< Jobho 26 >

1 Ipapo Jobho akapindura akati:
约伯回答说:
2 “Ndiweka wakabatsira vasina simba! Wakaponesa sei ruoko rwakarukutika!
无能的人蒙你何等的帮助! 膀臂无力的人蒙你何等的拯救!
3 Ndiweka wakapa zano kune asina uchenjeri! Ndiweka wakaratidza njere dzakakura kwazvo!
无智慧的人蒙你何等的指教! 你向他多显大知识!
4 Ndianiko akakubatsira kutaura mashoko aya? Uye mweya waaniko wakataura kubva pamuromo wako?
你向谁发出言语来? 谁的灵从你而出?
5 “Vakafa vari pakushungurudzika kukuru, ivo vari pasi pemvura zhinji navose vanogara mairi.
在大水和水族以下的阴魂战兢。
6 Sheori yakashama pamberi paMwari; kuparadza hakuna kufukidzwa. (Sheol h7585)
在 神面前,阴间显露; 灭亡也不得遮掩。 (Sheol h7585)
7 Anotambanudza matenga nechokumusoro panzvimbo isina chinhu; anorembedza nyika pasina chinhu.
神将北极铺在空中, 将大地悬在虚空;
8 Anoputira mvura zhinji mumakore ake; asi makore acho haabvaruki nokuda kwokuremerwa.
将水包在密云中, 云却不破裂;
9 Anofukidza chiso chomwedzi uzere, achiwarira makore ake pamusoro pawo.
遮蔽他的宝座, 将云铺在其上;
10 Anotara muganhu pamberi pemvura zhinji, kuti ugova muganhu pakati pechiedza nerima.
在水面的周围划出界限, 直到光明黑暗的交界。
11 Mbiru dzokudenga dzinodengenyeka, dzichivhundutswa nokutuka kwake.
天的柱子因他的斥责震动惊奇。
12 Akaunganidza mvura dzegungwa nesimba rake; akagura-gura Rahabhi nenjere dzake.
他以能力搅动大海; 他借知识打伤拉哈伯,
13 Matenga akashongedzwa nokufema kwake; ruoko rwake rwakabaya nyoka inobhururuka.
借他的灵使天有妆饰; 他的手刺杀快蛇。
14 Uye izvi ndiwo macheto oga ebasa rake; haiwa tinongonzwa kuzevezera kwake! Zvino ndianiko anganzwisisa kutinhira kwesimba rake?”
看哪,这不过是 神工作的些微; 我们所听于他的是何等细微的声音! 他大能的雷声谁能明透呢?

< Jobho 26 >