Preface
Read
+
Publisher
Nainoia, Inc.
PO Box 462, Bellefonte, PA 16823
(814) 470-8028
Nainoia Inc, Publisher
LinkedIn/NAINOIA-INC
Third Party Publisher Resources
Request Custom Formatted Verses
Please contact us below
Submit your proposed corrections
I understand that the Aionian Bible republishes public domain and Creative Commons Bible texts and that volunteers may be needed to present the original text accurately. I also understand that apocryphal text is removed and most variant verse numbering is mapped to the English standard. I have entered my corrections under the verse(s) below. Proposed corrections to the Shona Free Holy Bible, Job Chapter 16 https://www.AionianBible.org/Bibles/Shona---Rakasununguka/Job/16 1) Ipapo Jobho akapindura akati: 2) “Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi; mose muri vanyaradzi pasina! 3) Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here? Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo? 4) Neniwo ndaigona kutaura semi, dai imi manga muri pachinzvimbo changu; ndaigona kutaura mashoko okukupikisai uye ndigokudzungudzirai musoro wangu. 5) Asi muromo wangu waizokukurudzirai: kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo. 6) “Asi kana ndikataura, kurwadziwa kwangu hakuperi; uye kana ndikanyarara, iko hakubvi. 7) Zvirokwazvo, imi Mwari, mandipedza simba; maparadza imba yangu yose. 8) Makandisunga ini, uye chava chapupu; kuondoroka kunondiwira uye kunopupurira zvinondirwisa. 9) Mwari anondirova uye anondibvambura mukutsamwa kwake, uye anondirumanyira meno ake; mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya. 10) Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke; vanondirova padama pakundimhura kwavo, uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa. 11) Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa, uye akandikanda mumaoko avakashata. 12) Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna; akandibata napahuro akandipwanya-pwanya. Akandivavarira; 13) vapfuri vake vemiseve vakandikomba. Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi, uye anodururira nduru yangu pasi. 14) Nguva nenguva anondirwisa; anondidzingirira somurwi. 15) “Ndakasona nguo dzamasaga kuti ndifukidze ganda rangu, uye ndaviga huma yangu muguruva. 16) Chiso changu chatsvuka nokuchema, rima guru rakomberedza meso angu; 17) asi zvazvo maoko angu haana kuita chisimba, uye munyengetero wangu wakachena. 18) “Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu; kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo! 19) Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga; murevereri wangu ari kumusoro. 20) Murevereri wangu ndiye shamwari yangu, meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari; 21) anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari, somunhu anokumbirira shamwari yake. 22) “Makore mashoma bedzi asara, ndisati ndaenda parwendo rusingadzokwi. Additional comments?
Refresh Captcha
The world's first Holy Bible un-translation!