< Ezekieri 39 >
1 “Mwanakomana womunhu, profita pamusoro paGogi, uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndine mhaka newe, iwe Gogi, muchinda mukuru weMesheki neTubhari.
“Ɗan mutum, ka yi annabci a kan Gog ka ce, ‘Ga abin da Ubangiji Mai Iko Duka yana cewa ina gāba da kai, ya Gog, babban sarkin Meshek da Tubal.
2 Ndichakutendeutsa ndigokukwekweredza. Ndichakubvisa kumusoro ndigokutumira kundorwisa pamakomo eIsraeri.
Zan juya ka in kuma ja ka. Zan kawo ka daga can arewa in aike ka don ka fāɗa wa duwatsun Isra’ila.
3 Ipapo ndicharova museve wako nechokuruboshwe rwako ndigowisira miseve yako pasi ichibva muruoko rwako rworudyi.
Sa’an nan zan karya bakan da take a hannun hagunka, in sa kibiyoyin da suke a hannun damanka su fāɗi.
4 Uchawa pamakomo aIsraeri, iwe namauto ako ose uye nendudzi dzaunadzo. Ndichakupa iwe sechokudya chemhando dzose dzeshiri dzinodya nyama uye nokumhuka dzesango.
A kan duwatsun Isra’ila za ka fāɗi, kai da sojojinka da kuma al’ummai da suke tare da kai. Zan bayar da kai ka zama abinci ga tsuntsaye da namun jeji masu cin nama.
5 Uchawira pamhene, nokuti ndazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Za ka mutu a fili, gama haka ni na faɗa, in ji Ubangiji Mai Iko Duka.
6 Ndichatuma moto pamusoro paMagogi uye napamusoro pavagere zvakanaka muzviwi, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.
Zan aika da wuta a kan Magog da kuma a kan waɗanda suke zama lafiya a bakin teku, za su kuwa san cewa ni ne Ubangiji.
7 “‘Ndichazivisa zita rangu dzvene pakati pavanhu vangu vaIsraeri. Handichazobvumiri kuti zita rangu dzvene risvibiswe, uye ndudzi dzichaziva kuti ini Jehovha ndini mutsvene woga waIsraeri.
“‘Zan sanar da sunana mai tsarki a cikin mutanena Isra’ila. Ba zan ƙara bari a ɓata sunana mai tsarki ba, kuma al’ummai za su san cewa Ni Ubangiji Mai Tsarki ne a cikin Isra’ila.
8 Zviri kuuya! Zvirokwazvo zvichaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Iri ndiro zuva randakareva.
Yana zuwa! Tabbatacce zai faru, in ji Ubangiji Mai Iko Duka. Ranar da na yi magana ke nan.
9 “‘Ipapo vaya vanogara mumaguta aIsraeri vachabuda kunze vagoshandisa zvombo sehuni vagozvipisa, senhoo duku nehuru, uta nemiseve, tsvimbo dzehondo namapfumo. Vachazvishandisa sehuni kwamakore manomwe.
“‘Sa’an nan waɗanda suke zama a garuruwan Isra’ila za su fita su tattara makamai su hura wuta da su su kuma ƙone su, manya da ƙanana garkuwoyi, bakkuna da kibiyoyi, kulake da māsu. Shekara bakwai za su yi amfani da su don hura wuta.
10 Havachazounganidzi huni kubva musango kana kudzitema kumatondo, nokuti vachashandisa zvombo sehuni. Uye vachapamba vaya vakambovapamba uye vachatorera nechisimba vaya vakambovatorera nechisimba, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Ba za su yi wahalar zuwa jeji don neman itacen hura wuta ba, domin za su yi amfani da makamai don hura wuta. Za su kuma washe waɗanda suka washe su ganima, in ji Ubangiji Mai Iko Duka.
11 “‘Pazuva iro, ndichapa Gogi nzvimbo yamakuva muIsraeri, mumupata wavaya vanoshanya vachienda kumabvazuva vakananga kugungwa. Ichadzivirira nzira yavashanyi, nokuti Gogi navanhu vake vachavigwapo. Saka ichatumidzwa kunzi Mupata waHamoni Gogi.
“‘A ranar zan yi wa Gog makabarta a cikin Isra’ila, a kwarin waɗanda suke tafiya wajen gabashin Teku. Za tă tare hanyar matafiya, domin za a binne Gog da dukan mutanensa a can. Ta haka za a kira wurin Kwarin Haman Gog.
12 “‘Imba yaIsraeri ichapedza mwedzi minomwe ichivaviga kuitira kuti nyika inatswe.
“‘Watanni bakwai gidan Isra’ila zai yi ta binne su don a tsarkake ƙasar.
13 Vanhu vose vomunyika vachavaviga, uye zuva rokukudzwa kwangu richava zuva ravacharangarira, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Dukan mutanen ƙasar za su binne su, kuma ranar da za a ɗaukaka ni za tă zama ranar tuni a gare su, in ji Ubangiji Mai Iko Duka.
14 “‘Vachapa vanhu basa rokuchenesa nyika nguva dzose. Vamwe vachapota nenyika yose uye, kubatanidza naivavo vamwe vachaviga vaya vakasiyiwa vachingova pachena. Mushure memwedzi vachazotanga kutsvaga.
“‘Za a ɗauki mutane kullum don tsabtacce ƙasar. Waɗansu za su ratsa ƙasar, ƙari da waɗannan, waɗansu za su binne gawawwakin da suka ragu a ƙasar. A ƙarshen watanni bakwai ɗin za su fara bincikensu.
15 Pavachange vachipota nenyika, kana mumwe akaona bvupa romunhu, achaisapo chiratidzo parutivi rwaro kusvikira vacheri vamarinda variviga muMupata waHamoni Gogi.
Yayinda suke ratsa ƙasar, in waninsu ya ga ƙashin mutum, zai kafa shi kamar alama a gefe sai masu haƙa kabari sun binne shi a Kwarin Haman Gog.
16 Uyezve, pachava neguta rinonzi Hamona ipapo. Nokudaro vachanatsa nyika.’
Akwai wani garin da ake kira Hamona zai kasance a can. Ta haka za su tsabtacce ƙasar.’
17 “Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha: Danidzira kumarudzi ose eshiri uye nemhuka dzose dzesango uti, ‘Unganai uye muve pamwe chete muchibva kwose kwose muuye kuchibayiro chandiri kukugadzirirai, chibayiro chikuru pamusoro pamakomo eIsraeri. Muchadya nyama uye muchanwa ropa ipapo.
“Ɗan mutum, ga abin da Ubangiji Mai Iko Duka yana cewa, ka gayyato kowane irin tsuntsu da dukan namun jeji, ‘Ku taru ku kuma zo wuri ɗaya daga ko’ina don hadayar da nake shirya muku, babbar hadaya a kan duwatsun Isra’ila. A can za ku ci nama ku kuma sha jini.
18 Muchadya nyama yavarume vane simba nokunwa ropa ramachinda enyika kunge ramakondobwe, neremakwayana, nerembudzi uye rehando, mhuka dzose dzakakodzwa dzinobva kuBhashani.
Za ku ci naman manyan mutane ku kuma sha jinin sarakunan duniya sai ka ce an yanka raguna da’yan tumaki, awaki da bijimai, dukansu turkakkun dabbobi daga Bashan.
19 Pachibayiro chandinokugadzirirai, muchadya mafuta kusvikira makorwa nawo, uye muchanwa ropa kusvikira madhakwa.
A hadayar da nake shirya muku, za ku ci kitse sai kun ƙoshi ku kuma sha jini sai kun bugu.
20 Patafura yangu muchadya mukaguta mabhiza navatasvi vavo, varume vane simba navarwi vemhando dzose,’ ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
A teburina za ku ci iya ƙoshiyarku da naman jama’a da kuma mahaya, manyan mutane da sojoji na kowane iri,’ in ji Ubangiji Mai Iko Duka.
21 “Ndicharatidza kubwinya kwangu pakati pendudzi, uye ndudzi dzose dzichaona kuranga kwandinoita noruoko rwandinoisa pamusoro pavo.
“Zan nuna ɗaukakata a cikin al’ummai, kuma dukan al’ummai za su ga hukuncin da zan yi da kuma hannu mai nauyin da zan ɗora a kansu.
22 Kubva pazuva iro zvichienda mberi, imba yaIsraeri ichaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo.
Daga wannan rana zuwa gaba gidan Isra’ila zai san cewa ni ne Ubangiji Allahnsu.
23 Uye ndudzi dzichaziva kuti vanhu vaIsraeri vakaenda kuutapwa nokuda kwechivi chavo, nokuti vakanga vasina kutendeka kwandiri. Saka ndakavavanzira chiso changu ndikavaisa mumaoko avavengi vavo, uye vose vakaurayiwa nomunondo.
Al’ummai kuma za su san cewa mutanen Isra’ila sun tafi zaman bauta saboda zunubinsu, domin sun yi rashin aminci gare ni. Saboda haka na kawar da fuskata daga gare su na miƙa su ga abokan gābansu, suka kuwa mutu ta takobi.
24 Ndakavaitira zvakafanira kusachena kwavo nokudarika kwavo, uye ndakavavanzira chiso changu.
Na yi da su gwargwadon rashin tsabtarsu da laifofinsu, na kuma kawar da fuskata daga gare su.
25 “Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Zvino ndichabvisa Jakobho kubva mukutapwa uye ndichanzwira tsitsi vanhu vose veIsraeri, uye ndichashingairira zita rangu dzvene.
“Saboda haka ga abin da Ubangiji Mai Iko Duka yana cewa zan komo da Yaƙub daga zaman bauta zan kuma yi wa dukan Isra’ila jinƙai, zan kuma yi kishi saboda sunana mai tsarki.
26 Vachakanganwa kunyadziswa kwavo nokusatendeka kwavo kwose kwavakaratidza kwandiri pavakagara zvakanaka munyika yavo pasina aivavhundusa.
Za su manta da kunyar da suka sha da dukan rashin amincin da suka nuna mini sa’ad da suke zama lafiya a ƙasarsu inda ba wanda zai tsorata su.
27 Pandichavadzosa kubva kundudzi uye ndikavaunganidza vachibva kunyika dzavavengi vavo, ndicharatidza utsvene hwangu kubudikidza navo pamberi pendudzi zhinji.
Sa’ad da na komo da su daga al’ummai na kuma tattara su daga ƙasashen abokan gābansu, zan nuna kaina mai tsarki ta wurinsu a gaban al’ummai masu yawa.
28 Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, nokuti kunyange ndakavadzingira kuutapwa pakati pendudzi, ndichavaunganidza munyika yavo, pasina wandinosiya.
Sa’an nan za su san cewa ni ne Ubangiji Allahnsu, gama ko da yake na tura su zaman bauta a cikin al’ummai, zan tattara su zuwa ƙasarsu, ba tare da barin wani a baya ba.
29 Handingazovavanzirizve chiso changu, nokuti ndichadurura Mweya wangu pamusoro peimba yaIsraeri, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.”
Ba zan ƙara kawar da fuskata daga gare su, gama zan zuba Ruhuna a kan gidan Isra’ila, in ji Ubangiji Mai Iko Duka.”