< Mako 9 >

1 Uye akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, kuti vamwe vamire pano havazoraviri rufu vasati vaona umambo hwaMwari huchisvika nesimba.”
ישוע המשיך לדבר אל תלמידיו:”אני אומר לכם, שאחדים מכם העומדים כאן היום יזכו לחיות ולראות את מלכות אלוהים באה בגבורה!“
2 Shure kwamazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, Jakobho naJohani akavatungamirira kugomo refu, kwavakanga vari voga. Akashanduka ikoko pamberi pavo.
כעבור שישה ימים לקח ישוע את פטרוס, יעקב ויוחנן ועלה איתם על פסגת הר גבוה. רק ארבעתם היו שם. לפתע זרחו פניו של ישוע בזוהר נפלא;
3 Nguo dzake dzakapenya, dzikachena kupfuura zvingacheneswa nomunhu upi zvake munyika muno.
בגדיו הבריקו והלבינו עד מאוד.
4 Uye ipapo pakaonekwa pamberi pavo Eria naMozisi, uye vakanga vachitaurirana naJesu.
והנה הופיעו אליהו הנביא ומשה רבנו והחלו לדבר עם ישוע.
5 Petro akati kuna Jesu, “Rabhi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria.”
”רבי, כמה טוב שאנחנו כאן!“קרא פטרוס.”אנחנו ניבנה כאן שלוש סוכות לכבוד – לך, למשה ולאליהו!“
6 Akashaya zvokutaura, nokuti vakanga votya zvikuru.
פטרוס לא ידע מה לומר, כי התלמידים היו מבוהלים וחסרי מילים.
7 Ipapo gore rakaonekwa rikavafukidza, uye inzwi rakabuda mugore rikati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda. Munzwei!”
בעודו מדבר סכך עליהם ענן, ומתוכו קרא קול:”זהו בני האהוב, שמעו בקולו!“
8 Pakarepo, vakatarisa kwose kwose, uye havana kuzoona munhu aripo navo kunze kwaJesu.
התלמידים הביטו סביבם וגילו שאליהו ומשה נעלמו, וישוע לבדו נותר עמם.
9 Pavakanga vava kuburuka mugomo, Jesu akavarayira kuti varege kutaurira kana munhu upi zvake zvavakanga vaona kusvikira Mwanakomana woMunhu amuka kubva kuvakafa.
כאשר ירדו מההר ישוע ציווה עליהם שלא יספרו לאיש את מה שראו, עד לאחר שיקום מן המתים.
10 Vakachengeta shoko iri pakati pavo, vachikurukurirana pamusoro pokuti, “kumuka kwavakafa” kunorevei.
השלושה לא גילו את הדבר לאיש, אולם שוחחו על כך בינם לבין עצמם, ולעיתים קרובות תהו למה התכוון ישוע כשאמר שיקום מן המתים.
11 Uye vakamubvunza vakati, “Seiko vadzidzisi vomurayiro vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?”
התלמידים שאלו את ישוע מדוע הסופרים אומרים שאליהו הנביא צריך לבוא תחילה (לפני המשיח).
12 Jesu akapindura akati, “Kutaura chokwadi, Eria anofanira kutanga kuuya, uye agovandudza zvinhu zvose. Zvino kwakanyorerwei kuchinzi Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika zvikuru uye agorambwa?
ישוע השיב שאליהו באמת צריך לבוא קודם וישליט סדר בכל, ושלמעשה אליהו כבר בא ואותם האנשים נהגו בו באופן מחפיר – בדיוק כפי שניבאו הנביאים.”למה אתם חושבים שהתכוונו הנביאים כשניבאו שהמשיח יסבול עינויים וחרפה?“שאל.
13 Asi ndinoti kwamuri, Eria akauya, uye vakaita kwaari zvinhu zvose zvavaida, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.”
14 Vakati vasvika kuna vamwe vadzidzi, vakaona vanhu vazhinji zhinji vakavakomberedza uye vadzidzisi vomurayiro vachiita nharo navo.
למרגלות ההר הם פגשו את תשעת התלמידים האחרים, מוקפים בקהל רב ומתווכחים עם כמה סופרים.
15 Vanhu vose pavakangoona Jesu, vakashamiswa zvikuru uye vakamhanya kundomukwazisa.
הקהל הביט בישוע בכבוד ובהערצה, וכולם רצו לקבל את פניו.
16 Akati, “Muri kuvabvunzeiko?”
”על מה אתם מתווכחים?“שאל ישוע.
17 Mumwe murume aiva pakati pavanhu vazhinji akapindura akati, “Mudzidzisi, ndauya kwamuri nomwanakomana wangu, akabatwa nomweya wakamupa umbeveve.
איש מהקהל השיב:”רבי, הבאתי אליך את בני שתרפא אותו; נכנס בו שד המונע ממנו לדבר.
18 Pose pose paunomubata, unomukanda pasi. Anopupuma furo pamuromo, worumanisa meno ake uye anobva aoma. Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi havana kugona kuzviita.”
בכל פעם שהשד תוקף את הילד הוא משליך אותו על הרצפה, והילד האומלל מזיל ריר מפיו, שיניו נוקשות וכוחותיו עוזבים אותו. ביקשתי מתלמידיך לגרש את השד, אך הם לא יכלו לעשות זאת.“
19 Jesu akati, “Haiwa rudzi rusingatendi, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko? Uyai nomukomana kwandiri.”
”הו, דור חסר־אמונה, “אמר ישוע,”עד מתי יהיה עלי לסבול אתכם? הביאו אלי את הילד.“
20 Saka vakauya naye. Mweya wakati uchiona Jesu, pakarepo wakawisira mukomana pasi ukamubvundisa. Akawira pasi akaumburuka, achipupuma furo pamuromo.
הם הביאו אליו את הילד, אך ברגע שראה השד את ישוע הוא תקף את הילד, הפיל אותו על הרצפה וריר נזל מפיו.
21 Jesu akabvunza baba vomukomana akati, “Ane nguva yakadii achiita izvi?” Vakapindura vakati, “Kubva pauduku hwake.
”מתי החלו ההתקפות האלה?“שאל ישוע.”בהיותו ילד קטן“, השיב האב.
22 Kazhinji unosimuwisira mumoto kana mumvura kuti umuuraye. Asi kana muchigona kuita chinhu, tinzwirei tsitsi mutibatsire.”
”לעיתים קרובות מנסה השד לדחוף את הילד לתוך אש או לתוך מים, כדי להרוג אותו. אנא, רחם עלינו ועזור לנו, אם אתה יכול.“
23 Jesu akati, “Kana muchigona? Zvinhu zvose zvinogoneka kune anotenda.”
”אם אני יכול?“אמר ישוע.”אם אתה מאמין, הכול אפשרי ובר ביצוע!“
24 Pakarepo baba vomukomana vakadanidzira vachiti, “Ndinotenda; ndibatsirei pakusatenda kwangu!”
”אני מאמין! אנא עזור לי וחזק את אמונתי!“התחנן האב בבכי.
25 Jesu akati aona kuti vanhu vazhinji vakanga vomhanyira panzvimbo iyo, akarayira mweya wakaipa akati, “Iwe mweya woumatsi nomweya woumbeveve, ndinokurayira, buda maari, uye usazopindazve maari.”
כשראה ישוע שהקהל הולך ורב, נזף בשד ופקד:”שד חרש ואילם, אני מצווה עליך לעזוב את הילד הזה ולא לשוב אליו לעולם!“
26 Mweya wakadanidzira, ukamubvundisa zvikuru uye ukabuda. Mukomana akaita sokunge chitunha zvokuti vazhinji vakati, “Afa.”
השד פרץ בצעקה מפחידה ושוב השליך את הילד על הרצפה ויצא ממנו. הוא נראה כגופה לכן עבר לחש בקהל: הילד מת.
27 Asi Jesu akamubata noruoko akamumisa netsoka dzake, uye akakwanisa kumira.
אולם ישוע אחז בידו ועזר לו לעמוד על רגליו, והילד הזדקף – בריא לגמרי.
28 Mushure mokunge Jesu apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari voga vachiti, “Seiko isu takakundikana kuudzinga?”
כאשר נשאר ישוע בבית עם תלמידיו לבדם, הם שאלו אותו:”מדוע לא יכולנו אנחנו לגרש את השד?“
29 Akapindura achiti, “Rudzi urwu runongobva chete nokunyengetera nokutsanya.”
”זהו מקרה מיוחד שדורש תפילה וצום“, השיב ישוע.
30 Vakabva panzvimbo iyoyo vakapfuura nomuGarirea. Jesu akanga asingadi kuti zvizivikanwe nomunhu kuti vaiva kupi,
הם עזבו את האזור ההוא ועברו דרך הגליל. ישוע לא סיפר לאיש על בואם, כי רצה לבלות זמן מה עם תלמידיו ולהכינם לקראת מה שעומד לקרות לו.”בן־האדם עומד להימסר לידי אויביו“, פתח ישוע.”הם יהרגו אותו, אולם לאחר שלושה ימים יקום לתחייה.“
31 nokuti akanga achidzidzisa vadzidzi vake. Akati kwavari, “Mwanakomana woMunhu achazopandukirwa achiiswa mumaoko avanhu. Vachamuuraya, uye shure kwamazuva matatu achamuka.”
32 Asi havana kunzwisisa zvaakanga achireva uye vakanga vachitya kumubvunza pamusoro pazvo.
התלמידים לא הבינו למה התכוון, אך חששו לשאול אותו.
33 Vakasvika kuKapenaume. Paakanga ari mumba, akavabvunza akati, “Manga muchikakavadzana pamusoro peiko munzira?”
כשהגיעו לכפר־נחום ונכנסו לבית מארחיהם שאל ישוע את תלמידיו:”על מה התווכחתם בדרך?“
34 Asi vakanyarara nokuti vakanga vakakavadzana vari munzira pamusoro pokuti mukuru ndiani.
הם התביישו לספר לו, משום שהתווכחו מי החשוב ביניהם.
35 Agara pasi, Jesu akadana vane gumi navaviri akati, “Kana munhu achida kuva wokutanga, anofanira kuva iye wokupedzisira, uye muranda wavose.”
ישוע התיישב, קרא אליו את התלמידים ואמר:”מי שרוצה להיות הראשון צריך להיות האחרון – עליו לשרת את כולם!“
36 Akatora mwana muduku akamumisa pakati pavo. Akamubata mumaoko ake, akati kwavari,
ישוע קרא אליו ילד קטן והציג אותו לפניהם. הוא חיבק את הילד והכריז:
37 “Ani naani anogamuchira mumwe wavaduku ava muzita rangu anogamuchira ini; uye ani naani anondigamuchira haagamuchiri ini asi iye akandituma.”
”כל המקבל ילד קטן כזה בשמי – כאילו מקבל אותי; וכל המקבל אותי – מקבל את אבי אשר שלח אותי.“
38 Johani akati, “Mudzidzisi, taona munhu achidzinga madhimoni muzita renyu tikamudzivisa, nokuti anga asiri mumwe wedu.”
יוחנן תלמידו פנה אליו ואמר:”רבי, ראינו איש שמגרש שדים בשמך ואמרנו לו לחדול מכך, כי אין הוא שייך לקבוצתנו.“
39 Jesu akati, “Musamudzivisa. Hakuna munhu anoita chishamiso muzita rangu angazotaura zvakaipa pamusoro pangu mushure maizvozvo,
”אל תמנעו ממנו, “אמר להם ישוע,”כי מי שעושה דברים כאלה בשמי לא ידבר עלי רעות.
40 nokuti ani naani asingarwisani nesu ndowedu.
כל מי שאינו נגדנו הוא לצידנו.
41 Ndinokuudzai chokwadi, ani naani anokupai mukombe wemvura muzita rangu nokuda kwokuti muri vaKristu zvirokwazvo haangazorasikirwi nomubayiro wake.
מי שייתן לכם אפילו כוס מים בלבד, משום שאתם שלי, אני מבטיח לכם שיקבל את שכרו.
42 “Uye kana ani naani akaita kuti mumwe wavaduku ava vanotenda kwandiri atadze, zvingava nani kwaari kuti akandwe mugungwa akasungirirwa guyo guru mumutsipa make.
אבל אוי למי שיגרום לילד המאמין בי לאבד את אמונתו! לאדם כזה מוטב שיקשרו אבן כבדה לצווארו ויטביעו אותו בים.
43 Kana ruoko rwako ruchikuita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kuti upinde muupenyu uri chirema pano kuti upinde mugehena namaoko maviri, uko kune moto usingadzimwi, (Geenna g1067)
”אם ידך גורמת לך לחטוא – קצץ אותה! מוטב לחיות עם יד אחת בלבד ולחיות חיי נצח, מאשר ללכת לגיהינום, אל האש שלא תכבה, עם שתי ידיים. (Geenna g1067)
44 umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi.
45 Uye kana rutsoka rwako ruchiita kuti utadze, rugure. Zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema pano kupinda mugehena namakumbo maviri, (Geenna g1067)
אם רגלך גורמת לך לחטוא – כרות אותה! מוטב להיות קיטע ולחיות חיי נצח, מאשר להיות בעל שתי רגליים שמוליכות אותך לגיהינום. (Geenna g1067)
46 umo musingafi honye dzavo uye moto usingadzimwi.
שם לא תמות התולעת (שתכרסם בהם), והאש לא תכבה לעולם.
47 Uye kana ziso rako richiita kuti utadze, ribvise. Zviri nani kwauri kuti upinde muumambo hwaMwari neziso rimwe chete pano kuti uve namaziso maviri uye ugokandwa kugehena, (Geenna g1067)
”אם עינך גורמת לך לחטוא – עקור אותה! מוטב להיכנס למלכות אלוהים עיוור למחצה, מאשר להישאר בעל שתי עיניים בגיהינום, (Geenna g1067)
48 uko “‘kusingafi honye dzavo uye moto wacho usingadzimwi.’
מקום שבו התולעת לא תמות לעולם, והאש לא תכבה לעולם.
49 Munhu wose acharungwa nomoto.
כל אדם יומלח באש. המלח הוא טוב, אך אם הוא מאבד את מליחותו הוא חסר תועלת; כיצד תוכלו להשיב לו את הטעם? על כן שימרו על המלח הנמצא בקרבכם וחיו בשלום איש עם רעהו.“
50 “Munyu wakanaka, asi kana warasa kuvava kwawo, mungauita kuti urungezve here? Ivai nomunyu mukati menyu, uye muve norugare pakati penyu.”

< Mako 9 >