Preface
Read
+
Publisher
Nainoia, Inc.
PO Box 462, Bellefonte, PA 16823
(814) 470-8028
Nainoia Inc, Publisher
LinkedIn/NAINOIA-INC
Third Party Publisher Resources
Request Custom Formatted Verses
Please contact us below
Submit your proposed corrections
I understand that the Aionian Bible republishes public domain and Creative Commons Bible texts and that volunteers may be needed to present the original text accurately. I also understand that apocryphal text is removed and most variant verse numbering is mapped to the English standard. I have entered my corrections under the verse(s) below. Proposed corrections to the Shona Free Holy Bible, Ezekiel Chapter 19 https://www.AionianBible.org/Bibles/Shona---Rakasununguka/Ezekiel/19 1) “Chema pamusoro pamachinda eIsraeri 2) uti: “‘Mai vako vaiva shumbakadzi yakadii pakati peshumba! Yaivata pasi pakati peshumba duku uye yairera vana vayo. 3) Yakarera mumwe mwana wayo, ikava shumba yakasimba. Yakadzidza kubvambura nyama, uye yaidya vanhu. 4) Ndudzi dzakanzwa nezvayo, dzikaibata muhunza yadzo. Vakaenda nayo nezvikokovono kunyika yeIjipiti. 5) “‘Yakati ichiona kuti tariro yayo haina kuzadziswa, yarasikirwa nezvayakanga yakatarisira, yakatora mumwe wevana vayo ndokumuita shumba yakasimba. 6) Yakafamba ichinyahwaira pakati peshumba, nokuti yakanga yava shumba ine simba zvino. Yakadzidza kubvambura chayabata uye yaidya vanhu. 7) Yakakoromora nhare dzavo uye ikaparadza maguta avo. Nyika navose vaivamo vakavhundutswa nokuomba kwayo. 8) Ipapo ndudzi dzakarwisana nayo, vaya vaibva kumatunhu akapoteredza. Vakaikandira mambure, iyo ndokubatwa muhunza yavo. 9) Vakaipinza muchizarira nezvikokovono vakandoiisa kuna mambo weBhabhironi. Vakaiisa mutorongo, saka kuomba kwayo hakuna kuzonzwikwazve pamakomo aIsraeri. 10) “‘Mai vako vakanga vakaita somuzambiringa mumunda wako wemizambiringa, wakasimwa pane mvura; wakanga une zvibereko uye uzere namatavi nokuda kwemvura zhinji. 11) Matavi awo akanga akasimba, akanakira kuva tsvimbo yomutongi. Wakanga wakareba kwazvo pamusoro pamatavi makobvu akapfumvutira, waionekera kumusoro-soro nokuda kwourefu hwawo, uye nokuda kwamatavi awo mazhinji. 12) Asi wakadzurwa nehasha ndokukandwa pasi. Mhepo yokumabvazuva yakauomesa, ukazunzwa michero yawo; matavi awo akasimba akaoma, uye moto ukaapisa. 13) Zvino wakasimwa mugwenga, munyika yakaoma ine nyota. 14) Moto wakapambira uchibva kune rimwe davi rawo guru ndokupisa michero yawo. Hapana davi rakasimba rakasara pauri rakanakira kuva tsvimbo yomutongi.’ Uku kuchema uye kunofanira kushandiswa pakuchema.” Additional comments?
Refresh Captcha
The world's first Holy Bible un-translation!