< Mako 10 >

1 Uye Jesu akabva panzvimbo iyoyo akaenda munyika yeJudhea uye akayambuka mhiri kweJorodhani. Vanhu vazhinji vakauyazve kwaari, uye sezvayakanga iri tsika yake, akavadzidzisa.
ישוע עזב את כפר־נחום והלך דרומה, לגבול יהודה ולאזור שממזרח לנהר הירדן. שוב התאסף סביבו קהל גדול, וישוע לימד אותם כמנהגו.
2 Vamwe vaFarisi vakauya vakamuedza nokumubvunza vachiti, “Zvinotenderwa here kuti munhu arambe mukadzi wake?”
פרושים אחדים שבאו לנסותו שאלו:”האם מותר לאיש להתגרש מאשתו?“
3 Iye akati, “Mozisi akakurayirai kuti kudiniko?”
”מה אמר משה רבנו בקשר לגירושין?“שאל ישוע.
4 Ivo vakati, “Mozisi akatendera murume kuti anyore tsamba yokurambana uye agomuendesa.”
”משה אמר שמותר להתגרש“, השיבו הפרושים.”הוא אמר שבעל הרוצה לגרש את אשתו צריך לכתוב לה ספר כריתות (מכתב גירושין), וזה כל מה שנדרש ממנו.“
5 Jesu akapindura akati, “Nokuti mwoyo yenyu yakanga iri mikukutu, Mozisi akakunyorerai murayiro uyu.
”האם אתם יודעים מדוע כתב לכם משה את המצוה הזאת?“השיב ישוע.”אני אגיד לכם למה: משה לקח בחשבון את האופי העקשני שלכם.
6 Asi kubvira kumavambo okusikwa kwezvinhu, Mwari ‘akavaita murume nomukadzi.’
הרי מובן מאליו שאלוהים לא ברא איש ואישה כדי שייפרדו, אלא להיפך – אלוהים ברא איש ואישה כדי שיתאחדו לעולם בברית הנישואין. על כן יעזוב איש את אביו ואת אמו,
7 Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba vake namai vake uye agonamatira kumukadzi wake,
8 uye vaviri ava vachava nyama imwe. Saka havachisiri vaviri, asi nyama imwe.
ודבק באשתו והיו לבשר אחד.
9 Naizvozvo izvo zvabatanidzwa naMwari, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.”
וכך אסור לאיש להפריד את מה שאלוהים איחד.“
10 Vakati vapindazve mumba, vadzidzi vakabvunza Jesu pamusoro paizvozvi.
מאוחר יותר, כשנשאר ישוע בבית לבד עם התלמידים, שוב העלו את הנושא.
11 Akapindura akati, “Ani naani anoramba mukadzi wake uye akawana mumwe mukadzi, ava kuita upombwe naye.
ישוע הסביר להם:”בעל המגרש את אשתו משום שברצונו להתחתן עם אישה אחרת, נחשב לנואף.
12 Uye kana iye akarambawo murume wake uye akawanikwa nomumwe murume, anoita upombwe naye.”
ואישה המגרשת את בעלה ומתחתנת בשנית נחשבת גם היא לנואפת.“
13 Vanhu vakanga vachiuya navana vaduku kuna Jesu kuti avabate, asi vadzidzi vakavatsiura.
פעם הביאו אליו מספר אמהות את ילדיהן, כדי שיברך אותם, אולם התלמידים גירשו את האמהות וביקשו מהן שלא להטריד את ישוע.
14 Jesu paakazviona, akatsamwa. Akati kwavari, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwavakadai.
כשראה ישוע מה עושים תלמידיו, זה לא מצא חן בעיניו.”תנו לילדים לבוא אלי ואל תמנעו מהם, כי לכאלה שייכת מלכות האלוהים.
15 Ndinokuudzai chokwadi, ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haangatongopindi mahuri.”
אני אומר לכם: מי שלא מקבל את מלכות האלוהים כמו ילד, לא יוכל להיכנס אליה.“
16 Ipapo akatora vana akavafungatira mumaoko ake, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaropafadza.
ישוע חיבק את הילדים, הניח ידיו על ראשם וברך אותם.
17 Jesu akati achifamba munzira, mumwe murume akamhanyira kwaari akawira pasi namabvi ake pamberi pake. Akabvunza akati, “Mudzidzisi akanaka, ndinofanira kuiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?” (aiōnios g166)
יום אחד כאשר ישוע יצא לאחד ממסעותיו, בא אליו אדם בריצה שנפל לרגליו ושאל:”רבי הטוב, מה עלי לעשות כדי לזכות בחיי נצח?“ (aiōnios g166)
18 Jesu akapindura akati, “Unondiidzireiko akanaka? Hakuna munhu akanaka kunze kwaMwari oga.
”מדוע אתה קורא לי טוב?“שאל ישוע.”רק אלוהים טוב.
19 Mirayiro unoiziva here inoti: ‘Usauraya, usaita upombwe, usaba, usapupura nhema, usanyengera, kudza baba vako namai vako.’”
אך בתשובה לשאלתך, אתה הרי מכיר את המצוות: לא תרצח, לא תנאף, לא תגנוב, לא תענה ברעך עד שקר, לא תעשוק, כבד את אביך ואת אמך?“
20 Iye akati, “Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubvira ndichiri mukomana.”
”רבי, “ענה האיש,”תמיד שמרתי את כל המצוות האלה.“
21 Jesu akamutarira uye akamuda, akati kwaari, “Unoshayiwa chinhu chimwe chete. Enda undotengesa zvinhu zvose zvaunazvo upe kuvarombo, ugova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya, unditevere.”
ישוע הביט בו באהבה.”עליך לעשות עוד דבר אחד: עליך למכור את רכושך ולתרום את הכסף לעניים – כדי שאוצרך יהיה בשמים – ולאחר מכן לך אחרי.“
22 Anzwa izvi akasuwa kwazvo. Akaenda akasuwa, nokuti akanga ane pfuma zhinji.
האיש התעצב מאוד והלך לדרכו, כי היה עשיר מאוד.
23 Jesu akatarira-tarira ndokuti kuvadzidzi vake, “Zvakaoma sei kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari!”
ישוע הסתכל ואז אמר לתלמידיו:”לאיש עשיר קשה מאוד להיכנס למלכות האלוהים.“
24 Vadzidzi vakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu akatizve, “Vana, zvakaoma sei kupinda muumambo hwaMwari!
דבריו של ישוע הדהימו את התלמידים, ולכן חזר ואמר:”ילדים יקרים, מי שבוטח בכסף וברכוש קשה לו מאוד להיכנס למלכות האלוהים.
25 Zviri nyore kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”
קל יותר לגמל לעבור דרך חור המחט, מאשר לאיש עשיר להיכנס למלכות האלוהים.“
26 Vadzidzi vakanyanya kushamiswa, uye vakati pakati pavo, “Zvino ndianiko angaponeswa?”
דבריו אך הגבירו את תמיהת התלמידים. הם שאלו זה את זה:”מי, אם כן, יוכל להיוושע?“
27 Jesu akatarisa kwavari akati, “Kumunhu hazvigoneki, asi kwete naMwari; zvinhu zvose zvinogoneka kuna Mwari.”
ישוע הביט בהם ואמר:”למעשה, לבני־האדם זה לא אפשרי, אולם לא לאלוהים: עם אלוהים הכול אפשרי!“
28 Petro akati kwaari, “Isu takasiya zvinhu zvose kuti tikuteverei!”
פטרוס החל למנות בקול רם את כל הדברים שהוא ושאר התלמידים עזבו למען ישוע.”אנחנו ויתרנו על הכול כדי ללכת אחריך!“אמר פטרוס.
29 Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi, hakuna munhu akasiya musha, kana vanunʼuna kana hanzvadzi kana mai kana baba kana vana kana minda nokuda kwangu uye nokuda kwevhangeri
”אני מבטיח לכם, “אמר ישוע,”שכל מי שוויתר על בית, אחים, אחיות, אמא, אבא, ילדים או רכוש למעני ולמען הבשורה,
30 achakundikana kugamuchira zvakawanda kakapetwa kazana munguva ino (misha, vanunʼuna, hanzvadzi, vanamai, vana neminda, uye pamwe chete naizvozvo, kutambudzika) uye panguva inouya, upenyu husingaperi. (aiōn g165, aiōnios g166)
יקבל ממני חזרה פי מאה ממה שלכאורה הפסיד: בתים, אחים, אחיות, אמהות, ילדים, אדמות – אך עם כל אלה גם רדיפות, ובעולם הבא יקבל חיי נצח. (aiōn g165, aiōnios g166)
31 Asi vazhinji vanova vokutanga ndivo vachava vokupedzisira, uye vokupedzisira vachava vokutanga.”
אולם רבים מאלה שהם ראשונים עתה יהיו אז אחרונים, ואחדים מהאחרונים עתה יהיו אז ראשונים.“
32 Vakanga vari munzira vachikwidza kuenda kuJerusarema, Jesu achivatungamirira, uye vadzidzi vakakatyamara, asi vaya vakanga vachitevera vakanga vachitya. Akatorazve vane gumi navaviri vari voga uye akavaudza zvaizoitika kwaari.
בדרך לירושלים הלך ישוע בראש, והתלמידים הלכו אחריו בחרדה. ישוע המשיך לספר להם מה יקרה לו.
33 Akati, “Tiri kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achapandukirwa agoiswa kuvaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro. Vachamutongera rufu uye vachamuisa mumaoko eveDzimwe Ndudzi,
הוא דיבר איתם על הצפוי לו בירושלים:”מישהו יסגיר אותי לידי ראשי הכוהנים ולסופרים. הם ידונו אותי למוות וימסרו אותי לידי הרומאים.
34 avo vachamuseka uye vagomupfira mate, vachamurova uye vagomuuraya. Shure kwamazuva matatu, achamuka.”
הם יִרקו עלי, ילעגו לי, יצליפו בי בשוטים ויהרגו אותי. אבל לאחר שלושה ימים אקום לתחייה.“
35 Ipapo Jakobho naJohani vanakomana vaZebhedhi, vakauya kwaari, vakati, “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire zvose zvose zvatinokumbira.”
יעקב ויוחנן בני זבדי לחשו באוזנו:”רבי, אנחנו רוצים לבקש ממך טובה.“
36 Akavabvunza akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?”
”איזו טובה אתם רוצים?“שאל ישוע.
37 Vakapindura vakati, “Titenderei kuti mumwe wedu agare kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu.”
”כאשר תשב על כסא המלכות, אנו רוצים לשבת אחד לימינך ואחד לשמאלך.“
38 Jesu akati, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona here kunwa mukombe wandinonwa kana kubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo?”
”אינכם יודעים מה אתם מבקשים!“התפלא ישוע.”האם תוכלו לשתות מהכוס שאני חייב לשתות? האם תוכלו להיטבל בטבילה שאני מוכרח להיטבל?“
39 Vakapindura vakati, “Tinogona.” Jesu akati, “Muchanwa mukombe wandinonwa uye muchabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo,
”כן!“השיבו.”אתם באמת תשתו מכוסי ותיטבלו בטבילתי“, אמר ישוע.
40 asi zvokugara kuruoko rwangu rworudyi kana kuruboshwe handisini ndinozvipa. Nzvimbo idzi ndedzavaya vakadzigadzirirwa.”
”אבל איני יכול להבטיח לכם לשבת לימיני ולשמאלי, מפני שמקומות אלה כבר שמורים!“
41 Vane gumi vakati vanzwa izvi, vakatsamwira Jakobho naJohani.
עד מהרה גילו שאר התלמידים את בקשתם של יעקב ויוחנן וכעסו עליהם מאוד.
42 Jesu akavadana pamwe chete akati, “Munoziva kuti vaya vanonzi vatongi neveDzimwe Ndudzi vanotonga pamusoro pavo, uye vabati vavo vakuru vanoshandisa simba pamusoro pavo.
ישוע קיבץ סביבו את התלמידים ואמר:”אתם הרי יודעים שאלה הנחשבים למנהיגי הגויים רודים בנתיניהם, ומעניקים כוח וסמכות למי שהם רוצים.
43 Hazvina kudaro pakati penyu. Pachinzvimbo chaizvozvo, ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu,
אולם ביניכם אין הדבר כך; מי שרוצה להיות מנהיג ביניכם צריך להיות לכם למשרת.
44 uye ani naani anoda kuva wokutanga anofanira kuva nhapwa yavose.
מי שרוצה לעמוד בראש צריך להיות המשרת של כולכם.
45 Nokuti kunyange Mwanakomana woMunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira uye nokupa upenyu hwake kuti huve rudzikinuro rwavazhinji.”
אף אני, בן־האדם, לא באתי לכאן כדי שישרתו אותי, אלא כדי לשרת אחרים ולתת את חיי כופר בעד רבים.“
46 Ipapo vakasvika kuJeriko. Jesu navadzidzi vake, pamwe chete navanhu vazhinji, vakati vobuda muguta, Bhatimeo, murume akanga ari bofu, (ndiye mwanakomana waTimeo), akanga agere parutivi penzira achipemha.
ישוע ותלמידיו באו ליריחו. בצאתם מהעיר הלך אחריהם קהל גדול. בצד הדרך ישב קבצן עיוור בשם ברטמי בן־טימי,
47 Paakanzwa kuti akanga ari Jesu weNazareta, akatanga kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”
ששמע שישוע מנצרת מתקרב. ברטמי החל לצעוק:”ישוע בן דוד, רחם עלי!“
48 Vazhinji vakamutsiura uye vakamutaurira kuti anyarare, asi akanyanyisa kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”
”שתוק!“ציוו עליו מספר אנשים. אך העיוור לא שתק, אלא הגביר את קולו:”בן דוד, רחם עלי!“
49 Jesu akamira akati, “Mudanei.” Saka vakadana murume uya bofu vakati, “Tsunga mwoyo! Simuka! Anokudana.”
ישוע שמע את תחינותיו של העיוור ועמד מלכת. הוא ביקש לקרוא לעיוור.”התעודד, “אמרו לו,”קום! הוא קורא לך.“
50 Akakanda jasi rake parutivi, akakwakuka akauya kuna Jesu.
ברטמי השליך מעליו את שמיכותיו ובא לישוע.
51 Jesu akamubvunza akati, “Unoda kuti ndikuitirei?” Murume uya bofu akati, “Rabhi, ndinoda kuona.”
”מה אוכל לעשות למענך?“שאל ישוע.”רבי, אני רוצה לראות!“בכה האיש.
52 Jesu akati, “Enda hako, kutenda kwako kwakuporesa.” Pakarepo meso ake akasvinudzwa uye akatevera Jesu munzira.
”כמובן“, השיב ישוע.”אמונתך ריפאה אותך; לך לשלום.“ואכן עיניו נרפאו והוא הלך בדרך אחרי ישוע.

< Mako 10 >