< Jobho 28 >

1 “Mugodhi wesirivha uripo, nenzvimbo inonatswa goridhe.
“Surely there is a mine for silver and a place where gold is refined.
2 Simbi inocherwa pasi, uye ndarira inonyautswa ichibva pamhangura.
Iron is taken from the earth, and copper is smelted from ore.
3 Munhu anoita kuti rima ripere; anotsvakisisa kusvikira kumucheto chaiko, mhangura iri murima rakasviba kwazvo.
Man puts an end to the darkness; he probes the farthest recesses for ore in deepest darkness.
4 Anovhura mugodhi kure nokunogara vanhu, kunzvimbo dzakakanganikwa norutsoka rwomunhu; kure navanhu anorezuka ndokuzeya uku nokuku.
Far from human habitation he cuts a shaft in places forgotten by the foot of man. Far from men he dangles and sways.
5 Iyo nyika, zvokudya zvichibva mairi, inoshandurwa nechapasi seinoshandurwa nemoto,
Food may come from the earth, but from below it is transformed as by fire.
6 safire inobva mumatombo ayo, uye guruva rayo rine upfu hwegoridhe,
Its rocks are the source of sapphires, containing flecks of gold.
7 Hakuna gondo rinoziva nzira iyo yakavanzika, hakuna ziso rorukodzi rakaiona.
No bird of prey knows that path; no falcon’s eye has seen it.
8 Mhuka dzinozvikudza hadziisi rutsokapo, uye hakuna shumba inofambapo.
Proud beasts have never trodden it; no lion has ever prowled over it.
9 Ruoko rwomunhu runorova dombo romusarasara uye ronoisa midzi yamakomo pachena.
The miner strikes the flint; he overturns mountains at their base.
10 Anochera mugero nomumatombo; meso ake anoona pfuma yawo yose.
He hews out channels in the rocks, and his eyes spot every treasure.
11 Anotsvakisisa panotangira nzizi uye anobudisa zvinhu zvakavanzika pachena.
He stops up the sources of the streams to bring what is hidden to light.
12 “Asi uchenjeri hungawanikwepiko? Kunzwisisa kunogarepiko?
But where can wisdom be found, and where does understanding dwell?
13 Munhu haanzwisisi kukosha kwahwo; hahungawanikwi munyika yavapenyu.
No man can know its value, nor is it found in the land of the living.
14 Pakadzika panoti, ‘Hahuzi mandiri.’ Gungwa rinoti, ‘Hahuzi pandiri.’
The ocean depths say, ‘It is not in me,’ while the sea declares, ‘It is not with me.’
15 Hahungatengwi negoridhe yakaisvonaka, uye mutengo wahwo haungayerwi nesirivha.
It cannot be bought with gold, nor can its price be weighed out in silver.
16 Hahungatengwi negoridhe reOfiri, namatombo anokosha eonikisi kana esafire.
It cannot be valued in the gold of Ophir, in precious onyx or sapphire.
17 Hahungaenzaniswi negoridhe kana kristari, uye hahungatsinhaniswi nezvishongo zvegoridhe.
Neither gold nor crystal can compare to it, nor jewels of fine gold be exchanged for it.
18 Korari nejasipa hazvingatongorehwi; mutengo wouchenjeri unokunda maparera.
Coral and quartz are unworthy of mention; the price of wisdom is beyond rubies.
19 Topazi yeEtiopia haingaenzaniswi nahwo; hahungatongotengwi negoridhe rakaisvonaka.
Topaz from Cush cannot compare to it, nor can it be valued in pure gold.
20 “Zvino uchenjeri hunobvepiko? Kunzwisisa kunogarepiko?
From where then does wisdom come, and where does understanding dwell?
21 Kwakavanzirwa meso ezvipenyu zvose, zvakavigwa kunyange kushiri dzedenga.
It is hidden from the eyes of every living thing and concealed from the birds of the air.
22 Kuparadza noRufu zvinoti, ‘Runyerekupe rwahwo chete ndirwo rwakasvika munzeve dzedu.’
Abaddon and Death say, ‘We have heard a rumor about it.’
23 Mwari oga ndiye anonzwisisa nzira inoenda kwahuri, uye ndiye oga anoziva kwahunogara,
But God understands its way, and He knows its place.
24 nokuti anoona magumo enyika, uye anoona zvinhu zvose zviri pasi pamatenga.
For He looks to the ends of the earth and sees everything under the heavens.
25 Paakasimbisa simba remhepo uye akayera mvura,
When God fixed the weight of the wind and measured out the waters,
26 paakaita chirevo chemvura negwara rokutinhira wemheni,
when He set a limit for the rain and a path for the thunderbolt,
27 ipapo akatarira kuuchenjeri akahunzvera; akahusimbisa uye akahuedza.
then He looked at wisdom and appraised it; He established it and searched it out.
28 Zvino akati kumunhu, ‘Kutya Ishe, ndihwo uchenjeri, uye kusiya zvakaipa ndiko kunzwisisa.’”
And He said to man, ‘Behold, the fear of the Lord, that is wisdom, and to turn away from evil is understanding.’”

< Jobho 28 >