< Ezekieri 19 >
1 “Chema pamusoro pamachinda eIsraeri
“As for you, take up a lament for the princes of Israel
2 uti: “‘Mai vako vaiva shumbakadzi yakadii pakati peshumba! Yaivata pasi pakati peshumba duku uye yairera vana vayo.
and say: ‘What was your mother? A lioness among the lions! She lay down among the young lions; she reared her cubs.
3 Yakarera mumwe mwana wayo, ikava shumba yakasimba. Yakadzidza kubvambura nyama, uye yaidya vanhu.
She brought up one of her cubs, and he became a young lion. After learning to tear his prey, he devoured men.
4 Ndudzi dzakanzwa nezvayo, dzikaibata muhunza yadzo. Vakaenda nayo nezvikokovono kunyika yeIjipiti.
When the nations heard of him, he was trapped in their pit. With hooks they led him away to the land of Egypt.
5 “‘Yakati ichiona kuti tariro yayo haina kuzadziswa, yarasikirwa nezvayakanga yakatarisira, yakatora mumwe wevana vayo ndokumuita shumba yakasimba.
When she saw that she had waited in vain, that her hope was lost, she took another of her cubs and made him a young lion.
6 Yakafamba ichinyahwaira pakati peshumba, nokuti yakanga yava shumba ine simba zvino. Yakadzidza kubvambura chayabata uye yaidya vanhu.
He prowled among the lions, and became a young lion. After learning to tear his prey, he devoured men.
7 Yakakoromora nhare dzavo uye ikaparadza maguta avo. Nyika navose vaivamo vakavhundutswa nokuomba kwayo.
He broke down their strongholds and devastated their cities. The land and everything in it shuddered at the sound of his roaring.
8 Ipapo ndudzi dzakarwisana nayo, vaya vaibva kumatunhu akapoteredza. Vakaikandira mambure, iyo ndokubatwa muhunza yavo.
Then the nations set out against him from the provinces on every side. They spread their net over him; he was trapped in their pit.
9 Vakaipinza muchizarira nezvikokovono vakandoiisa kuna mambo weBhabhironi. Vakaiisa mutorongo, saka kuomba kwayo hakuna kuzonzwikwazve pamakomo aIsraeri.
With hooks they caged him and brought him to the king of Babylon. They brought him into captivity so that his roar was heard no longer on the mountains of Israel.
10 “‘Mai vako vakanga vakaita somuzambiringa mumunda wako wemizambiringa, wakasimwa pane mvura; wakanga une zvibereko uye uzere namatavi nokuda kwemvura zhinji.
Your mother was like a vine in your vineyard, planted by the water; it was fruitful and full of branches because of the abundant waters.
11 Matavi awo akanga akasimba, akanakira kuva tsvimbo yomutongi. Wakanga wakareba kwazvo pamusoro pamatavi makobvu akapfumvutira, waionekera kumusoro-soro nokuda kwourefu hwawo, uye nokuda kwamatavi awo mazhinji.
It had strong branches, fit for a ruler’s scepter. It towered high above the thick branches, conspicuous for its height and for its dense foliage.
12 Asi wakadzurwa nehasha ndokukandwa pasi. Mhepo yokumabvazuva yakauomesa, ukazunzwa michero yawo; matavi awo akasimba akaoma, uye moto ukaapisa.
But it was uprooted in fury, cast down to the ground, and the east wind dried up its fruit. Its strong branches were stripped off and they withered; the fire consumed them.
13 Zvino wakasimwa mugwenga, munyika yakaoma ine nyota.
Now it is planted in the wilderness, in a dry and thirsty land.
14 Moto wakapambira uchibva kune rimwe davi rawo guru ndokupisa michero yawo. Hapana davi rakasimba rakasara pauri rakanakira kuva tsvimbo yomutongi.’ Uku kuchema uye kunofanira kushandiswa pakuchema.”
Fire has gone out from its main branch and devoured its fruit; on it no strong branch remains fit for a ruler’s scepter.’ This is a lament and shall be used as a lament.”