< Jobho 28 >
1 “Mugodhi wesirivha uripo, nenzvimbo inonatswa goridhe.
Hakika kuna machimbo ya fedha, wanaposafisha dhahabu.
2 Simbi inocherwa pasi, uye ndarira inonyautswa ichibva pamhangura.
Chuma uchimbwa; shaba uyeyushwa kutoka katika jiwe.
3 Munhu anoita kuti rima ripere; anotsvakisisa kusvikira kumucheto chaiko, mhangura iri murima rakasviba kwazvo.
Mtu anaondoa giza na kutafuta, katika mpaka wa mbali, mawe hayaonekani na giza totoro.
4 Anovhura mugodhi kure nokunogara vanhu, kunzvimbo dzakakanganikwa norutsoka rwomunhu; kure navanhu anorezuka ndokuzeya uku nokuku.
Huchimba shimo mbali na makazi ya watu, mahali pasipopitwa na mtu. Huning'inia mbali na watu; uharakisha kwenda na kurudi.
5 Iyo nyika, zvokudya zvichibva mairi, inoshandurwa nechapasi seinoshandurwa nemoto,
Kwa nchi, kizalishwapo chakula, inapinduliwa kama kwa moto.
6 safire inobva mumatombo ayo, uye guruva rayo rine upfu hwegoridhe,
Mawe yake yana johari, na vumbi lake lina dhahabu.
7 Hakuna gondo rinoziva nzira iyo yakavanzika, hakuna ziso rorukodzi rakaiona.
Hata ndege mwindaji hapajui, wala jicho la kipanga halijapaona.
8 Mhuka dzinozvikudza hadziisi rutsokapo, uye hakuna shumba inofambapo.
Ndege mwenye majivuna hajawai kuiona njia hiyo, wala simba mkali kupita pale.
9 Ruoko rwomunhu runorova dombo romusarasara uye ronoisa midzi yamakomo pachena.
Mtu huchimba mwamba mgumu; hupindua milima katika vyanzo vyake.
10 Anochera mugero nomumatombo; meso ake anoona pfuma yawo yose.
Huweka njia katika miamba; macho yake pale kila kilicho cha thamani.
11 Anotsvakisisa panotangira nzizi uye anobudisa zvinhu zvakavanzika pachena.
Hufunga vyanzo hata wasiondoke; kilichofichika pale hukifunua.
12 “Asi uchenjeri hungawanikwepiko? Kunzwisisa kunogarepiko?
Hekima itakuwa wapi? Mahali pa ufahamu ni wapi?
13 Munhu haanzwisisi kukosha kwahwo; hahungawanikwi munyika yavapenyu.
Mtu hafahamu thamani yake; wala haipatikani katika nchi ya walio hai.
14 Pakadzika panoti, ‘Hahuzi mandiri.’ Gungwa rinoti, ‘Hahuzi pandiri.’
Vilindi vya maji chini ya nchi husema, 'Haiko kwangu'; bahari husema, 'Haipo pamoja nami.'
15 Hahungatengwi negoridhe yakaisvonaka, uye mutengo wahwo haungayerwi nesirivha.
Hainunuliwi kwa dhahabu; wala hailinganishwi na fedha.
16 Hahungatengwi negoridhe reOfiri, namatombo anokosha eonikisi kana esafire.
Haiwezi kuthamanishwa na dhahabu ya Ofiri, kwa jiwe jeusi la thamani au johari.
17 Hahungaenzaniswi negoridhe kana kristari, uye hahungatsinhaniswi nezvishongo zvegoridhe.
Dhahabu na fuwele hailingani nayo kwa thamani; wala haiwezi kubadilishwa kwa vito vya dhahabu safi.
18 Korari nejasipa hazvingatongorehwi; mutengo wouchenjeri unokunda maparera.
Hailinganishwi na marijani wala yaspi; hakika, thamani ya hekima inapita madini ya rubi.
19 Topazi yeEtiopia haingaenzaniswi nahwo; hahungatongotengwi negoridhe rakaisvonaka.
Topazi ya Ethiopia hailinganishwi nayo; wala kuthamanishwa kwa dhahabu safi.
20 “Zvino uchenjeri hunobvepiko? Kunzwisisa kunogarepiko?
Je hekima inatoka wapi? Mahali pa ufahamu ni wapi?
21 Kwakavanzirwa meso ezvipenyu zvose, zvakavigwa kunyange kushiri dzedenga.
Hekima imejificha mbali na macho ya viumbe wote na ndege wa angani.
22 Kuparadza noRufu zvinoti, ‘Runyerekupe rwahwo chete ndirwo rwakasvika munzeve dzedu.’
Mauti na uharibifu husema, 'Tumesikia tu tetesi kwa masikio yetu.'
23 Mwari oga ndiye anonzwisisa nzira inoenda kwahuri, uye ndiye oga anoziva kwahunogara,
Mungu hufahamu njia ya kuipata; anapafahamu ilipo.
24 nokuti anoona magumo enyika, uye anoona zvinhu zvose zviri pasi pamatenga.
Kwani uona miisho yote ya dunia na huona chini ya mbingu zote.
25 Paakasimbisa simba remhepo uye akayera mvura,
Hapo kale, alifanya nguvu za upepo na kuyagawanya maji kwa kipimo.
26 paakaita chirevo chemvura negwara rokutinhira wemheni,
Aliiwekea mvua tamko na njia ya radi na munguromo.
27 ipapo akatarira kuuchenjeri akahunzvera; akahusimbisa uye akahuedza.
Kisha akaiona hekima na kuitangaza; aliianzisha, bila shaka, na kuipima.
28 Zvino akati kumunhu, ‘Kutya Ishe, ndihwo uchenjeri, uye kusiya zvakaipa ndiko kunzwisisa.’”
Aliwambia watu, 'Tazameni, kumcha Bwana - ni hekima; kuacha uovu ni ufahamu.”