< Jobho 16 >

1 Ipapo Jobho akapindura akati:
Sai Ayuba ya amsa,
2 “Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi; mose muri vanyaradzi pasina!
“Na ji abubuwa da yawa kamar waɗannan; dukanku ba ku iya ta’aziyya ba!
3 Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here? Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo?
Dogayen surutanku ba sa ƙare ne? Me yake sa kuke ta yin waɗannan surutai har kuke cin gaba da yin gardama?
4 Neniwo ndaigona kutaura semi, dai imi manga muri pachinzvimbo changu; ndaigona kutaura mashoko okukupikisai uye ndigokudzungudzirai musoro wangu.
Ni ma zan iya yin maganganu kamar yadda kuke yi in da kuna cikin halin da nake; zan iya faɗar duk abubuwan da kuke faɗi, in kaɗa muku kaina.
5 Asi muromo wangu waizokukurudzirai: kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo.
Amma bakina zai ƙarfafa ku; ta’aziyyar da za tă fito daga bakina za tă kawar muku da ɓacin zuciyarku.
6 “Asi kana ndikataura, kurwadziwa kwangu hakuperi; uye kana ndikanyarara, iko hakubvi.
“Duk da haka in na yi magana, ba na samun sauƙi; in ma na yi shiru zafin ba ya tafiya.
7 Zvirokwazvo, imi Mwari, mandipedza simba; maparadza imba yangu yose.
Ba shakka ya Allah ka gajiyar da ni; ka ɓata gidana gaba ɗaya.
8 Makandisunga ini, uye chava chapupu; kuondoroka kunondiwira uye kunopupurira zvinondirwisa.
Ka daure ni, ya kuma zama shaida; yadda na rame sai ƙasusuwa, wannan ya sa ake gani kamar don ni mai zunubi ne shi ya sa.
9 Mwari anondirova uye anondibvambura mukutsamwa kwake, uye anondirumanyira meno ake; mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya.
Allah ya kai mini hari ya yi kaca-kaca da ni cikin fushinsa yana cizon haƙoransa don fushin da yake yi da ni; ya zura mini ido.
10 Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke; vanondirova padama pakundimhura kwavo, uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa.
Mutane suka buɗe baki suka yi mini riyar reni; suka yi mini ba’a suka haɗu suka tayar mini.
11 Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa, uye akandikanda mumaoko avakashata.
Allah ya bashe ni ga mugayen mutane, ya jefa ni hannun mugaye.
12 Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna; akandibata napahuro akandipwanya-pwanya. Akandivavarira;
Dā ina zamana lafiya kome yana tafiya daidai; amma ya ragargaza ni; ya shaƙe ni a wuya; ya murƙushe ni na zama abin barata gare shi;
13 vapfuri vake vemiseve vakandikomba. Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi, uye anodururira nduru yangu pasi.
maharbansa sun kewaye ni. Ba tausayi, ya soke ni a ƙodata har jini ya zuba a ƙasa.
14 Nguva nenguva anondirwisa; anondidzingirira somurwi.
Ya ji mini rauni a kai a kai ya auko mini kamar mai yaƙi.
15 “Ndakasona nguo dzamasaga kuti ndifukidze ganda rangu, uye ndaviga huma yangu muguruva.
“Ina makoki saye da tsummoki na ɓoye fuskata a cikin ƙura.
16 Chiso changu chatsvuka nokuchema, rima guru rakomberedza meso angu;
Fuskata ta yi ja don kuka idanuna sun kukumbura;
17 asi zvazvo maoko angu haana kuita chisimba, uye munyengetero wangu wakachena.
duk da haka hannuwana ba su aikata ɓarna ba kuma addu’ata mai tsabta ce.
18 “Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu; kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo!
“Ya duniya, kada ki ɓoye jinina; bari yă yi kuka a madadina!
19 Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga; murevereri wangu ari kumusoro.
Ko yanzu haka shaidata tana sama; wanda zai tsaya mini yana sama.
20 Murevereri wangu ndiye shamwari yangu, meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari;
Shi mai yin roƙo a madadina abokina ne yayinda nake kuka ga Allah;
21 anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari, somunhu anokumbirira shamwari yake.
a madadin mutum ya yi roƙo ga Allah kamar yadda mutum yakan yi roƙo domin abokinsa.
22 “Makore mashoma bedzi asara, ndisati ndaenda parwendo rusingadzokwi.
“Shekaru kaɗan suka rage in kama hanyar da ba a komawa.

< Jobho 16 >