< Jobho 23 >

1 Ipapo Jobho akapindura akati:
Na Hiob buae se,
2 “Kunyange nanhasi ndinonyunyuta ndine shungu; ruoko rwake runondiremera kunyange ndiri pakugomera kwangu.
“Nnɛ mpo, mʼanwiinwii mu da so yɛ den; ne nsa ayɛ den, mʼapinisi nyinaa akyi.
3 Dai chete ndaiziva kwandingamuwana; dai chete ndaigona kuenda kwaanogara!
Sɛ minim baabi a mehu no; anaasɛ metumi akɔ ne tenabea a
4 Ndaitaura hangu mhaka yangu pamberi pake, uye ndaizadza muromo wangu nenharo.
anka mɛka mʼasɛm wɔ nʼanim na magye akyinnye bebree.
5 Ndaizoziva hangu zvaaizondipindura, uye ndaizocherechedza zvaaizoreva.
Anka mɛte mmuae a ɔde bɛma me, na madwen nea ɔbɛka ho.
6 Kuti aizondidzivisa nesimba guru here? Kwete, haaizondipomera mhaka.
Ɔbɛsɔre atia me dennen ana? Dabi, ɔremmɔ me kwaadu.
7 Ipapo munhu akarurama aigona kuzotaura mhaka yake pamberi pake, uye ndaizosunungurwa kubva pamutongi wangu nokusingaperi.
Ɛhɔ de, nnipa trenee betumi aka nʼasɛm wɔ nʼanim, na wobegye me afi me temmufo nsam afebɔɔ.
8 “Asi kana ndikaenda kumabvazuva, iye haako; kana ndikaenda kumavirira, handimuwani.
“Nanso sɛ mekɔ apuei fam a onni hɔ; sɛ mekɔ atɔe fam nso a minhu no.
9 Paanenge ari pabasa nechokumusoro, handimuoni; paanotsaukira zasi, handikwanisi kumuona.
Sɛ ɔreyɛ adwuma wɔ atifi fam a minhu no; sɛ ɔdan ne ho kɔ anafo fam a, mʼani nhye ne ho.
10 Asi iye anoziva nzira yandinofamba nayo; kana apedza kundiedza, ndichabuda ndava segoridhe.
Nanso onim ɔkwan a menam so; na sɛ ɔsɔ me hwɛ a mepue sɛ sikakɔkɔɔ.
11 Tsoka dzangu dzakanyatsotevera paakatsika; ndakarambira panzira dzake ndisingambotsaukiri parutivi.
Madi nʼanammɔn akyi pɛɛ; na manantew nʼakwan so a mamman.
12 Handina kumbobva pamirayiro yemiromo yake; ndakakoshesa mashoko omuromo wake kupfuura chingwa changu chamazuva ose.
Mentwee me ho mfii mmara nsɛm a efi nʼanom no ho, mama asɛm a efi nʼanom ho ahia me asen me daa aduan.
13 “Asi iye anomira oga, uye ndiani angapikisana naye? Anoita zvaanoda.
“Nanso obiara nni hɔ ka ne ho, na hena na obetumi atia no? Ɔyɛ biribiara a ɔpɛ.
14 Anoita zvaakatema pamusoro pangu, uye urongwa huzhinji hwakadai achinahwo mudura rake.
Ɔde ne mmaransɛm di dwuma tia me; ɔda so kora nhyehyɛe a ɛte sɛɛ bebree.
15 Ndokusaka ndichitya pamberi pake; pandinofunga nezvose izvi, ndomutya.
Ɛno nti na mebɔ hu wɔ nʼanim; na sɛ midwen eyinom nyinaa ho a, misuro no.
16 Mwari akaita kuti mwoyo wangu unete; Wamasimba Ose akandivhundutsa.
Onyankopɔn ama me koma abotow; Otumfo ama mabɔ huboa.
17 Kunyange zvakadaro rima harina kuita kuti ndinyarare, iro rima guru rinofukidza chiso changu.
Nanso sum no mma menka mʼano nto mu, sum kabii a ɛkata mʼanim no.

< Jobho 23 >