< Mako 4 >

1 Jesu akatanga kudzidzisazve ari pagungwa. Vanhu vakanga vakaungana vakamukomberedza vari vazhinji zhinji zvokuti akabva apinda mugwa akagara mariri ari mugungwa, asi vanhu vose vari kumahombekombe.
Zvino wakatangazve kudzidzisa parutivi rwegungwa; kukaungana kwaari chaunga chikuru zvekuti wakapinda muchikepe akagara mugungwa; uye chaunga chese chakange chiri pagungwa panyika.
2 Akavadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo, uye mukudzidzisa kwake akati,
Akavadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo, akati kwavari padzidziso yake:
3 “Teererai! Murimi akabuda kundokusha mbeu yake.
Inzwai; tarirai, mukushi wakabuda kunokusha.
4 Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, uye shiri dzakasvika dzikadzidya.
Zvino zvakaitika pakukusha, imwe yakawira parutivi rwenzira; shiri dzekudenga dzikauya dzikaidya dzikaipedza.
5 Dzimwe dzakawira murukangarabwe, madzisina kuwana ivhu rakawanda. Dzakakurumidza kumera, nokuti ivhu rakanga riri shoma.
Asi imwe yakawira panzvimbo dzine mabwe, payakange isina ivhu zhinji; pakarepo ikamera, nokuti yakange isina udziku hwevhu;
6 Asi zuva rakati rabuda, mbeu dzakapiswa nezuva, uye dzikaoma nokuti dzakanga dzisina midzi.
asi zuva rakati rabuda, yakapiswa, uye nokuti yakange isina mudzi, yakasvava.
7 Dzimwe dzakawira pakati peminzwa, minzwa ikakura ikavhunga mbeu, nokudaro hadzina kubereka zvibereko.
Uye imwe yakawira paminzwa, minzwa ikakura ikaivhunga, ikasabereka chibereko.
8 Uye dzimwe dzakawira pavhu rakanaka. Dzakamera dzikakura uye dzikabereka kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu, kana kunyange zana.”
Uye imwe yakawira muvhu rakanaka; ikabereka chibereko chakakura ikawedzera, ikabereka, imwe makumi matatu, neimwe makumi matanhatu, neimwe zana.
9 Ipapo Jesu akati, “Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.”
Ndokuti kwavari: Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
10 Paakanga ava oga, vane gumi navaviri uye navamwe vakanga vakamukomberedza vakamubvunza pamusoro pomufananidzo uyu.
Zvino wakati ava ega, vakange vakamukomba nevanegumi nevaviri vakamubvunza zvemufananidzo.
11 Akati kwavari, “Chakavanzika choumambo hwaMwari chakapiwa kwamuri. Asi kuna avo vari kunze, zvinhu zvose zvinotaurwa nemifananidzo
Uye akati kwavari: Kwamuri kwakapiwa kuziva chakavanzika cheushe hwaMwari; asi kune avo vari kunze, zvese zvinoitwa nemifananidzo;
12 kuitira kuti, “‘zvimwe vangaramba vachiona, asi varege kuonesesa; uye vachinzwa, asi varege kunzwisisa; kana kuti vangatendeuka uye vakaregererwa!’”
kuti vachiona vaone asi varege kuonesesa, vachinzwa vanzwe asi vasinganzwisisi, zvimwe chero nguva varege kutendeuka, vakanganwirwe zvivi.
13 Ipapo Jesu akati kwavari, “Hamunzwisisi mufananidzo uyu here? Munganzwisisa seiko mufananidzo upi zvawo?
Zvino akati kwavari: Hamuzivi mufananidzo uyu here? Zvino muchaziva sei mifananidzo yese?
14 Murimi anokusha shoko.
Mukushi unokusha shoko.
15 Vamwe vanhu vakaita setsanga yakawira munzira, munokushwa shoko. Pavanongorinzwa, Satani anouya otora shoko rakushwa mukati mavo.
Zvino ava ndivo veparutivi rwenzira, apo panokushwa shoko, uye kana vachirinzwa, pakarepo Satani anouya ndokubvisa shoko rakakushwa mumoyo yavo.
16 Vamwe vakaita setsanga yakawira parukangarahwe, vanonzwa shoko uye nokukurumidza vorigamuchira nomufaro.
Uye saizvozvo ava ndivo vakakushwa panzvimbo dzine mabwe, ivo kana vanzwa shoko, pakarepo vanorigamuchira nemufaro,
17 Asi sezvo vasina midzi, vanongotsungirira kwenguva pfupi. Panongosvika nhamo kana kutambudzwa nokuda kweshoko, vanokurumidza kuwa.
asi havana mudzi mavari, asi ndevenguva; pashure kana matambudziko kana kushushwa zvichiuya nekuda kweshoko, pakarepo vanogumburwa.
18 Uye vamwe, setsanga yakawira pakati peminzwa, vanonzwa shoko;
Zvino ava ndivo vanokushwa muminzwa, vanonzwa shoko,
19 asi kufunganya nezvoupenyu huno, kunyengera kwoupfumi uye zvishuvo zvezvimwe zvinhu zvinopinda zvigovhunga shoko, zvichirishayisa zvibereko. (aiōn g165)
asi kufunganya kwenyika ino nekunyengera kwefuma neruchiva pamusoro pezvimwe zvinhu zvichipinda, zvichivhunga shoko, rova risingabereki. (aiōn g165)
20 Vamwe vakaita setsanga yakawira pavhu rakanaka, vanonzwa shoko, vorigamuchira, uye vobereka zvibereko, kakapetwa makumi matatu, makumi matanhatu kana kunyange zana pane zvinenge zvakushwa.”
Naava ndivo vakakushwa muvhu rakanaka, ndivo vanonzwa shoko, ndokugamuchira, vagobereka chibereko, umwe makumi matatu, uye umwe makumi matanhatu, uye umwe zana.
21 Akati kwavari, “Munouya nomwenje kuzouisa pasi pedengu here kana pasi pomubhedha? Handiti munouisa pachigadziko chawo here?
Zvino wakati kwavari: Mwenje unouiswa kuti uiswe pasi pedengu kana pasi pemubhedha here? Kwete kuti uiswe pachigadziko chemwenje here?
22 Nokuti hapana chakavigwa chisingazooneswi, uye hapana chakavanzika chisingazobudi pachena.
Nokuti hapana chakavigwa chisingazovhundunurwi, kana chakachengetwa chakavanda, asi kuti zvibude pachena.
23 Munhu ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”
Kana munhu ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.
24 Akaenderera mberi achiti, “Chenjererai kwazvo zvamunonzwa. Chiyero chamunoshandisa, ndicho chamuchayerwawo nacho kunyange zvakapfuurisa.
Zvino wakati kwavari: Chenjererai zvamunonzwa; nechiyero chamunoyera nacho chichayerwa kwamuri, nekwamuri imwi munonzwa, chichawedzerwa.
25 Ani naani anazvo achapiwa zvimwe; ani naani asina, achatorerwa kunyange nezvaanazvo.”
Nokuti ani nani anacho achapiwa; asi asina achatorerwa kunyange nechaanacho.
26 Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakafanana nomunhu anokusha mbeu muvhu.
Zvino akati: Hwakadaro ushe hwaMwari, sezvinonzi munhu anokusha mbeu muvhu.
27 Usiku namasikati, kunyange akavata kana akamuka, mbeu inomera igokura, kunyange zvazvo asingazivi kuti zvinoitika sei.
Zvino orara nekumuka usiku nemasikati, mbeu inomera ichikura iye asingazivi kuti sei.
28 Ivhu riri roga rinobereka zviyo, kutanga chipande, kwozoti hura, kwozoitawo tsanga dzakakora muhura.
Nokuti ivhu rinozviberekera chibereko pacharo, pakutanga chipande, pashure hura, pashure zviyo zvakakora pahura.
29 Panongoibva zviyo, anozvicheka nejeko, nokuti kukohwa kwasvika.”
Asi kana chibereko chaibva, pakarepo anotuma jeko nokuti kukohwa kwasvika.
30 Akatizve, “Umambo hwaMwari tingahufananidza neiko kana kuti tingaita mufananidzo upiko kuti tihutsanangure?
Zvino wakati: Tichafananidza nei ushe hwaMwari? Kana tingahuenzanisa nemuenzaniso upi?
31 Hwakafanana netsanga yemasitadhi, inova tsanga duku duku yaunodyara muvhu.
Setsanga yemasitadha, iyo kana ichidzvarwa muvhu, idikisa kumbeu dzese dzepanyika;
32 Asi kana yadyarwa, inokura igova muti mukuru kupfuura miti yose yomubindu, una matavi makuru zvokuti shiri dzedenga dzinogona kugara mumumvuri wawo.”
asi kana yadzvarwa, inokura ichiva huru kumiriwo yese, ichiita matavi makuru zvekuti shiri dzekudenga dzinogona kuvakira pasi pemumvuri wawo.
33 Nemimwe mifananidzo yakadai, Jesu akataura shoko kwavari, zvose sezvavaigona kunzwisisa.
Zvino nemifananidzo mizhinji yakadaro wakataura shoko kwavari, sepavaigona kunzwa napo.
34 Haana kutaura chinhu chimwe kwavari asingashandisi mufananidzo. Asi paainge ari oga navadzidzi vake, aivatsanangurira zvose.
Asi kunze kwemufananidzo haana kutaura kwavari; asi vava vega, wakadudzira vadzidzi vake zvese.
35 Zuva iroro ava madekwana, akati kuvadzidzi vake, “Ngatiyambukirei kuno rumwe rutivi.”
Zvino nezuva iro ava madekwani, wakati kwavari: Ngatiyambukire mhiri.
36 Vakasiya vanhu vazhinji, vakaenda naye mugwa, sezvaakanga ari. Pakanga pane mamwewo magwa aaiva nawo.
Vakarega chaunga chichienda, vakaenda naye akangodaro muchikepe. Zvino kwaivawo nemamwe magwa naye.
37 Dutu rinotyisa rakauya, uye mafungu akarova igwa, zvokuti rakanga rava pedyo nokunyura.
Zvino kwakamuka dutu guru remhepo, mafungu akazvirovera muchikepe, zvekuti chakange zvino chozadzwa.
38 Jesu akanga ari mushure megwa, avete pamutsago. Vadzidzi vake vakamumutsa vakati kwaari, “Mudzidzisi, hamuna hanya here kana tikanyura?”
Asi iye wakange ari shure muchikepe arere pamutsago; vakamumutsa, vakati kwaari: Mudzidzisi, hamuna hanya kuti toparara here?
39 Akamuka, akarayira mhepo uye akati kumafungu, “Nyarara! Dzikama!” Ipapo mhepo yakapera uye kukadzikama zvikuru.
Akamuka akatsiura mhepo, akati kugungwa: Nyarara, gadzikana! Mhepo ikamira, kukava nekudzikama kukuru.
40 Akati kuvadzidzi vake, “Munotyireiko zvakadai? Hamusati mava nokutenda here?”
Ndokuti kwavari: Munotyirei zvakadaro? Hamuna rutendo sei?
41 Vakatya uye vakabvunzana vachiti, “Ndianiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”
Vakatya nekutya kukuru, vakati umwe kune umwe: Zvino ndiani uyu, kuti kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera?

< Mako 4 >