< Mako 5 >

1 Vakayambuka mhiri kwegungwa kunyika yavaGerase.
Vakasvika mhiri kwegungwa, kunyika yeVaGadharini.
2 Jesu akati abuda mugwa, mumwe murume akanga ano mweya wakaipa akauya achibva kumakuva kuti azosangana naye.
Zvino wakati abuda muchikepe, pakarepo munhu akamuchingamidza achibva kumarinda ane mweya wetsvina,
3 Murume uyu aigara kumakuva, uye kwakanga kusisina munhu aigona kumusungazve, kunyange kana nengetani.
uyo wakange ane ugaro kumarinda, uye kwakange kusina wakange achigona kumusunga kunyange nemaketani,
4 Nokuti kazhinji aisungwa maoko namakumbo, asi aidambura ngetani napakati uye achivhuna simbi dzaiva pamakumbo ake. Hakuna munhu aiva nesimba rokumukunda.
nokuti kazhinji waisungwa nezvisungo zvemakumbo nemaketani, asi maketani aigurwa nepakati naye, nezvisungo zvemakumbo zvaigurwa kuita zvidimbu; uye kwakange kusina waigona kumupingudza.
5 Usiku namasikati aingochema uye achizvicheka-cheka namabwe ari pakati pamakuva uye nomuzvikomo.
Zvino nguva dzese, usiku nemasikati, waiva mumakomo nemumarinda achidanidzira, achizvicheka nemabwe.
6 Akati aona Jesu achiri chinhambwe, akamhanya akandowira namabvi ake mberi kwake.
Zvino wakati achiona Jesu ari kure, akamhanya ndokumunamata;
7 Akadanidzira nenzwi riri pamusoro achiti, “Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Pikai kuna Mwari kuti hamuzonditambudzi!”
akadanidzira nenzwi guru akati: Ndinei nemwi Jesu, Mwanakomana waMwari Wekumusoro-soro? Ndinokupikirai naMwari, murege kundirwadzisa.
8 Nokuti Jesu akanga ati kwaari, “Buda mumunhu uyu, iwe mweya wakaipa!”
Nokuti wakati kwaari: Buda mumunhu, mweya wetsvina.
9 Ipapo Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?” Akapindura akati, “Zita rangu ndiRegioni, nokuti tiri vazhinji.”
Ndokumubvunza akati: Zita rako ndiani? Akapindura achiti: Zita rangu rinonzi Regiyoni, nokuti tiri vazhinji.
10 Uye akakumbira akumbirazve kuna Jesu kuti arege kuidzinga kubva munyika iyo.
Akamukumbirisa zvikuru kuti arege kuvaendesa kunze kwenyika.
11 Boka guru renguruve raifura riri pazvikomo zvaiva pedyo nenzvimbo iyi.
Zvino kwakange kuripo pedo nemakomo boka guru renguruve dzichifura.
12 Madhimoni akakumbirisa kuna Jesu akati, “Titumei henyu pakati penguruve, titenderei henyu kuti tinopinda madziri.”
Nemadhimoni ese akamukumbira zvikuru achiti: Titumirei kunguruve kuti tipinde madziri.
13 Akaatendera, uye mweya yakaipa yakabuda ikaenda ikandopinda munguruve. Boka rinenge zviuru zviviri pakuwanda, rakamhanya richiburukira kumawere rikapinda mugungwa uye rikanyuramo.
Pakarepo Jesu akaatendera. Mweya yetsvina ikabuda ikapinda munguruve; boka rikapitirikira kumawere kuenda kugungwa, dzinenge dzaiva zvuru zviviri, dzikabitirirwa mugungwa.
14 Vaya vakanga vachifudza nguruve vakatiza vakandozivisa izvi muguta nomumaruwa, uye vanhu vakabuda kuti vandoona zvakanga zvaitika.
Zvino vaifudza nguruve vakatiza, vakanoreva muguta neparuwa. Vakabuda kuzoona kuti chii chainge chaitwa.
15 Vakati vasvika kuna Jesu, vakaona murume uya akanga akabatwa neRegioni ramadhimoni, agere ipapo, akapfeka uye ava munhu kwaye; uye vakatya.
Vakasvika kuna Jesu, vakaona wakange ane madhimoni, iye waiva neRegiyoni agere, akapfeka ari munhu kwaye; vakatya.
16 Vaya vakanga vazviona vakavaudza zvakanga zvaitika kumunhu akanga ambobatwa namadhimoni, uye vakataura nezvenguruvewo.
Uye avo vakange vazviona, vakavarondedzera kuti zvakaitika sei kune wakange ane madhimoni nepamusoro penguruve.
17 Ipapo vanhu vakatanga kukumbira Jesu kuti abve munyika yavo.
Vakatanga kumukumbirisa kuti abve mudunhu mavo.
18 Jesu paakanga opinda mugwa, munhu akanga akabatwa namadhimoni akakumbira zvikuru kuti aende naye.
Zvino wakati achipinda muchikepe, iye waiva nemadhimoni akamukumbirisa kuti ave naye.
19 Jesu haana kumutendera, asi akati kwaari, “Chienda kumba kumhuri yako undovaudza zvawaitirwa naShe, uye kuti akunzwira ngoni sei.”
Asi Jesu haana kumutendera, asi wakati kwaari: Enda kumba kwako, kune vekwako, unovaudza kuti zvikuru sei Ishe zvaakuitira, nekukuitira tsitsi.
20 Saka murume uyu akabva akaenda uye akatanga kutaura muDhekapori zvinhu zvikuru zvaakanga aitirwa naJesu. Uye vanhu vose vakashamiswa.
Akabva ndokuenda akatanga kuparidza muDhekapori kukura kwezvinhu Jesu zvaakamuitira; vese vakashamisika.
21 Jesu akati ayambukazve mhiri negwa kuno rumwe rutivi rwegungwa, vazhinji zhinji vakaungana vakamukomberedza paakanga ari pagungwa.
Jesu wakati ayambukazve nechikepe kune rimwe divi, chaunga chikuru chikaunganira kwaari, uye wakange ava parutivi rwegungwa.
22 Ipapo mumwe wavabati vomusinagoge, ainzi Jairosi, akasvikapo. Paakaona Jesu akawira patsoka dzake
Zvino tarira, kwakasvika umwe wevakuru vesinagoge, wainzi Jairosi; zvino wakati amuona, akawira patsoka dzake.
23 uye akamukumbirisa zvikuru achiti, “Mwanasikana wangu mudiki ava kufa. Ndapota uyai muise maoko enyu pamusoro pake kuti agoporeswa uye ararame.”
Akamukumbirisa zvikuru achiti: Mukunda wangu mudiki wotandadza, dai mauya muise maoko pamusoro pake kuti aponeswe uye achararama.
24 Saka Jesu akaenda naye. Vazhinji zhinji vakatevera vachimanikidzirana.
Akaenda naye; chaunga chikuru chikamutevera, chikamutsimbirira.
25 Uye pakanga pano mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri.
Zvino umwe mukadzi waiva nekubuda ropa makore gumi nemaviri,
26 Akanga atambudzika zvikuru uye achirapwa navanachiremba vazhinji uye akanga apedza zvose zvaaiva nazvo, asi pachinzvimbo chokuva nani akatonyanyisa kurwara.
wakange atambura zvikuru kuvarapi vazhinji, wakange apedza zvese zvaakange anazvo, asina kutongobatsirika, asi pachinhambo cheizvi ainyanyisa,
27 Akati anzwa nezvaJesu, akauya mushure make mukati mavazhinji uye akabata nguo yake,
wakati anzwa zvaJesu, akauya nepakati pechaunga neshure, akabata nguvo yake.
28 nokuti akati mumwoyo make, “Kana ndikangobata nguo dzake, ndichaporeswa.”
Nokuti wakati: Kana ndikabata nguvo dzake chete, ndichaponeswa.
29 Pakarepo tsime reropa rake rakapwa uye akanzwa mumuviri wake kuti akanga asunungurwa kubva pakutambudzika kwake.
Zvino pakarepo chitubu cheropa rake chikapwa, akanzwa mumuviri kuti waporeswa pachifo.
30 Pakarepo Jesu akanzwa kuti simba rakanga rabuda maari. Akatendeukira kuruzhinji rwavanhu akabvunza achiti, “Ndianiko abata nguo dzangu?”
Zvino pakarepo Jesu achiziva mukati make kuti simba rabuda maari, akatendeuka pachaunga akati: Ndiani wabata nguvo dzangu?
31 Vadzidzi vake vakati, “Muri kuona vanhu vachikutsimbirirai, zvino moti, ‘Ndianiko andibata?’”
Vadzidzi vake vakati kwaari: Munoona chaunga chinokutsimbirirai, zvino moti: Ndiani wandibata?
32 Asi Jesu akaramba achitarisa-tarisa kuti aone kuti ndiani akanga aita izvozvo.
Zvino wakaringa-ringa kuona uyo wakange aita ichi.
33 Ipapo mukadzi, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, akauya akawira patsoka dzake, uye achidedera nokutya, akamuudza chokwadi chose.
Asi mukadzi achitya, nekubvunda, achiziva zvakange zvaitika maari, akauya ndokuwira pamberi pake, ndokumuudza chokwadi chese.
34 Iye akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare uye usunungurwe pakutambudzika kwako.”
Ndokuti kwaari: Mukunda, rutendo rwako rwakuponesa, enda nerugare, poreswa pachifo chako.
35 Jesu achiri kutaura, vamwe varume vakauya vachibva kumba kwaJairosi, mukuru wesinagoge. Vakati, “Mwanasikana wenyu afa. Muchanetsereiko mudzidzisi?”
Wakati achataura, kwakasvika vamwe vemukuru wesinagoge vakati: Mukunda wenyu wafa, muchiri kutambudzirei Mudzidzisi?
36 Asina hanya nezvavakanga vataura, Jesu akati kumukuru wesinagoge, “Usatya; tenda bedzi.”
Pakarepo Jesu achinzwa shoko rakataurwa akati kumukuru wesinagoge: Usatya, tenda chete.
37 Haana kutendera mumwe munhu kuti amutevere kunze kwaPetro, Jakobho naJohani mununʼuna waJakobho.
Akasatendera munhu kumutevera, kunze kwaPetro, naJakobho, naJohwani munin'ina waJakobho.
38 Vakati vasvika pamba pomukuru wesinagoge, Jesu akanzwa mheremhere, vanhu vachichema nokuungudza zvikuru.
Zvino wakasvika mumba memukuru wesinagoge, akaona mhere-mhere nevaichema nekurira zvikuru.
39 Akapinda akati kwavari, “Ko, mheremhere ndeyeiko nokuungudza uku? Mwana haana kufa asi avete.”
Zvino wakati apinda akati kwavari: Munoitirei mhere-mhere muchichema? Mwana haana kufa, asi arere.
40 Asi vakamuseka. Mushure mokunge avabudisa vose panze, akatora baba namai vomwana navadzidzi vaakanga anavo, akapinda makanga muno mwana.
Vakamuseka. Asi iye wakati avabudisa vese panze, akatora baba vemwana namai nevakange vanaye, akapinda makange murere mwana.
41 Akamubata noruoko akati kwaari, “Tarita kumi!” (zvichireva kuti, “Musikana, ndinoti kwauri, muka!”)
Akabata ruoko rwemwana, akati kwaari: "Tarita kumi"; ndokuti kana zvichishandurwa: Musikana mudiki, ndinoti kwauri, muka.
42 Pakarepo musikana akasimuka akafamba-famba (akanga ana makore gumi namaviri okuberekwa). Nokuda kwaizvozvi, vakashamiswa zvikuru.
Pakarepo musikana wakasimuka, akafamba; nokuti waiva wemakore gumi nemaviri; vakashamisika nekushamisika kukuru.
43 Akarayira nokurayira kukuru kuti parege kuva nomunhu anoziva nezvazvo, uye akavaudza kuti vamupe zvokudya.
Akavaraira zvikuru kuti kusava nemunhu anoziva izvi; akati apiwe kudya.

< Mako 5 >