< Jobho 16 >

1 Ipapo Jobho akapindura akati:
约伯回答说:
2 “Ndakanzwa zvinhu zvakawanda sezvizvi; mose muri vanyaradzi pasina!
这样的话我听了许多; 你们安慰人,反叫人愁烦。
3 Ko, kutaura kwenyu kwamadzokorora kwenguva refu hakuperiwo here? Chii chinokurwadzai kuti murambe muchiita nharo?
虚空的言语有穷尽吗? 有什么话惹动你回答呢?
4 Neniwo ndaigona kutaura semi, dai imi manga muri pachinzvimbo changu; ndaigona kutaura mashoko okukupikisai uye ndigokudzungudzirai musoro wangu.
我也能说你们那样的话; 你们若处在我的境遇, 我也会联络言语攻击你们, 又能向你们摇头。
5 Asi muromo wangu waizokukurudzirai: kunyaradza kunobva pamuromo wangu kwaizokuvigirai zororo.
但我必用口坚固你们, 用嘴消解你们的忧愁。
6 “Asi kana ndikataura, kurwadziwa kwangu hakuperi; uye kana ndikanyarara, iko hakubvi.
我虽说话,忧愁仍不得消解; 我虽停住不说,忧愁就离开我吗?
7 Zvirokwazvo, imi Mwari, mandipedza simba; maparadza imba yangu yose.
但现在 神使我困倦, 使亲友远离我,
8 Makandisunga ini, uye chava chapupu; kuondoroka kunondiwira uye kunopupurira zvinondirwisa.
又抓住我,作见证攻击我; 我身体的枯瘦也当面见证我的不是。
9 Mwari anondirova uye anondibvambura mukutsamwa kwake, uye anondirumanyira meno ake; mudzivisi wangu anondidzvokorera meso ake anobaya.
主发怒撕裂我,逼迫我, 向我切齿; 我的敌人怒目看我。
10 Vanhu vanoshamisa miromo yavo kuti vandiseke; vanondirova padama pakundimhura kwavo, uye vanobatana pamwe chete kuzondirwisa.
他们向我开口, 打我的脸羞辱我, 聚会攻击我。
11 Mwari akandidzorera mumaoko avanhu vakaipa, uye akandikanda mumaoko avakashata.
神把我交给不敬虔的人, 把我扔到恶人的手中。
12 Zvose zvakanga zvakanaka hazvo kwandiri, asi iye akandivhuna; akandibata napahuro akandipwanya-pwanya. Akandivavarira;
我素来安逸,他折断我, 掐住我的颈项,把我摔碎, 又立我为他的箭靶子。
13 vapfuri vake vemiseve vakandikomba. Anobaya itsvo dzangu asina tsitsi, uye anodururira nduru yangu pasi.
他的弓箭手四面围绕我; 他破裂我的肺腑,并不留情, 把我的胆倾倒在地上,
14 Nguva nenguva anondirwisa; anondidzingirira somurwi.
将我破裂又破裂, 如同勇士向我直闯。
15 “Ndakasona nguo dzamasaga kuti ndifukidze ganda rangu, uye ndaviga huma yangu muguruva.
我缝麻布在我皮肤上, 把我的角放在尘土中。
16 Chiso changu chatsvuka nokuchema, rima guru rakomberedza meso angu;
我的脸因哭泣发紫, 在我的眼皮上有死荫。
17 asi zvazvo maoko angu haana kuita chisimba, uye munyengetero wangu wakachena.
我的手中却无强暴; 我的祈祷也是清洁。
18 “Iwe nyika, rega kufukidza ropa rangu; kuchema kwangu ngakurege kuwana zororo!
地啊,不要遮盖我的血! 不要阻挡我的哀求!
19 Kunyange iko zvino chapupu changu chiri kudenga; murevereri wangu ari kumusoro.
现今,在天有我的见证, 在上有我的中保。
20 Murevereri wangu ndiye shamwari yangu, meso angu paanodurura misodzi kuna Mwari;
我的朋友讥诮我, 我却向 神眼泪汪汪。
21 anomira pachinzvimbo chomunhu achikumbira kuna Mwari, somunhu anokumbirira shamwari yake.
愿人得与 神辩白, 如同人与朋友辩白一样;
22 “Makore mashoma bedzi asara, ndisati ndaenda parwendo rusingadzokwi.
因为再过几年, 我必走那往而不返之路。

< Jobho 16 >