< Johani 14 >
1 “Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika. Tendai kuna Mwari; mutendewo kwandiri.
“别紧张,相信上帝,也要相信我。
2 Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai zvaiva zvisizvo, ndingadai ndakuudzai. Ndiri kuenda ikoko kundokugadzirirai nzvimbo.
在天父的家里有许多房间,如果没有,我自会告诉你们,我要去为你们准备一个地方。
3 Uye kana ndikaenda kundokugadzirirai nzvimbo, ndichadzoka ndozokutorai kuti muve neni, kuti nemiwo mugova kwandinenge ndiri.
我离开后,准备好了地方,会再来带你们回去,让你们也能到那里和我在一起。
4 Imi munoziva nzira yokuenda nayo kunzvimbo yandiri kuenda.”
你们知道我要走的那条路。”
5 Tomasi akati kwaari, “Ishe hatizivi kwamuri kuenda, saka nzira yacho tingaiziva seiko?”
多马说:“主啊,我们不知道你要去的地方,又怎么知道那条路呢?”
6 Jesu akapindura akati, “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri.
耶稣对他说:“我就是那条路,是真理,是生命,只有通过我才能去往天父那里。
7 Dai maindiziva chaizvo mungadai maizozivawo Baba vangu. Kubvira zvino, munovaziva uye makavaona.”
如果你们认识我,就必认识我父,从今以后,你们便认识他了,并且看见了他。”
8 Firipi akati, “Ishe, tiratidzei Baba kuti zvigotiringana.”
腓力说:“主啊,请向我们显化天父吧,我们就会信服。”
9 Jesu akapindura akati, “Firipi, haundizivi iwe here, kunyange ndanga ndiri pakati penyu kwenguva refu yakadai? Ani naani aona ini aona Baba. Unoreva seiko zvaunoti, ‘Tiratidzei Baba’
耶稣说:“腓力,我跟你们在一起这么久了,你还不知道我吗?看见我便是看见天父,你怎么还说‘请向我们显化天父’呢?
10 Hamutendi here kuti ini ndiri muna Baba, uye Baba vari mandiri? Mashoko andinotaura kwamuri haasi angu ndoga. Asi, ndeaBaba, vanogara mandiri, avo vari kuita basa ravo.
难道你不信我与天父彼此一体吗?我对你们所说的并非源于我,而是我体内的天父自己的言语。
11 Nditendei pandinenge ndichiti, ini ndiri muna Baba uye Baba vari mandiri; kana kuti mutende zviratidzo zvamunoona.
当我说我与天父一体,要相信我,至少也要因为我所做的一切而相信我,那些就是证明。
12 Ndinokuudzai kuti, ani naani anotenda kwandiri achaita zvandanga ndichiita. Achaita kunyange zvinhu zvikuru kupfuura izvi, nokuti ndiri kuenda kuna Baba.
告诉你们实话,信我之人也将像我一样做,并且会更伟大,因为我要去天父那里了。
13 Uye ndichaita zvose zvamunokumbira muzita rangu, kuitira kuti Mwanakomana avigire Baba kukudzwa.
无论你们以我的名义求什么,天父必会通过人子将其变为现实。
14 Kana mukakumbira chinhu chipi zvacho muzita rangu, ndichachiita.
你们以我的名义向我求什么,我一定会成全。
15 “Kana muchindida, muchateerera zvandinokurayirai.
如果你们爱我,就要遵守我的命令。
16 Uye ini ndichakumbira Baba, vagokupai mumwe Munyaradzi kuti agare nemi nokusingaperi, (aiōn )
我会请求父,他会赐给你们另一个保惠师, (aiōn )
17 iye Mweya wechokwadi. Nyika haigoni kumugamuchira, nokuti haimuoni uye haimuzivi. Asi imi munomuziva, nokuti agere nemi uye achava mukati menyu.
这是真理的圣灵,他与你生活在一起,也会与你同在。这世界不会接受他,因为看不见他也不认识他。你们却认识他,因为他与你们生活在一起。
18 Handingakusiyei muri nherera; ndichauya kwamuri.
我不会丢下你们,让你们变成孤儿,我要再次回到你们身边。
19 Chinguva chiduku nyika haichazondionizve, asi imi muchandiona. Nokuti ndiri mupenyu, nemiwo muchava vapenyu.
世人很快就不会再看见我,你们却能看见我,因为我活着,你们也会活着。
20 Pazuva iro muchaziva kuti ini ndiri muna Baba, uye imi muri mandiri, uye ini ndiri mamuri.
在那一天,你们就知道我与天父一体,你们与我一体。
21 Ani naani ane mirayiro yangu uye anoiteerera, ndiye anondida iyeye. Uyo anondida achadikanwa naBaba vangu, neniwo ndichamuda uye ndichazviratidza kwaari.”
愿意听从我的命令并且遵守的人,就是爱我的人,爱我的人,天父必定爱他,我也会爱他,会向他显现。”
22 Ipapo Judhasi, kwete Judhasi Iskarioti, akati, “Asi Ishe, seiko muchida kuzviratidza kwatiri, musingazviratidzi kunyika?”
犹大(非加略人犹大)对耶稣说:“主啊,你为什么要向我们显现,而不是向世人显现呢?”
23 Jesu akapindura akati, “Kana munhu achindida, achateerera kudzidzisa kwangu. Baba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari toita ugaro hwedu naye.
耶稣回答:“若爱我之人就会遵守我所说的话,我父必定也爱他,我们就会来此,他们的家就是我们的家。
24 Uyo asingandidi haateereri kudzidzisa kwangu. Mashoko amunonzwa aya haasi angu; ndeaBaba vakandituma.
若不爱我,就不会遵从我的话。你们所听之道并非源于我,而是源自派我来此的天父。
25 “Zvose izvi ndazvitaura ndichinemi.
我与你们在一起时解释这一切。
26 Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uyo achatumwa naBaba muzita rangu, achakudzidzisai zvinhu zvose uye achakuyeuchidzai zvinhu zvose zvandakareva kwamuri.
但当天父以我之名派来的圣灵保惠师, 会教导你们一切,提醒你们我对你们所说过的一切。
27 Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu. Handikupei sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika uye musatya.
我为你们留下平安,我把自己的平安赐给你们。我给你们的平安与这世界给你的不同。不要紧张,也不要恐惧。
28 “Makandinzwa ndichiti, ‘Ndiri kuenda uye ndichadzokazve.’ Dai maindida maifara kuti ndinoenda kuna Baba, nokuti Baba vakuru kupfuura ini.
你们听到我说过:‘我要走了,但还会回到你们这里来。’你们若真爱我,就要欢喜,因为我要到天父那里,天父比我更伟大。
29 Ndagara ndakuudzai zvichigere kuitika, kuitira kuti pazvinenge zvoitika mugozotenda.
我提前把这一切解释给你们听,让你们在事情发生的时候可以信服。
30 Handichazotauri nemi kwenguva refu, nokuti muchinda wenyika ino ari kuuya. Haana chinhu pandiri,
我不能再多说了,因为这世界的统治者就要到了,他的权力无法控制我,
31 asi nyika inofanira kudzidza kuti ndinoda Baba uye kuti ndinoita chaizvo zvandinenge ndarayirwa naBaba vangu. “Uyai zvino; ngatibvei pano.
但我做了天父吩咐我做的事情,就是为了让世人知道我爱天父。现在站起来,我们走吧。”