< Ezekieri 19 >
1 “Chema pamusoro pamachinda eIsraeri
“Qhinqani isililo ngamakhosana ako-Israyeli
2 uti: “‘Mai vako vaiva shumbakadzi yakadii pakati peshumba! Yaivata pasi pakati peshumba duku uye yairera vana vayo.
lithi: ‘Yeka isilwanekazi esasingunyoko phakathi kwezilwane! Salala phansi phakathi kwezilwane ezisakhulayo sondla imidlwane yaso.
3 Yakarera mumwe mwana wayo, ikava shumba yakasimba. Yakadzidza kubvambura nyama, uye yaidya vanhu.
Sakhulisa omunye wemidlwane yaso waba yisilwane esilamandla wafunda ukudabula okubanjelwe ukudliwa, wadla labantu.
4 Ndudzi dzakanzwa nezvayo, dzikaibata muhunza yadzo. Vakaenda nayo nezvikokovono kunyika yeIjipiti.
Izizwe zezwa ngawo wasuthiywa egodini lazo. Zawuhola ngezingwegwe zawusa elizweni laseGibhithe.
5 “‘Yakati ichiona kuti tariro yayo haina kuzadziswa, yarasikirwa nezvayakanga yakatarisira, yakatora mumwe wevana vayo ndokumuita shumba yakasimba.
Kwathi sibona ithemba laso lingagcwalisekanga, ithemba laso lingasekho, sathatha omunye wemidlwane yaso sawenza waba yisilwane esilamandla.
6 Yakafamba ichinyahwaira pakati peshumba, nokuti yakanga yava shumba ine simba zvino. Yakadzidza kubvambura chayabata uye yaidya vanhu.
Wanyonyoba phakathi kwezilwane ngoba wawuyisilwane esilamandla. Wafunda ukudabula okubanjelwe ukudliwa, wadla labantu.
7 Yakakoromora nhare dzavo uye ikaparadza maguta avo. Nyika navose vaivamo vakavhundutswa nokuomba kwayo.
Wadiliza izinqaba zabo wachitha lamadolobho abo. Ilizwe kanye labo bonke ababekulo bathuthumeliswa yikubhonga kwawo.
8 Ipapo ndudzi dzakarwisana nayo, vaya vaibva kumatunhu akapoteredza. Vakaikandira mambure, iyo ndokubatwa muhunza yavo.
Izizwe zawuvukela, zivela ezindaweni eziwuzingelezileyo. Zendlala amambule azo phezu kwawo wawela egodini labo.
9 Vakaipinza muchizarira nezvikokovono vakandoiisa kuna mambo weBhabhironi. Vakaiisa mutorongo, saka kuomba kwayo hakuna kuzonzwikwazve pamakomo aIsraeri.
Bawudonsela ekhejini ngezingwegwe bawusa enkosini yaseBhabhiloni. Bawufaka entolongweni, ngakho ukubhonga kwawo akuzwakalanga futhi ezintabeni zako-Israyeli.
10 “‘Mai vako vakanga vakaita somuzambiringa mumunda wako wemizambiringa, wakasimwa pane mvura; wakanga une zvibereko uye uzere namatavi nokuda kwemvura zhinji.
Unyoko wayenjengevini elihlanyelwe ngasemanzini esivinini sakho; sasithela izithelo njalo silezingatsha ezinengi ngenxa yamanzi amanengi.
11 Matavi awo akanga akasimba, akanakira kuva tsvimbo yomutongi. Wakanga wakareba kwazvo pamusoro pamatavi makobvu akapfumvutira, waionekera kumusoro-soro nokuda kwourefu hwawo, uye nokuda kwamatavi awo mazhinji.
Ingatsha zaso zaziqinile zifanele intonga yombusi. Sasiphakeme siphezulu le ngaphezu kwamahlamvu aminyeneyo, sibonakala ngobude baso langezingatsha zaso ezinengi.
12 Asi wakadzurwa nehasha ndokukandwa pasi. Mhepo yokumabvazuva yakauomesa, ukazunzwa michero yawo; matavi awo akasimba akaoma, uye moto ukaapisa.
Kodwa sasitshunwa ngokuthukuthela saphoselwa phansi. Umoya wasempumalanga wasomisa, izithelo zaso zaqhululwa; ingatsha zaso eziqinileyo zabuna umlilo wazitshisa.
13 Zvino wakasimwa mugwenga, munyika yakaoma ine nyota.
Khathesi sesihlanyelwe enkangala, elizweni elitshisayo lelomileyo.
14 Moto wakapambira uchibva kune rimwe davi rawo guru ndokupisa michero yawo. Hapana davi rakasimba rakasara pauri rakanakira kuva tsvimbo yomutongi.’ Uku kuchema uye kunofanira kushandiswa pakuchema.”
Umlilo umemetheke usuka kolunye lwezingatsha ezinkulu, watshisa izithelo zaso. Akulagatsha oluqinileyo oluseleyo kuso olufanele intonga yombusi.’ Lesi yisililo njalo sizasetshenziswa njengesililo.”