu, Baba vokubwinya, akupei mweya wouchenjeri nokuzarurirwa, kuitira kuti mumuzive zviri nani.
為使我們的主耶穌基督的天主,即那光榮的父,把智慧和啟示的神恩,賜與你們,好使你們認識祂;
18 Ndinonyengeterawo kuti meso emwoyo wenyu avhenekerwe kuitira kuti mugoziva pfuma yenhaka yake yokubwinya muvatsvene,
並光照你們心靈的眼目,為叫你們認清祂的寵召什麼希望,在聖徒中祂嗣業的光榮,是怎樣豐厚;
19 uye nesimba rake guru risingagoni kuenzaniswa kwatiri isu vanotenda. Iroro simba rakaita sokubata kwesimba rake guru,
祂對我們虔信的人,所施展的強有力而見效的德能是怎樣的偉大。
20 raakaita muna Kristu paakamumutsa kubva kuvakafa akamugarisa kuruoko rwake rworudyi mudenga,
正如祂已將這德能施展在基督身上,使祂從死者中復活,叫祂在天上坐在自己右邊,
21 pamusoro poutongi hwose noukuru, nesimba noushe, uye namazita ose angagona kurehwa, kwete panyika yazvino chete asiwo pane ichauya. (aiōn g165)
超乎一切率領者、掌權者、異能者、宰制者,以及一切現世及來世的可稱呼的名號以上; (aiōn g165)
22 Uye Mwari akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake akamugadza kuti ave musoro wezvinhu zvose nokuda kwekereke,
又將萬有置於祂的腳下,使祂教會內作至上的元首,
23 iwo muviri wake, kuzara kwaiye anozadza zvinhu zvose munzira dzose.
這教會就是基督的身體,就是在一切內充滿一切者的圓滿。

< VaEfeso 1 >