< Ezekieri 35 >

1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
Maganar Ubangiji ta zo mini cewa,
2 “Mwanakomana womunhu, rinzira chiso chako pamusoro peGomo reSeiri; uprofite pamusoro paro,
“Ɗan mutum, ka fuskanci Dutsen Seyir; ka yi annabci a kansa
3 uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka newe iwe Gomo reSeiri, uye ndichatambanudzira ruoko rwangu kuzorwa newe ndigokuita dongo raparadzwa.
ka ce, ‘Ga abin da Ubangiji Mai Iko Duka yana cewa ina gāba da kai, Dutsen Seyir, zan kuma miƙa hannuna gāba da kai in mai da kai kango.
4 Ndichashandura maguta ako akava matongo uye iwe uchaparadzwa. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha.
Zan mai da garuruwanka kufai za ka kuma zama kango. Sa’an nan za ka san cewa ni ne Ubangiji.
5 “‘Nemhaka yokuti wakafundira ruvengo rwako rwakare ukaisa vaIsraeri kumunondo panguva yenjodzi yavo, panguva iyo kurangwa kwavo kwakanga kwasvika pamusoro-soro,
“‘Domin ka riƙe ƙiyayya ta tun dā, ka kuma ba da mutanen Isra’ila domin a kashe su da takobi a lokacin masifarsu, lokacin da adadin horonsu ya cika,
6 naizvozvo, noupenyu hwangu zvirokwazvo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, ndichakuisa kukuteura ropa uye richakuteverera. Sezvo usina kuvenga kuteura ropa, kuteura ropa kuchakuteverera.
saboda haka muddin ina raye, in ji Ubangiji Mai Iko Duka, zan sa a zub da jininka zan kuwa fafare ka. Da yake ba ka ƙi zub da jini ba, zub da jini zai fafare ka.
7 Ndichaita kuti Gomo reSeiri rive dongo uye ndichaparadza vose vanopinda napo uye nevanobuda napo.
Zan mai da Dutsen Seyir kango in kuma yanke dukan waɗanda suke shiga da fita a cikinka.
8 Ndichazadza makomo ako navakaurayiwa; vaya vakaurayiwa nomunondo vachawira pazvikomo nomumipata yenyu uye nomunzizi dzenyu dzose.
Zan cika duwatsunka da matattu; waɗanda aka kashe da takobi za su fāɗi a kan tuddanka, da cikin kwarurukanka, da cikin dukan kwazazzabanka.
9 Ndichakuparadza nokusingaperi, maguta ako haachazogarwi. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.
Zan mai da kai kango har abada; ba za a zauna a cikin garuruwanka ba. Sa’an nan za ka san cewa ni ne Ubangiji.
10 “‘Nemhaka yokuti iwe wakati, “Ndudzi mbiri idzi nenyika idzi dzichava dzedu uye tichadzitora,” kunyange dai ini Jehovha ndaivapo,
“‘Domin kun ce, “Waɗannan al’ummai biyu da ƙasashe za su zama namu za mu kuma mallake su,” ko da yake Ni Ubangiji ina a can,
11 naizvozvo, noupenyu hwangu zvirokwazvo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, ndichakuitira zvakafanira kutsamwa negodo rawakaratidza mukuvavenga kwako uye ndichaita kuti vandizive pakati pavo pandichakutonga.
saboda haka muddin ina raye, in ji Ubangiji Mai Iko Duka, zan sāka maka gwargwadon fushi da kuma kishin da ka nuna a ƙiyayyarsu da ka yi zan kuma sanar da kaina a cikinsu sa’ad da na hukunta ka.
12 Ipapo uchaziva kuti ini Jehovha ndakanzwa zvose zvinonyadza zvawakataura zvinorwisa makomo eIsraeri. Iwe wakati, “Akaparadzwa uye akapiwa kwatiri kuti tiadye.”
Sa’an nan za ka san cewa Ni Ubangiji na ji duk abubuwan banzan da ka faɗa a kan duwatsun Isra’ila. Ka ce, “An mai da su kango an kuma ba mu su mu cinye.”
13 Wakazvirumbidza pamusoro pangu uye wakataura zvakaipa pamusoro pangu usingazvidzori, uye ini ndakazvinzwa.
Ka yi fariya a kaina, ka kuma yi magana a kaina ba gaggautawa, na ji shi sarai.
14 Zvanzi naIshe Jehovha: Panguva inofara nyika yose, ini ndichakuita dongo.
Ga abin da Ubangiji Mai Iko Duka yana cewa yayinda dukan duniya take farin ciki, zan mai da kai kango.
15 Nokuti iwe wakafara panguva yakaparadzwa nhaka yeimba yaIsraeri, ndizvo zvandichakuitirawo iwe. Uchava dongo, iwe Gomo reSeiri, iwe neEdhomu yose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.’”
Domin ka yi farin ciki sa’ad da gādon gidan Isra’ila ya zama kufai, haka zan yi da kai, ya Dutsen Seyir, kai da dukan Edom. Sa’an nan za ka san cewa ni ne Ubangiji.’”

< Ezekieri 35 >