Preface
Read
+
Publisher
Nainoia, Inc.
PO Box 462, Bellefonte, PA 16823
(814) 470-8028
Nainoia Inc, Publisher
LinkedIn/NAINOIA-INC
Third Party Publisher Resources
Request Custom Formatted Verses
Please contact us below
Submit your proposed corrections
I understand that the Aionian Bible republishes public domain and Creative Commons Bible texts and that volunteers may be needed to present the original text accurately. I also understand that apocryphal text is removed and most variant verse numbering is mapped to the English standard. I have entered my corrections under the verse(s) below. Proposed corrections to the Shona Free Holy Bible, Job Chapter 26 https://www.AionianBible.org/Bibles/Shona---Rakasununguka/Job/26 1) Ipapo Jobho akapindura akati: 2) “Ndiweka wakabatsira vasina simba! Wakaponesa sei ruoko rwakarukutika! 3) Ndiweka wakapa zano kune asina uchenjeri! Ndiweka wakaratidza njere dzakakura kwazvo! 4) Ndianiko akakubatsira kutaura mashoko aya? Uye mweya waaniko wakataura kubva pamuromo wako? 5) “Vakafa vari pakushungurudzika kukuru, ivo vari pasi pemvura zhinji navose vanogara mairi. 6) Sheori yakashama pamberi paMwari; kuparadza hakuna kufukidzwa. (Sheol h7585) 7) Anotambanudza matenga nechokumusoro panzvimbo isina chinhu; anorembedza nyika pasina chinhu. 8) Anoputira mvura zhinji mumakore ake; asi makore acho haabvaruki nokuda kwokuremerwa. 9) Anofukidza chiso chomwedzi uzere, achiwarira makore ake pamusoro pawo. 10) Anotara muganhu pamberi pemvura zhinji, kuti ugova muganhu pakati pechiedza nerima. 11) Mbiru dzokudenga dzinodengenyeka, dzichivhundutswa nokutuka kwake. 12) Akaunganidza mvura dzegungwa nesimba rake; akagura-gura Rahabhi nenjere dzake. 13) Matenga akashongedzwa nokufema kwake; ruoko rwake rwakabaya nyoka inobhururuka. 14) Uye izvi ndiwo macheto oga ebasa rake; haiwa tinongonzwa kuzevezera kwake! Zvino ndianiko anganzwisisa kutinhira kwesimba rake?” Additional comments?
Refresh Captcha
The world's first Holy Bible un-translation!