< Jobho 26 >
1 Ipapo Jobho akapindura akati:
Kisha Ayubu akajibu na kusema,
2 “Ndiweka wakabatsira vasina simba! Wakaponesa sei ruoko rwakarukutika!
“Mmemsaidiaje aliyedhaifu!
3 Ndiweka wakapa zano kune asina uchenjeri! Ndiweka wakaratidza njere dzakakura kwazvo!
Jinsi gani mmemshauri asiye na hekima na kutamka maneno yenye maarifa kwake!
4 Ndianiko akakubatsira kutaura mashoko aya? Uye mweya waaniko wakataura kubva pamuromo wako?
Kwa msaada wa nani mmesema maneno haya? Ni roho ya nani iliyotoka ndani yenu?
5 “Vakafa vari pakushungurudzika kukuru, ivo vari pasi pemvura zhinji navose vanogara mairi.
Maiti inatetemeka chini ya maji, na vyote wilivyomo ndani yake.
6 Sheori yakashama pamberi paMwari; kuparadza hakuna kufukidzwa. (Sheol )
Kuzimu kuko wazi mbele ya Mungu; uharibifu hauna kizuizi dhidi yake. (Sheol )
7 Anotambanudza matenga nechokumusoro panzvimbo isina chinhu; anorembedza nyika pasina chinhu.
Huitandaza kaskazi juu ya nafasi wazi na kuining'iniza dunia hewani.
8 Anoputira mvura zhinji mumakore ake; asi makore acho haabvaruki nokuda kwokuremerwa.
Huyafunga maji katika mawingu yake mazito, lakini hayagawanyiki chini yake.
9 Anofukidza chiso chomwedzi uzere, achiwarira makore ake pamusoro pawo.
Huufunika uso wa mwezi na kueneza mawingu yake juu yake.
10 Anotara muganhu pamberi pemvura zhinji, kuti ugova muganhu pakati pechiedza nerima.
Amechora ukingo wa duara juu ya maji kama mpaka kati ya nuru na giza.
11 Mbiru dzokudenga dzinodengenyeka, dzichivhundutswa nokutuka kwake.
Nguzo za mbinguni zinatikisika na zimestushwa na kukemea kwake.
12 Akaunganidza mvura dzegungwa nesimba rake; akagura-gura Rahabhi nenjere dzake.
Aliituliza bahari kwa uwezo wake; kwa ufahamu wake alimwaribu Rahab
13 Matenga akashongedzwa nokufema kwake; ruoko rwake rwakabaya nyoka inobhururuka.
Kwa pumzi yake, aliziondoa mbingu kwa dhorubu; mbingu ziliondolewa kwa dhorubu; mkono wake ulimchoma nyoka anayekimbia.
14 Uye izvi ndiwo macheto oga ebasa rake; haiwa tinongonzwa kuzevezera kwake! Zvino ndianiko anganzwisisa kutinhira kwesimba rake?”
Tazama, hizi si zaidi ya madogo ya njia zake; Jinsi gani tunasikia akitunong'oneza! Ni nani awezaye kufahamu uwezo wake.