Preface
Read
+
Publisher
Nainoia, Inc.
PO Box 462, Bellefonte, PA 16823
(814) 470-8028
Nainoia Inc, Publisher
LinkedIn/NAINOIA-INC
Third Party Publisher Resources
Request Custom Formatted Verses
Please contact us below
Submit your proposed corrections
I understand that the Aionian Bible republishes public domain and Creative Commons Bible texts and that volunteers may be needed to present the original text accurately. I also understand that apocryphal text is removed and most variant verse numbering is mapped to the English standard. I have entered my corrections under the verse(s) below. Proposed corrections to the Shona Free Holy Bible, Job Chapter 23 https://www.AionianBible.org/Bibles/Shona---Rakasununguka/Job/23 1) Ipapo Jobho akapindura akati: 2) “Kunyange nanhasi ndinonyunyuta ndine shungu; ruoko rwake runondiremera kunyange ndiri pakugomera kwangu. 3) Dai chete ndaiziva kwandingamuwana; dai chete ndaigona kuenda kwaanogara! 4) Ndaitaura hangu mhaka yangu pamberi pake, uye ndaizadza muromo wangu nenharo. 5) Ndaizoziva hangu zvaaizondipindura, uye ndaizocherechedza zvaaizoreva. 6) Kuti aizondidzivisa nesimba guru here? Kwete, haaizondipomera mhaka. 7) Ipapo munhu akarurama aigona kuzotaura mhaka yake pamberi pake, uye ndaizosunungurwa kubva pamutongi wangu nokusingaperi. 8) “Asi kana ndikaenda kumabvazuva, iye haako; kana ndikaenda kumavirira, handimuwani. 9) Paanenge ari pabasa nechokumusoro, handimuoni; paanotsaukira zasi, handikwanisi kumuona. 10) Asi iye anoziva nzira yandinofamba nayo; kana apedza kundiedza, ndichabuda ndava segoridhe. 11) Tsoka dzangu dzakanyatsotevera paakatsika; ndakarambira panzira dzake ndisingambotsaukiri parutivi. 12) Handina kumbobva pamirayiro yemiromo yake; ndakakoshesa mashoko omuromo wake kupfuura chingwa changu chamazuva ose. 13) “Asi iye anomira oga, uye ndiani angapikisana naye? Anoita zvaanoda. 14) Anoita zvaakatema pamusoro pangu, uye urongwa huzhinji hwakadai achinahwo mudura rake. 15) Ndokusaka ndichitya pamberi pake; pandinofunga nezvose izvi, ndomutya. 16) Mwari akaita kuti mwoyo wangu unete; Wamasimba Ose akandivhundutsa. 17) Kunyange zvakadaro rima harina kuita kuti ndinyarare, iro rima guru rinofukidza chiso changu. Additional comments?
Refresh Captcha
The world's first Holy Bible un-translation!