Preface
Read
+
Publisher
Nainoia, Inc.
PO Box 462, Bellefonte, PA 16823
(814) 470-8028
Nainoia Inc, Publisher
LinkedIn/NAINOIA-INC
Third Party Publisher Resources
Request Custom Formatted Verses
Please contact us below
Submit your proposed corrections
I understand that the Aionian Bible republishes public domain and Creative Commons Bible texts and that volunteers may be needed to present the original text accurately. I also understand that apocryphal text is removed and most variant verse numbering is mapped to the English standard. I have entered my corrections under the verse(s) below. Proposed corrections to the Shona Free Holy Bible, Job Chapter 28 https://www.AionianBible.org/Bibles/Shona---Rakasununguka/Job/28 1) “Mugodhi wesirivha uripo, nenzvimbo inonatswa goridhe. 2) Simbi inocherwa pasi, uye ndarira inonyautswa ichibva pamhangura. 3) Munhu anoita kuti rima ripere; anotsvakisisa kusvikira kumucheto chaiko, mhangura iri murima rakasviba kwazvo. 4) Anovhura mugodhi kure nokunogara vanhu, kunzvimbo dzakakanganikwa norutsoka rwomunhu; kure navanhu anorezuka ndokuzeya uku nokuku. 5) Iyo nyika, zvokudya zvichibva mairi, inoshandurwa nechapasi seinoshandurwa nemoto, 6) safire inobva mumatombo ayo, uye guruva rayo rine upfu hwegoridhe, 7) Hakuna gondo rinoziva nzira iyo yakavanzika, hakuna ziso rorukodzi rakaiona. 8) Mhuka dzinozvikudza hadziisi rutsokapo, uye hakuna shumba inofambapo. 9) Ruoko rwomunhu runorova dombo romusarasara uye ronoisa midzi yamakomo pachena. 10) Anochera mugero nomumatombo; meso ake anoona pfuma yawo yose. 11) Anotsvakisisa panotangira nzizi uye anobudisa zvinhu zvakavanzika pachena. 12) “Asi uchenjeri hungawanikwepiko? Kunzwisisa kunogarepiko? 13) Munhu haanzwisisi kukosha kwahwo; hahungawanikwi munyika yavapenyu. 14) Pakadzika panoti, ‘Hahuzi mandiri.’ Gungwa rinoti, ‘Hahuzi pandiri.’ 15) Hahungatengwi negoridhe yakaisvonaka, uye mutengo wahwo haungayerwi nesirivha. 16) Hahungatengwi negoridhe reOfiri, namatombo anokosha eonikisi kana esafire. 17) Hahungaenzaniswi negoridhe kana kristari, uye hahungatsinhaniswi nezvishongo zvegoridhe. 18) Korari nejasipa hazvingatongorehwi; mutengo wouchenjeri unokunda maparera. 19) Topazi yeEtiopia haingaenzaniswi nahwo; hahungatongotengwi negoridhe rakaisvonaka. 20) “Zvino uchenjeri hunobvepiko? Kunzwisisa kunogarepiko? 21) Kwakavanzirwa meso ezvipenyu zvose, zvakavigwa kunyange kushiri dzedenga. 22) Kuparadza noRufu zvinoti, ‘Runyerekupe rwahwo chete ndirwo rwakasvika munzeve dzedu.’ 23) Mwari oga ndiye anonzwisisa nzira inoenda kwahuri, uye ndiye oga anoziva kwahunogara, 24) nokuti anoona magumo enyika, uye anoona zvinhu zvose zviri pasi pamatenga. 25) Paakasimbisa simba remhepo uye akayera mvura, 26) paakaita chirevo chemvura negwara rokutinhira wemheni, 27) ipapo akatarira kuuchenjeri akahunzvera; akahusimbisa uye akahuedza. 28) Zvino akati kumunhu, ‘Kutya Ishe, ndihwo uchenjeri, uye kusiya zvakaipa ndiko kunzwisisa.’” Additional comments?
Refresh Captcha
The world's first Holy Bible un-translation!